RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ed pp. 27-30
  • Basa Revabereki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Basa Revabereki
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Dzidzo?
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shandirai Pamwe Chete Kwete Kukwikwidzana
  • Matambudziko Anomuka Muzvikoro Mazuva Ano
  • Zvinokosha Kudzidzo Yakanaka
    Mukai!—1996
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Vana Vedu—Nhaka Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha Zvinoona Sei Dzidzo?
ed pp. 27-30
Mufananidzo uri pamapeji 26-27

Basa Revabereki

Hapana mubvunzo kuti mazuva ano hazvisi nyore kurera vana vachizova vanhu kwavo kana vakura.

SANGANO rinotsvakurudza nezvezvirwere zvepfungwa rekuUnited States rinonzi U.S. NATIONAL Institute of Mental Health, rakabudisa zvakawanikwa paongororo yakaitwa yevabereki vakabudirira pakurera vana, uye vana vacho vaiva nemakore anopfuura 21, “vese vari vana vane chiyamuro uye vairatidza kuti vaigarisana nevamwe zvakanaka.” Vabereki vacho vakabvunzwa kuti: ‘Kubva pane zvamakaona pakurera vana, mazano api amungada kupa vamwe vabereki?’ Vakawanda vavo vakati: ‘Gara uchivaratidza rudo,’ ‘varange zvinoratidza kuti uri kuvavaka,’ ‘wana nguva yekuva navo,’ ‘dzidzisa vana vako kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa,’ ‘ita kuti vakuremekedze uye iwe varemekedzewo,’ ‘nyatsovateerera kana vachitaura,’ ‘vape mazano kwete kungotaura chete ivo vakanyarara,’ uye ‘usatarisire zvinopfuura zvavanokwanisa.’

Mufananidzo uri papeji 28

Varayiridzi vane basa rinokosha pakuita kuti vana vazova vanhu kwavo kana vakura

Asi vabereki havasi vega pabasa iri rekurera vana kusvika vava vanhu vakuru vanoziva zvavari kuita. Varayiridzi vane basa rinokoshawo panyaya iyi. Mumwe chipangamazano panyaya dzedzidzo akati: “Basa guru redzidzo nderekubatsira vabereki kuti varere vana vanozova vanhu vakuru vane pfungwa dzakapinza, vane utano hwakanaka, uye vakadzikama.”

Saka vabereki nevarayiridzi vane basa rimwe chete rekurera vana vanozova vanhu kwavo kana vakura uye vanonakidzwa neupenyu vachigarisana nevamwe zvakanaka.

Shandirai Pamwe Chete Kwete Kukwikwidzana

Matambudziko anowanzomuka kana vabereki vasingashandire pamwe chete nevarayiridzi. Semuenzaniso, vamwe vabereki havana kana basa nedzidzo yevana vavo; vamwewo vanoedza kukwikwidzana nevadzidzisi. Rimwe pepanhau rekuFrance rakakurukura nyaya yacho richiti: “Mudzidzisi haasisiri iye ega achiri kutungamirira padzidzo yemwana. Vabereki neshungu dzavanenge vainadzo dzekuti vana vavo vabudirire, vanoongorora mabhuku ari kudzidzwa kuchikoro, vanoshora uye vanotsoropodza nzira dziri kushandiswa pakudzidzisa vana, uye mwana akangofoira bvunzo dzake dzekutanga vanobva vaviruka nehasha.” Maitiro akadaro anogona kukanganisa basa revadzidzisi.

Mufananidzo uri papeji 29

Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti vana vanodzidza zvakanaka kana vabereki vachishandira pamwe nevarayiridzi, vachibatsira vana vavo uye vachiratidza kuti vane chido chekuti vadzidze

Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti vana vanodzidza zvakanaka kana vabereki vachishandira pamwe nevarayiridzi, vachibatsira vana vavo uye vachiratidza kuti vane chido chekuti vadzidze. Vanoona kuti kushandira pamwe kwakadaro kunokosha nekuti basa renyu semurayiridzi riri kuramba richioma.

Matambudziko Anomuka Muzvikoro Mazuva Ano

Matambudziko anowanikwa muzvikoro akangofanana neanosangana nevanhu mukurarama kwavo. Matambudziko aya ari kuramba achiwedzera. Pepanhau rinonzi The New York Times rakataura zviri kuitika pane chimwe chikoro muUnited States richiti: “Vana vanokotsira mukirasi, vanotyisidzirana pavanosangana mumapaseji munenge makanyorwa-nyorwa mashoko akashata, uye vanoshora vamwe vana vanogona chikoro. . . . Zuva rega rega vana vechikoro vakawanda vanenge vachinetseka nenyaya dzakadai sekuva nevabereki vari mujeri, kurwiswa nezvikwata zvematsotsi, uye kuchengeta kamwana kacheche. Mazuva ese pavana vashanu vega vega panotova nemumwe chete anenge arovha chikoro.”

Chimwe chinotyisa kuwedzera kuri kuita mhirizhonga muzvikoro pasi rese. Kare vana vaimbosundidzirana nekurovana, asi iye zvino vava kupfurana nekubayana nemapanga. Zvombo zvazara kwese kwese, vana vava kunyanya kushandisa zvinhu zvinokuvadza pakurwisa vamwe, havachatani kuita zvemhirizhonga, uye izvi zviri kutanga vachiri vadiki chaizvo.

Ichokwadi kuti izvi hazvisi kuitika munyika dzese. Kunyange zvakadaro, vadzidzisi vakawanda pasi rese vari kuona kuti zvakataurwa nepepanhau rekuFrance rinobuda vhiki rega rega rinonzi Le Point ndezvechokwadi parakati: “Mudzidzisi haacharemekedzwa; haachakwanisa kudzora vana.”

Mufananidzo uri papeji 30

Vabereki vakanaka vanowana nguva yekuva nevana vavo

Kusaremekedzwa kwevadzidzisi kwakadaro kune ngozi pavana vese. Saka Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kudzidzisa vana kuteerera uye kuremekedza vane masimba, izvo zvisiri kuitwa muzvikoro mazuva ano.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe