RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jv chits. 31 pp. 704-709
  • Kusarudzwa Nokutungamirirwa Kwavanoitwa Namwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusarudzwa Nokutungamirirwa Kwavanoitwa Namwari
  • Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kusarudza kwaMwari Munguva dzeBhaibheri
  • Zvakadiniko Nokusarudza kwaMwari Nhasi?
  • Kutsvaka Zvokwadi Kunobetsera
  • Kutungamirira Kunoita Jehovha Vanhu Vake
  • Kukura Muzivo Yakarurama Yezvokwadi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kuedza Nokusefa Kunotangira Mukati
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Ko Jehovha Anotungamirira Sei Sangano Rake?
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
jv chits. 31 pp. 704-709

Ganhuro 31

Kusarudzwa Nokutungamirirwa Kwavanoitwa Namwari

“KUNO mufungo bedzi kuti kungava norudzidziso rumwe rwechokwadi. Ikoku kunotsinhirana neidi rokuti Mwari wechokwadi ndiMwari, ‘asati ari wenyongano, asi worugare.’ (1 VaKorinte 14:33) Zvirokwazvo Bhaibheri rinoti kunongova no‘kutenda kumwe’ bedzi. (VaEfeso 4:5) Ko zvino, ndivanaani vanoumba mutumbi wavanamati vechokwadi nhasi? Hatizenguriri kutaura kuti ivo Zvapupu zvaJehovha,” rinozivisa kudaro bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.a

‘Munogona sei kuva nechokwadi kwazvo chokuti mune rudzidziso rwechokwadi?’ vamwe vangabvunza kudaro. ‘Hamuna ufakazi hunopfuura hwomuzvarirwo—hwakadai sezvipo zvinoshamisa. Uye mumakore ose akapfuura hamuna kufanira kuita gadziridzo here mumirangariro yenyu nedzidziso? Ipapoka, munogona sei kuva nechivimbo kwazvo chokuti muri kutungamirirwa naMwari.’

Kupindura mibvunzo iyoyo, kunobetsera kutanga kurangarira kusarudza nokutungamirira kwakaita Jehovha vanhu vake munguva dzakare.

Kusarudza kwaMwari Munguva dzeBhaibheri

Muzana ramakore rechi16 B.C.E., Jehovha akaunganidza vaIsraeri paGomo reSinai ndokuvakoka kuva vanhu vake vakasarudzwa. Kutanga, kunyange zvakadaro, Jehovha akavazivisa kuti kwaiva nezvinodikanwa chaizvo izvo vaizofanira kusvitsa. Iye akavaudza, kuti: “Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose . . . , [ipapo, NW] muchava fuma yangu chaiyo.” (Eks. 19:5) Kupfurikidza naMosesi, Jehovha akaonesa nenzira yakajeka zvinodikanwa zvacho, pashure pacho vanhu vakapindura, kuti: “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” Jehovha ipapo akaita sungano naIsraeri ndokuvapa Mutemo wake.—Eks. 24:3-8, 12.

Vakasarudzwa naMwari—iropafadzo inotyisa zvakadini! Asi ropafadzo iyoyo yakaunza pana Israeri basa rokusanoteerera Mutemo waMwari. Kukundikana kuita saizvozvo kwaizoguma nokurambwa kwavo sorudzi. Kuti aroverere mavari rutyo rwakanaka kuti vagozomuteerera, Jehovha akaparira zviratidzo zvinopfuura zvomuzvarirwo zvinoshamisa—“kutinhira nokupenya zvakavamba kuitika,” uye “gomo rose rakanga richizununguka zvikuru kwazvo.” (Eks. 19:9, 16-18; 20:18, 20, NW) Kwaanenge makore ane 1 500 akatevera, vaIsraeri vakanga vari munzvimbo yakatanhamara—vakanga vari vanhu vaMwari vakasarudzwa.

Muzana rokutanga ramakore C.E., zvisinei, mamirire ezvinhu akachinja zvikuru kwazvo. Israeri akarasikirwa nenzvimbo yake yakaropafadzwa, achiraswa naJehovha nemhaka yokuramba Mwanakomana wake. (Mat. 21:43; 23:37, 38; Mabasa 4:24-28) Jehovha ipapo akabudisa ungano yapakuvamba yechiKristu, yakavakirwa pana Kristu. PaPentekosta 33 C.E., Jehovha akadurura mudzimu mutsvene wake pavateveri vaJesu muJerusarema, achivaita “dzinza rakasarudzwa, . . . rudzi rutsvene, vanhu vepfuma chaiyo.” (1 Pet. 2:9, NW; Mabasa 2:1-4; VaEf. 2:19, 20) Vakava “vanhu vaMwari vakasarudzwa.”—VaK. 3:12, NW.

Kuva mutezo murudzi irworwo rwakasarudzwa kwaitsamira pamamirire ezvinhu. Jehovha akagadza zvinodikanwa zvorumano zvetsika nezvomudzimu zvaifanira kusvitswa. (VaG. 5:19-24) Avo vakawirirana nezvinodikanwa zvacho vakazviisa vamene mumutsara wokusarudzwa naye. Vangosarudzwa naMwari bedzi, zvisinei, kwaikosha kuti varambe vachiteerera mitemo yake. “Avo [bedzi] vanomuteerera somutongi” vaizopfuurira kugamuchira mudzimu mutsvene wake. (Mabasa 5:32, NW) Avo vaikundikana kumuteerera vakanga vari mungozi yokubviswa muungano neyokurasikirwa nenhaka yavo muUmambo hwaMwari.—1 VaK. 5:11-13; 6:9, 10.

Asi vamwe vaizoziva sei zvechokwadi kuti Mwari akanga asarudza ungano iyoyo yechiKristu yapakuvamba kuti itsive Israeri se“ungano yaMwari”? (Mabasa 20:28, NW) Chisarudzo chaMwari chakanga chiri pachena. Pashure porufu rwaJesu, Iye akapa zvipo zvinoshamisa kumitezo yeungano yechiKristu yapakuvamba kuratidza kuti zvino vakanga vava vanhu vaMwari vakasarudzwa.—VaH. 2:3, 4.

Zviratidzo zvinopfuura zvomuzvarirwo, kana kuti zvishamiso, zvaizova zviri madikanwa nguva dzose here kuzivisa avo vaisarudzwa ndokutungamirirwa naMwari munguva dzeBhaibheri? Aiwa, kana nepaduku zvapo. Mabasa anoshamisa akanga asati ari chiitiko chinozivikanwa navose munhau yose yeBhaibheri. Vanhu vakawanda zvikurusa vairarama munguva dzeBhaibheri havana kutongopupurira chishamiso. Zvakawanda zvezvishamiso zvakanyorwa muBhaibheri zvakaitika mukati mamazuva aMosesi naJoshua (zana ramakore rechi16 nerechi 15 B.C.E.), Eria naErisha (mazana amakore rechi10 nerechi9 B.C.E.), uye Jesu navaapostora vake (zana rokutanga ramakore rechi1 C.E.). Vamwe vanhu vakatendeka vakasarudzwa naMwari nokuda kwezvinangwa chaizvo, vakadai saAbrahama naDhavhidhi, vakacherekedza kana kuti vakawana ratidzirwo dzesimba raMwari, asi hakuna ufakazi hwokuti vakaita zvishamiso ivo vamene. (Gen. 18:14; 19:27-29; 21:1-3; enzanisa na2 Samueri 6:21; Nehemia 9:7.) Pamusoro pezvipo zvinoshamisa zvaivapo muzana rokutanga ramakore, Bhaibheri rakafanotaura kuti izvozvi zvaizo“bviswa.” (1 VaK. 13:8) Uye ikoku kwakaitika nokupfuura kwewokupedzisira wavaapostora 12 naavo vakanga vagamuchira zvipo zvinoshamisa kupfurikidza navo.—Enzanisa naMabasa 8:14-20.

Zvakadiniko Nokusarudza kwaMwari Nhasi?

Pashure pezana rokutanga ramakore, kuramba kutenda kwakafanotaurwa kwakatanga kusingadzorwi. (Mabasa 20:29, 30; 2 VaT. 2:7-12) Kwamazana amakore akawanda rambi rechiKristu chechokwadi raipfuta zvishomanene zvikuru. (Enzanisa naMateo 5:14-16.) Bva, mumumwe muenzaniso Jesu akaratidzira kuti pa‘mhedziso yetsika yezvinhu,’ kwaizova nomusiyano wakajeka pakati pe“gorosi” (vaKristu vechokwadi) uye “mashawi” (vaKristu vokuedzesera). Gorosi, kana kuti “vakasarudzwa,” vaizounganidzwa kuva ungano imwe yechokwadi yechiKristu, somuzana rokutanga ramakore. (Mat. 13:24-30, 36-43) Jesu akarondedzerawo mitezo yakazodzwa yeungano iyoyo so“muranda akatendeka uye akachenjera” uye akaratidzira kuti munguva yomugumo, ivo vaizova vachigovera zvokudya zvomudzimu. (Mat. 24:3, 45-47, NW) Muranda iyeyo akatendeka aizokumbanirwa ne“boka guru” ravanamati vechokwadi vanobva mumarudzi ose.—Zvak. 7:9, 10, NW; enzanisa naMika 4:1-4.

Vanamati vechokwadi vanorarama munguva yomugumo vaizozivikanwa sei? Vaizova vakarurama nguva dzose here, chisarudzo chavo chaizova chisina chikanganiso here? Vaapostora vaJesu vakanga vachingoda ruramiso. (Ruka 22:24-27; VaG. 2:11-14) Kufanana navaapostora, vateveri vechokwadi vaKristu muzuva redu vanofanira kuva vanozvininipisa, vanodisa kugamuchira chirango uye, apo kunenge kuri madikanwa, kuita gadziridzo, kuti vasanotsinhiranisa zvikuru nguva dzose kufunga kwavo nokwaMwari.—1 Pet. 5:5, 6.

Apo nyika yakapinda mumazuva okupedzisira muna 1914, ibokai rakabvumikisa kuva sangano rimwe rechokwadi rechiKristu? ChiKristudhomu chakazara nechechi dzaitaura kuti dzinomirira Kristu. Asi mubvunzo ndewokuti: “Ndeipi, kana iripo, pakati padzo yakanga ichisvitsa zvinodikanwa zvapaMagwaro?

Ungano imwe yechokwadi yechiKristu yaizofanira kuva sangano rinoomerera kuBhaibheri sechiremera charo chikurusa, kwete iya inonokora mashoko ndima dzakapararira asi ichiramba dzasara dzose apo idzodzi dzinenge dzisingawirirani nedzidziso yayo yapanguva iyoyo. (Joh. 17:17; 2 Tim. 3:16, 17) Raizofanira kuva sangano rine mitezo—kwete mimwe asi yose—iyo isati iri zvirokwazvo rutivi rwenyika, mukutevedzera Kristu. Naizvozvo vaigona sei kuzvibatanidza vamene mune zvematongerwe enyika, sezvakaita zvaitazve chechi dzechiKristudhomu? (Joh. 15:19; 17:16) Sangano rechiKristu rechokwadi raizofanira kupupurira zita raMwari, Jehovha, uye kuita basa iro Jesu akarayira—kuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kufanana neungano yomuzana rokutanga ramakore, kwete mishomanene chete asi mitezo yayo yose yaizova vaparidzi veevhangeri vomweya wose. (Isa. 43:10-12; Mat. 24:14; 28:19, 20; VaK. 3:23) Vanamati vechokwadi vaizozivikanwawo norudo rwavo rwokurega zvimwe zvinhu nokuda kwomumwe nomumwe, rudo rwaizodarika mipingo yedzinza neyorudzi ndokuvabatanidza kuva sangano renyika yose. Rudo rwakadaro rwaizofanira kuratidzirwa kwete chete muzviitiko zvishomanene asi nenzira yaizovatsaura zvirokwazvo sesangano.—Joh. 13:34, 35.

Nenzira yakajeka, apo nguva yomugumo yakavamba muna 1914, hapana neimwe yechechi dzechiKristudhomu yakanga ichisvitsa iyi mipimo yeBhaibheri yeungano imwe yechokwadi yechiKristu. Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, naVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo?

Kutsvaka Zvokwadi Kunobetsera

Sejaya, C. T. Russell akasvika pamhedziso yokuti Bhaibheri rakanga rakwenengerwa zvakaipa zvikuru nechiKristudhomu. Akadavirawo kuti yakanga yava nguva yokuti Shoko raMwari rinzwisiswe uye kuti avo vaizofunda Bhaibheri zvapachokwadi ndokurishandisa muupenyu hwavo vaizowana nzwisiso.

Nhau yakanyorwa youpenyu hwaRussell, yakabudiswa chinguvana pashure porufu rwake, yakatsanangura, kuti: “Iye akanga asati ari muvambi worudzidziso rutsva, uye haana kutongotaura zvakadaro. Akamutsidzira zvokwadi huru dzakadzidziswa naJesu naVaapostora, uye akatendeudzira chiedza chezana ramakore rechimakumi maviri pana idzodzi. Iye haana kutaura kuti akava neziviso chaiyo yakabva kuna Mwari, asi aidavira kuti yakanga yava nguva yakafanira yaMwari yokuti Bhaibheri rinzwisiswe; uye kuti, achiva akazvitsaurira zvizere kunaShe nokubasa Rake, akabvumidzwa kurinzwisisa. Nemhaka yokuti iye akazvipa amene kukukura kwezvibereko nenyasha dzoMudzimu Mutsvene, chipikirwa chaShe chakazadzikwa maari: ‘Nokuti kana zvinhu izvozvi zvikava mamuri ndokuwanda, zvinokuitai kuti imi musazova vasingabereki kana kuti vasingabetseri mukuziva Ishe wedu Jesu Kristu.’—2 Petro 1:5-8.”—Nharireyomurindi yechiNgezi, December 1, 1916, p. 356.

Kutsvaka nzwisiso yapaMagwaro kwakaitwa naC. T. Russell navasonganiri vake kwakabetsera. Savadi vezvokwadi, vaidavira kuti Bhaibheri iShoko rakafuridzirwa raMwari. (2 Tim. 3:16, 17) Vairamba pfungwa dzemhindumupindu dzaDarwin nemirangariro inoparadza kutenda yavatsoropodzi vamanyoro veBhaibheri. Vachigamuchira Magwaro sechiremera chikurusa, vakarambawo dzidziso dzisiri dzapaMagwaro dzoUtatu, kusafa kwomweya, uye kutambudzwa kusingagumi—dzidziso dzine mavambo orudzidziso rwechihedheni. Pakati pe“zvokwadi huru” idzo vaigamuchira paiva nedzokuti Jehovha ndiye Musiki wezvinhu zvose, kuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari, uyo akapa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwavamwe, uye kuti pakudzoka kwake Jesu aizovapo asingaoneki sechisikwa chomudzimu. (Mat. 20:28; Joh. 3:16; 14:19; Zvak. 4:11) Vakanzwisisawo nenzira yakajeka kuti munhu mweya unofa.—Gen. 2:7; Ezek. 18:20.

Hakusati kuri kuti Vadzidzi veBhaibheri vakabatanidzwa naRussell vakawana zvokwadi dzose idzodzi; dzakawanda dzakanga dzanzwisiswa pakuvamba zvikuru navanhu vapachokwadi vaitaura kuti vaKristu, vamwe vavo vakatomira vakasimba apo zvitendero zvakadaro zvakanga zvisina kukurumbira. Asi vanhu vakadaro vakawirirana nezvinodikanwa zvose zvapaMagwaro zvokunamata kwechokwadi here? Somuenzaniso, vakanga vasati vari zvirokwazvo rutivi rwenyika here sezvo Jesu akataura kuti vateveri vake vaizova?

Mukuwedzera kumurangariro wavo weBhaibheri, Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba vakabatanidzwa naRussell vakatanhamara mudzimwe nzirai sevakasiyana? Zvirokwazvo mushingairo yavakaratidzira mukugoverana zvitendero zvavo navamwe, nesimbiso chaiyo pakuzivisa zita raMwari noUmambo. Kunyange zvazvo vakanga vari vashomanene zvikuru munhamba, vakakurumidza kupinda munyika dzakawanda namashoko akanaka. Vakanga vasati variwo zvirokwazvo rutivi rwenyika, savateveri vaKristu here? Mune mamwe mativi, hungu. Asi kuziva kwavo basa rinobatanidzwa muna ikoku kwakakura kubvira paHondo Yenyika I, kutozosvikira zvino chave chiri chiratidzo chakatanhamara cheZvapupu. Hakufaniri kufuratirwa kuti apo mamwe mapoka orudzidziso akanga achirumbidza Chinzwano chaMarudzi uye, gare gare, Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, Zvapupu zvaJehovha zvaizivisa Umambo hwaMwari—kwete sangano ripi neripi rakaitwa navanhu—setariro bedzi yorudzi rwomunhu.

Asi zvimwe zvezvitendero zveZvapupu zvaJehovha hazvina kugadziridzwa here mumakore ose akapfuura? Kana zvakasarudzwa zvirokwazvo uye zvichitungamirirwa naMwari uye kana dzidziso dzazvo dzakatsigirwa nechiremera chapaMagwaro kutanga, neiko chinjo dzakadaro dzaizova dziri madikanwa?

Kutungamirira Kunoita Jehovha Vanhu Vake

Avo vanoumba sangano rimwe rechokwadi rechiKristu nhasi havana ziviso dzengirozi kana kuti kufuridzira kwoumwari. Asi vane Magwaro Matsvene akafuridzirwa, ayo ane ziviso dzokufunga kwaMwari nokuda. Sesangano uye somunhu mumwe nomumwe, vanofanira kugamuchira Bhaibheri sezvokwadi youmwari, kusanorifunda, uye kurirega richishanda mavari. (1 VaT. 2:13) Asi vanosvika sei panzwisiso yakarurama yeShoko raMwari?

Bhaibheri rimene rinoti: “Kududzira hakuzi kwaMwari here?” (Gen. 40:8) Kana mukufunda kwavo Magwaro chikamu chamashoko chakati chakaoma kunzwisisa, vanofanira kutsvaka kuti vawane zvimwe zvikamu zvamashoko zvakafuridzirwa zvinojekesa nhau yacho. Nokudaro vanorega Bhaibheri richizvidudzira rimene, uye kubva muna ikoku vanoedza kunzwisisa “mutoo” wezvokwadi unoratidzwa muShoko raMwari. (2 Tim. 1:13, NW) Jehovha anovatungamirira kana kuti kuvadzora kusvika kunzwisiso yakadaro kupfurikidza nomudzimu mutsvene wake. Asi kuti vawane nhungamiro yomudzimu iwoyo, vanofanira kusakurira zvibereko zvawo, kwete kuchemedza kana kuti kurwisana nawo, uye kuramba vachigamuchira kusunda kwawo. (VaG. 5:22, 23, 25; VaEf. 4:30) Uyezve, kupfurikidza nokushandisa nenzira yokushingaira zvavanodzidza, vanoramba vachivaka kutenda kwavo, sehwaro hwokuwana nzwisiso inoramba ichijeka zvikuru yokuti vanofanira sei kuita kuda kwaMwari munyika yavasiri rutivi rwayo.—Ruka 17:5; VaF. 1:9, 10.

Jehovha anguve achitungamirira vanhu vake kusvika kunzwisiso yakajeka zvikuru yokuda kwake. (Pis. 43:3) Kuti akavatungamirira sei chaizvo kungaenzanisirwa neiyi nzira: Kana munhu ave ari mukamuri rine rima kwenhambo refu yenguva, hakusati kuri kwakanakisisa here kana akaratidzirwa kuchiedza zvishoma nezvishoma? Jehovha akaratidzira vanhu vake kuchiedza chezvokwadi nomutoo wakafanana; akavavhenekera nenzira inofambira mberi. (Enzanisa naJohane 16:12, 13.) Kwave kuri sokutaura kunoita chirevo, kuti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”—Zvir. 4:18.

Kubata kwaJehovha navabatiri vake vakasarudzwa munguva dzeBhaibheri kunosimbisa kuti nzwisiso yakajeka yokuda kwake nezvinangwa kazhinji kazhinji inouya zvishoma nezvishoma. Nokudaro, Abrahama haana kunzwisisa zvizere nzira iyo chinangwa chaJehovha pamusoro pe“mbeu” chaizoshanda nayo. (Gen. 12:1-3, 7; 15:2-4; enzanisa naVaHebheru 11:8.) Dhanieri haana kunzwisisa mugumisiro wokupedzisira wouporofita hwaakanyora. (Dhan. 12:8, 9) Jesu, apo akanga ari pasi pano, akabvuma kuti akanga asingazivi zuva nenguva apo tsika iripo yezvinhu yaizoguma. (Mat. 24:36) Vaapostora pakutanga havana kunzwisisa kuti Umambo hwaJesu hwaizova hwokudenga, kuti hwakanga husati huchifanira kugadzwa muzana rokutanga ramakore, uye kuti kunyange Vamarudzi vangahugara nhaka.—Ruka 19:11; Mabasa 1:6, 7; 10:9-16, 34, 35; 2 Tim. 4:18; Zvak. 5:9, 10.

Hakufaniri kutishamisa kuti munguva dzazvino unowo, Jehovha kazhinji kazhinji akatungamirira vanhu vake sesangano rinofambira mberi, achivavhenekera zvishoma nezvishoma pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri. Hadzisati dziri zvokwadi dzimene dzinochinja. Zvokwadi inoramba iri zvokwadi. Kuda kwaJehovha nechinangwa, sezvinoratidzwa muBhaibheri, zvinoramba zviri zvisingachinjiki. (Isa. 46:10) Asi nzwisiso yavo yeidzi zvokwadi inojeka zvikuru nenzira inofambira mberi “panguva yakafanira,” nguva yakafanira yaJehovha. (Mat. 24:45; enzanisa naDhanieri 12:4, 9.) Padzimwe nguva, nemhaka yechikanganiso chavanhu kana kuti shingairo isina kururama, murangariro wavo ungafanira kugadziridzwa.

Somuenzaniso, panguva dzakasiyana-siyana munhau yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha, shingairo yazvo nembavarira nokuda kwokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha zvakatungamirira kukariro dzokukurumidza pamusoro pokuti ndirini apo mugumo wetsika yaSatani yezvinhu waizosvika. (Ezek. 38:21-23) Asi Jehovha haana kuzivisa pachine nguva mberi nguva chaiyoiyo. (Mabasa 1:7) Nokudaro, vanhu vaJehovha vakafanira kugadziridza mirangariro yavo muiyi nhau.

Gadziridzo dzakadaro mumurangariro hadzisati dzichireva kuti chinangwa chaMwari chakachinja. Uyewo hadzikarakadzi kuti mugumo wetsika ino uchiri hawo kure kure. Mukupesana, kuzadzikwa kwouporofita hweBhaibheri pamusoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu” kunosimbisa kuva pedyo kwomugumo. (Mat. 24:3, NW) Eya, idi rokuti Zvapupu zvaJehovha zvakava nekariro dzokukurumidza rinoreva kuti hazvisati zviri kutungamirirwa naMwari here? Kwete kunyange sezvo mubvunzo wavadzidzi pamusoro pokuva pedyo kwoUmambo muzuva ravo usina kureva kuti vakanga vasiri vakasarudzwa navanotungamirirwa naMwari!—Mabasa 1:6; enzanisa naMabasa 2:47; 6:7.

Neiko Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi kwazvo chokuti zvine rudzidziso rwechokwadi? Nemhaka yokuti zvinodavira uye zvinogamuchira izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro pezviratidzo zvinozivisa zvavanamati vechokwadi. Nhau yazvo yomuzuva razvino uno, seyakakurukurwa mumaganhuro apakuvamba zvikuru echinyorwa chino, inoratidza kuti, kwete chete savanhu vamwe navamwe asi sesangano, zvinosvitsa zvinodikanwa: Zvinotsigira nokuvimbika Bhaibheri seShoko raMwari rinoyera rezvokwadi (Joh. 17:17); zvinoramba zvakaparadzana chose chose nezvinhu zvenyika (Jak. 1:27; 4:4); zvinopupurira zita raMwari, Jehovha, uye zvinozivisa Umambo hwaMwari setariro bedzi yorudzi rwomunhu (Mat. 6:9; 24:14; Joh. 17:26); uye zvinodanana zvapachokwadi.—Joh. 13:34, 35.

Neiko rudo rwuri chiratidzo chinozivisa chakatanhamara chavanamati vaMwari wechokwadi? Rudzii rworudo urwo rwunozivisa vaKristu vechokwadi?

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 705]

Vangosarudzwa naMwari bedzi, kwaikosha kuti varambe vachiteerera mitemo yake

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 706]

Vanamati vechokwadi vanorarama munguva yomugumo vaizozivikanwa sei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 707]

“Iye haana kutaura kuti akava neziviso chaiyo yakabva kuna Mwari”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 708]

Vanorega Bhaibheri richizvidudzira rimene

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 709]

Jehovha akatungamirira vanhu vake sesangano rinofambira mberi, achivavhenekera zvishoma nezvishoma pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe