Rarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano
Mwari anopikira upenyu husingagumi kuna avo vanomukudza. “Vakarurama ivo vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachagara pariri nokusingaperi,” Shoko rake rinotiita tive nechokwadi.—Pisarema 37:29, NW.
Bva, kuti ugoverengerwa pakati pa“vakarurama,” unodikanirwa kuita zvakawanda zvinopfuura kuva anoziviswa pamusoro pedzidziso yoUtatu. Unodikanirwa kuenderera mberi muzivo pamusoro paMwari. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubetsera, kana usati uchigamuchira betsero iyeyo. Ingonyorera bedzi kuWatch Tower kukero yakakodzera yakarongwa pasi apa, uchikumbira mamwe mashoko kana kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti auye kumba kwako ndokufunda newe Bhaibheri nguva dzose pachena.