RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 422-426
  • Zvepabonde

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvepabonde
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Mibvunzo 10 Yezvebonde Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana
    Mukai!—2013
  • Pane Pazvinganzi Ungochani Hwakanaka Here?
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 422-426

Zvepabonde

Tsanangudzo: Kurara pamwe chete kwevabereki zvinozoita kuti vakwanise kuita vana. Kusiyana kwakaita vanhurume nevanhukadzi kune zvakunoita zvikuru muupenyu hwevanhu. Sezvo Mwari ari iye anopa upenyu uye sezvo vanhu vachifanira kuratidza unhu hwake, vanhu vanofanira kuremekedza zvikuru kukwanisa kwavanoita kuita kuti pave nomumwe munhu mupenyu kuburikidza nokuita zvepabonde.

Bhaibheri rinodzidzisa here kuti kuita zvepabonde chivi?

Gen. 1:28: “Mwari akavakomborera [Adhamu naEvha], Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika.’” (Kuti vazadzise murayiro waMwari uyu zvaida kuti vaite zvepabonde, handizvo here? Kuita kudaro kwaisava chivi asi kwaienderana nechinangwa chaMwari chokuti pasi rizare nevanhu. Vamwe vanhu vakafunga kuti ‘muchero wakarambidzwa’ muEdheni unofanira kunge waimiririra chimwe chinhu chakarambidzwa naMwari kana kuti waireva kuti Adhamu naEvha vakarambidzwa kuita zvepabonde. Asi izvozvo zvinopesana nomurayiro waMwari wataurwa pamusoro apa. Zvinopesanawo nechokwadi chokuti kunyange zvazvo Adhamu naEvha vakadya muchero wakarambidzwa muEdheni, pokutanga pavanonzi vakaita zvepabonde ndepavakanga vatodzingwa muEdheni.—Gen. 2:17; 3:17, 23; 4:1.)

Gen. 9:1: “Mwari akakomborera Noa nevanakomana vake akati kwavari: ‘Berekai muwande, muzadze nyika.’” (Ichi chimwezve chikomborero pamwe chete nokutaurwa zvakare kwomurayiro waMwari wokuberekana, zvakataurwa pashure peMafashamo epasi pose omunguva yaNoa. Maonero aMwari panyaya yokuita zvepabonde zviri pamutemo haana kuchinja.)

1 VaK. 7:2-5: “Nokuda kwokupararira kwoufeve, murume mumwe nomumwe ngaave nomudzimai wake uye mukadzi mumwe nomumwe ave nomurume wake. Murume ngaape mudzimai wake zvaanofanira kuwana; uye mudzimai ngaaitire murume wake saizvozvowo. . . . Musanyimana, asi mubvumirane kwenguva yakatarwa, . . . kuti Satani arege kuramba achikuedzai nokuda kwokushaya kwenyu kuzvidzora.” (Saka chakaipa kuita ufeve, kwete kuita zvepabonde kunoitwa nemurume nemudzimai vakaroorana.)

Kuita zvepabonde vanhu vasati varoorana kwakaipa here?

1 VaT. 4:3-8: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari . . . kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete pakuda kurara nomumwe munhu kworuchiva sezvinoitawo mamwe marudzi aya asingazivi Mwari; kuti parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza opindira pakodzero dzehama yake panyaya iyi, nokuti Jehovha ndiye anoranga nokuda kwezvinhu zvose izvi, sezvatakakuudzai zvisati zvaitika, tikakupupuriraiwo kwazvo. Nokuti Mwari akatidana, asingabvumiri zvinhu zvisina kuchena, asi maererano noutsvene. Naizvozvo, munhu anozvidza haasi kuzvidza munhu, asi ari kuzvidza Mwari, uyo anoisa mudzimu wake mutsvene mamuri.” (Shoko rechiGiriki rokuti por·neiʹa, rinoshandurwa kuti “ufeve,” rinoreva kuita zvepabonde kwevanhu vasina kuroorana, uyewo kwevanhu vakaroorana vanoita gumbo mumba gumbo panze.)

VaEf. 5:5: “Hapana chifeve kana munhu asina kuchena kana munhu anokara—zvinoreva kuva munhu anonamata zvidhori—ane nhaka chero ipi zvayo muumambo hwaKristu nohwaMwari.” (Izvi hazvirevi kuti chero munhu aiva chifeve kare haagoni kuwana zvikomborero zvoUmambo hwaMwari, asi anofanira kusiya mararamiro ake kuitira kuti afarirwe naMwari. Ona 1 VaKorinde 6:9-11.)

Bhaibheri rinobvumira here kuti vanhu vagare pamwe chete somurume nomudzimai vasina kuroorana zviri pamutemo?

Ona mapeji 143, 144, pasi pemusoro unoti “Kuroorana.”

Bhaibheri rinotii nezveungochani?

VaR. 1:24-27: “Mwari, maererano nokuchiva kwemwoyo yavo, akavaisa kuzvinhu zvisina kuchena, kuti varege kuremekedza miviri yavo . . . Mwari akavarega vachiva nechido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu, nokuti vanhukadzi vavo vakachinja zvavakasikirwa kuti zvive zvakasiyana nemasikirwo avo; saizvozvowo kunyange vanhurume vakasiya zvakasikirwa munhukadzi vakatsva kwazvo pakuchivana kwavo, vanhurume nevanhurume, vachiita zvinonyadzisa uye vachigamuchira muripo wakakwana, uyo wakanga wakakodzera kukanganisa kwavo.”

1 Tim. 1:9-11: “Mutemo hauitirwi munhu akarurama, asi vanhu vasingateereri mutemo nevasingadzoreki, vasingadi Mwari nevatadzi, . . . zvifeve, varume vanorara nevarume, . . . uye zvinhu zvose zvinopesana nokudzidzisa kunopa utano maererano nemashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara.” (Enzanisa naRevhitiko 20:13.)

Jud. 7: “Sodhoma neGomora nemaguta akanga akaapoteredza, pashure pokunge . . . atsvaka kufadza nyama kusiri kwomusikirwo . . . anoiswa pamberi pedu somuenzaniso unonyevera nokutongwa kwawo achirangwa nomoto usingaperi.” (Enzanisa naGenesisi 19:4, 5, 24, 25.)

VaKristu vechokwadi vanoona sei vaya vaizivikanwa nokuita ungochani?

1 VaK. 6:9-11: “Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa kuita zvinhu zvisiri zvomusikirwo, kana varume vanorara nevarume . . . havazogari nhaka youmambo hwaMwari. Vamwe venyu ndizvo zvamakanga makaita. Asi makagezwa mukachena, asi makatsveneswa, asi makanzi makarurama muzita raShe wedu Jesu Kristu uye nomudzimu waMwari wedu.” (Pasinei nokuti vaimborarama zvakadaro, kana vanhu vakasiya miitiro yavo yekare isina kuchena, voteerera mitemo yaJehovha yakarurama, uye vova nokutenda muurongwa hwake hwokukanganwira zvivi kuburikidza naKristu, vanogona kuva vakachena kuna Mwari. Pashure pokuchinja upenyu hwavo vanogona kugamuchirwa muungano yechiKristu.)

VaKristu vechokwadi vanoziva kuti vanhu vanoda zvechokwadi kufadza Jehovha vanokwanisa kukurira kunyange zvishuvo zvakaipa zvakadzika midzi, zvinosanganisira zviya zvinonzi zviri muropa kana kuti zvinoparirwa nemuviri kana zvinoitika munzvimbo inogara munhu. Vamwe vanhu vakangoberekwa vari vanhu vane hasha. Zvichida kare vaiita hasha vachiti hadzina kuipa; asi kuziva zvinodiwa naMwari, chido chokumufadza, uye kubatsirwa nomudzimu wake kunovabatsira kuzvidzora. Mumwe munhu anogona kunge ari chidhakwa, asi nevavariro dzakanaka anogona kurega kunwa zvinodhaka obva arega kudhakwa. Saizvozvowo, munhu anganzwa achikwezvwa nevarume iye ari murume kana kukwezvwa nevakadzi iye ari mukadzi, asi nokuteerera zano reShoko raMwari anogona kuramba akachena asingaiti zvoungochani. (Ona VaEfeso 4:17-24.) Jehovha haabvumiri kuti tirambe tichifunga kuti hazvina basa kana tikava nomufambiro wakaipa; anotinyevera nomutsa uye zvakasimba nezvemigumisiro yacho uye anobatsira zvikuru vaya vanoda ku‘pfekenura unhu hwekare nemabasa ahwo, vopfeka unhu hutsva.’—VaK. 3:9, 10.

Zvinotaura Bhaibheri nezvepabonde ndezvechinyakare kana kuti zvinodzvinyirira here?

1 VaT. 4:3-8: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari . . . kuti murege ufeve . . . Naizvozvo, munhu anozvidza haasi kuzvidza munhu, asi ari kuzvidza Mwari, uyo anoisa mudzimu wake mutsvene mamuri.” (Zvinotaura Bhaibheri nezvepabonde hadzisi pfungwa dzevanhu vakararama kare. Zvinobva kuMusiki wevanhu; zvinoratidza pachena zvinodiwa kuti munhu afarirwe naMwari; zvinopawo mirayiridzo inobatsira kuti mhuri dzive dzakasimba uye dzive noukama hwakanaka hunofadza nevamwe vasiri vomumhuri. Vaya vanoshandisa zano iri vanozvidzivirira pakunetseka mupfungwa uye zvirwere zvinosemesa zvinoparirwa nokusazvibata. Zano reBhaibheri rinofambirana nenguva kana pava pakubatsira vaya vanoda kuva nehana yakachena kuna Mwari uye upenyu husina zvinovhiringidza zvavanogona kudzivisa.)

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Munoona sei ungochani?’

Ungapindura kuti: ‘Maonero angu ndiwo anotaurwa pano apa muBhaibheri. Ndinodavira kuti zvarinotaura zvinokosha zvikuru kupfuura pfungwa dzomunhu chero upi, nokuti rinotaura mafungiro oMusiki wevanhu. (1 VaK. 6:9-11) Muchaona kuti vamwe vevaya vakava vaKristu vaimboita ungochani kare. Asi pamusana pekuda kwavo Mwari, uye nokubatsirwa nomudzimu wake, vakachinja.’

Kana kuti ungati: ‘Ndingati ndakaona kuti vanhu vakawanda vanoti ungochani hahunyadzisi havadaviri kuti Bhaibheri iShoko raMwari. Ndingabvunza kuti munofungei nezveBhaibheri?’ Kana munhu wacho achitenda zvinotaurwa neBhaibheri, ungawedzerawo kuti: ‘Nyaya youngochani haisi itsva. Bhaibheri rinozivisa zvakajeka maonero aJehovha Mwari asingachinji. (Zvichida ungashandisa mashoko ari papeji 424.)’ Kana munhu wacho achiratidza kuti haana chokwadi chokuti Mwari ariko kana kuti haana chokwadi neBhaibheri, ungawedzera kuti: ‘Kudai kwakanga kusina Mwari, taisazofanira kuzvidavirira kuna Mwari saka taizorarama tichiita zvatinoda. Saka mubvunzo chaiwo ndewokuti, Mwari ariko here uye ndiye akandisika here [uyewo, zvichida, Bhaibheri rakafuridzirwa naMwari here]? (Shandisa mashoko ari pamapeji 258-264 kana kuti 37-46.)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe