Ganhuro 22
Mwari wo“Muchinda woRugare” Anova “Zvinhu Zvose Kumunhu Ari Wose”
CHINGUVANA pashure porumuko rwake, “Muchinda woRugare” akataura kuno mumwe wavadzidzi vake, kuti: “Ini ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu nokuna Mwari wangu nokuna Mwari wenyu.” (Johane 20:17) Kupfurikidza namashoko iwawo iye akabvuma kuti Baba vake vokudenga vakanga variwo Mwari wake, Uyo oga bedzi waainamata. Mukunamata kwakadaro iye akagadza muenzaniso nokuda kwezvimwe zvisikwa zvose mudenga mose napasi.
2 Haiwa “Muchinda woRugare” achava muenzaniso wakaisvonaka zvakadini kuna vanhu vose vanokwaniswa apo iye anozviisa amene mukuvimbika munzira chaiyo pasi poUyo ari Changamire akakwana wechisiko chapose pose chose! Ikoku kucharatidzirwa nomutoo usingaenzanisirwi pakupera kwoKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwake pavanhu, apo iye achave adzorera rugare, chengeteko, netsinhirano kupasi rose. Muchiporofita chisingakanganisi, tinosimbisirwa nezvaikoku:
3 “Tevere, mugumo, apo iye anogamuchidza Umambo kuna Mwari wake naBaba, apo iye anenge aparadza hurumende yose nechiremera chose nesimba. Nokuti iye anofanira kubata ushe saMambo kutozosvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake. Somuvengi wokupedzisira, rufu rwuchaparadzwa. Asi apo zvinhu zvose zvichave zvaiswa pasi pake, ipapo Mwanakomana iye amene achazviisawo iye amene pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari agova zvinhu zvose kumunhu ari wose.” (1 VaKorinte 15:24-26, 28) Kana kuti sokushandura kunoita The Amplified Bible rutivi rwapashure rwendima 28, kuti: “Kuti Mwari agova zvose muzvose—ndiko kuti, ave chinhu chiri chose kumunhu ari wose, mukuru, chinhu chinokuchidzira nechinodzora choupenyu.”
4 Apo “Muchinda woRugare” anogamuchidza Umambo kuna Mwari wake pakupera kwoKutonga Kwamakore Ane Chiuru, vagari vapasi vachava vanoziviswa nezveichi chiito chaBaba vavo vokurera. Vanaye soMuenzaniso woUmambo wavo, nenzira yakafanana ivo vamene murutivi rutsva vachazviisa pasi paMwari Wokumusorosoro. Zvino kwenguva yokutanga vachaita kuzviisa pasi kwakananga kuna Jehovha, hungu, kunamata, muhuchokwadi hwose nomuzvokwadi, vasati vachasitongodazve mabasa omuprista aJesu, kwete kunyange pakunyengetera.
5 Neiyi nzira Mwari Wokumusorosoro anovazve Mambo wechisiko chapose pose chose asina mumiriri woumambo nokuda kwake mudenga kana kuti zvimwe pasi pano. Kuri pachena kuti madzimambo anosonganira ane 144 000 awo Jesu Kristu akadzikinura mupasi achapfugamawo pamberi poMubati ushe Woumambo Mukuru uye mune iyi pfungwa yakawedzerwa achamubvuma kuva Changamire Wechisiko Chapose pose.
Muedzo Wokupedzisira Pavanhu Vose
6 Achibvuma Jehovha soMutongi Mukurusa, Jesu Kristu anoshuva kuti tendero iri madikanwa yose youmwari iratidzirwe pabasa iro Jesu akapedza mukati Mokubata ushe kweMireniyumu kwake. Mukati moubati ushe ihwohwo, vanhu ivavo vakaramba kuwirirana nezvinodikanwa zvokururama uye avo vakaratidzira kusateerera Mambo vachave vaparadzwa. Nenzira iyeyo, avo Jesu Kristu anogamuchidza kuna Jehovha Mwari, Mutongi wokupedzisira, vachava avo vanoteerera vakasvika kukukwana kwohunhu.
7 Pamugumo iwowo inova nguva yokuti mugariro wokushingaira wokuzvipira kwohunhu kuna Changamire Wechisiko Chapose pose, Jehovha Mwari, uve unoedzwa. Somune chinoitika chaJobho, mubvunzo ndowokuti: “Ko ivo vanoda nokunamata Mwari bedzi nokuda kwezvinhu zvose zvakanaka zvaakavaitira here, kana kuti ivo vanomuda nokuda kweizvo ari iye amene—Changamire Akafanira wechisiko chapose pose? (Jobho 1:8-11) Asika kuvimbika kwomwoyo wavanhu vakakwaniswa kuchaedzwa sei? Bhaibheri rinopindura, kuti: Satani Dhiabhorosi namadhemoni ake vachasunungurwa “kwechinguvana” mugomba rakadzika-dzika umo ivo vave vakapfigirwa kwamakore ane chiuru. (Zvakazarurwa 20:3) Kupfurikidza nokubvumidza Dhiabhorosi kuedza vanhu vakadzorerwa, mitezo yavanhu vakakwaniswa inogona kuva inobvumikiswa pamsoro pokuperera kwayo somunhu mumwe nomumwe kuna Mwari mupfungwa yakakwana.—Enzanisa naJobho 1:12.
8 Makore ane zviuru zvinomwe akapfuura, Satani Dhiabhorosi akanga achikwanisa kunyengedza Adhama naEvha vakakwana kuita chivi kupfurikidza nokutora nzira yechiito youdyire. Magwaro haasati achireva kuti Jehovha achabvumidza Satani namadhemoni ake kushandisa mitoo yakadini yomuedzo pashure pokubudiswa kwavo mugomba rakadzika-dzika. Asi mukusapanikira kuchava neudzisiro kuudyire nokuchishuvo chokuzvitonga kunze kwaMwari. Iye amene achiri mupandukiri wouchangamire hwaJehovha, Dhiabhorosi achava akatsunga pakuita vapanduki vavanhuwo. Kuti mauto amadhemoni achava anobudirira chaizvoizvo kusvikira kumweroi hakuzatiwo kuchitaurwa, asi kuchava navapanduki vohunhu vakaringanira kuita kuti vaonwe seboka guru. Chivi chinoitwa nechisikwa chipi nechipi chavanhu, zvino vakwaniswa, panguva iyeyo chichava chinoitwa nomutoo wokuchenjera uye, nokuda kwechikonzero ichecho, chinova choune, chokudisa. Chicharatidzira kubva pakunamatwa kwechokwadi kwaMwari wechokwadi bedzi nomupenyu nokutorwa kworutivi rwaSatani Dhiabhorosi. (Zvakazarurwa 20:7, 8) Nokuda kwechikonzero ichecho, mune chinoitika chaava vapandukiri, Jehovha haasati achiva “zvinhu zvose kuchinhu chiri chose.”
9 Zvisinei, vakavimbika vanoramba kukurirwa nepokanidzano nedzvinyiriro dzavanhu vanotsauswa, vourudzi. Nomutoo wokusazengurira, vakavimbika vanosarudza kurega Jehovha achiva “zvinhu zvose kumunhu ari wose” mune chinoitika chavo. Nokuda kweruramisiro iyo imene, uchangamire hwaJehovha hunofanira kugombedzerwa zvakatsiga. Naizvozvo, vapanduki vose vanopesvedzerwa naSatani pasi pano vachaparadzwa mukuvapo nokusingaperi. Vanobviswa chose chose! Dunhu risingaoneki rechisiko rinofanirawo kubviswa vapanduki vose. Naizvozvo, kusvitsa kunatswa kwenzvimbo iri yose kukukwana, Satani Dhiabhorosi namapoka ake ose amadhemoni vachaparadzwa, vachabviswa chose chose mukuvapo. Nokudaro matenga napasi zvichachenurwa svipiso iri yose yechivi. (Zvakazarurwa 20:9, 10) Hutsvene hwaJehovha huchakurira munzvimbo iri yose. (Enzanisa naZekaria 14:20.) Zita dzvene raMwari Wokumusorosoro richatsveneswa mudenga napasi pano. Vose vanogara mudenga napasi pano vachaita nomufaro kuda kwake kukurusa.
10 Kusvikira kukusingagumi kwose pasi redu richava nomutsaukano uyo usina imwe nyika muchadenga chose chisina mugumo ichava nawo, kunyange zvazvo pasi ringasava bedzi nyika ichazova inogarwa. Mukusiana, iyo ichava apo Jehovha akareverera nomutoo usingapokanidzwi uchangamire hwake hwapose pose, achigadza muenzaniso wakafanira usingagumi wenzvimbo iri yose. Ichava nyika bedzi iyo Jehovha wamauto achave akarwira pairi “hondo yezuva guru raMwari Wamasimba ose.” Ichava nyika bedzi iyo Mwari akatumira Mwanakomana wake anodiwa zvikurusa kwairi kuzova munhu ndokufa kuti anunure vagari vapanyika muchivi norufu. Ichava nyika bedzi iyo Jehovha achave akatora pairi vane 144 000 vavagari vayo kuva “vadyi venhaka zvamazvirokwazvo vaMwari, asi vadyi venhaka pamwe chete naKristu.”—VaRoma 8:17.
Maserafimi, Makerubhi, Ngirozi
11 Mwari, Manyuko ane mbiri echisiko chose, chokudenga nechapasi, achava “zvinhu zvose” kusati bedzi kuchingova kuna vadyi venhaka vane 144 000 naKristu asiwo kuna vamwe vari mudunhu rokudenga. Muganhuro 6 yebhuku raIsaya, tinopiwa rumbonera mumatare okudenga. Ipapo tinorava, kuti: “Zvisinei, ini ndakaona Jehovha, agere pachigaro choUmambo chakakwirira nechakasimudzirwa kumusoro, uye nguvo dzake dzakanga dzakazadza tembere. Maserafimi akanga amire kumusoro kwake. Imwe neimwe yakanga ina mapapiro matanhatu. Iyo yakaramba yakafukidza chiso chayo namaviri, uye iyo yaibhururuka namaviri. Uye iyo yakaramba yakafukidza tsoka dzayo namaviri, uye iyoyi yakadanidzira kune yeyo ichiti: ‘Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha wamauto. Kuzara kwapasi rose ndiyo mbiri yake.’”—Isaya 6:1-3.
12 Haiwa Isaya akaitirwa nyasha sei zvikuru nokuona Mutsvene tsvene muchisiko chapose pose chose agere pachigaro chake choumambo chokudenga achirindirwa namaserafimi ane mbiri! Haiwa ichecho chakanga chiri chiono chinotyisa sei, chinoratidzira nzvimbo inoisvodiwa zvikuru iyo ina maserafimi iwawo, nokuti iye ndiye Mutsvene Zvikurusa ano utsvene hwaairumbidza sezvaaipupurira kuutsvene hwake kupfurikidza nokuhusimbisa katatu! Maserafimi anofarira kubetsera vanamati vaJehovha kuva vatsvene sezvo Mwari ari mutsvene.—Isaya 6:5-7.
13 Pasi pano zvapane mhatsa yezvisikwa, inoratidzira simba raJehovha Mwari, naizvozvowo mudunhu romudzimu mune zvisikwa zvorumwe rudzi. Bhaibheri rinowadzanyura kuti izvozvi ndiwo makerubhi ane mbiri, anofanira kuva anochimbidzika zvikuru mukumhanya. (Pisarema 18:10; enzanisa naVaHebheru 9:4, 5.) Genesi 3:24 inoratidzira kuti pashure pokunge Adhama naEvha vatadzira Mwari mutsvene wokudenga kupfurikidza nokudya muchero wakarambidzwa, Musiki akamisa kumabvazuva kwenzira inodzokera muParadhiso yomufaro makerubhi pamwe chete ne“banga rinorazvuka mwoto romunondo wakanga uchipfuurira kuzvimoneredza iwo umene.” Jehovha anotaurwa nezvake kuva “agere pamsoro pamakerubhi.” (Pisarema 99:1; Isaya 37:16) Nokuda kwechikonzero ichecho iye anoratidzirwa kuva agere pachigaro choumambo pamsoro pamakerubhi.
14 Ngirozi hadzisati dzichifanira kufuratirwa pakati pezvisikwa zvomudzimu zvizhinji zhinji. Kuna mamirioni mazhinji adzo. (Dhanieri 7:9, 10) Pakati padzo pane ngirozi dzinogoverwa kushumira vanamati vaJehovha pasi pano. Jesu akanyevera kuti hakuno munhu anofanira kugumbura upi noupi wavanamati vaJehovha nokuda kwechikonzero chokuti “ngirozi dzavo dziri mudenga dzinogaroona chiso chaBaba vangu vari mudenga.” (Mateo 18:10; VaHebheru 1:14) Pakupera kwamazuva aJesu ane 40 okutsanya murenje uye pashure pokudzivisa kwake kunokurira miedzo mitatu yakaoma yakaunzwa naDhiabhorosi, haiwa yakanga iri ropafadzo yakadini yokuti ngirozi dzishumire zvinodikanwa zvokunyama zvaJesu aneta, ane nzara!—Mateo 4:11.
15 Kumusoro mudunhu rokudenga, vagari vane mbiri vomudzimu vachava hama kuno mumwe nomumwe, kunyange pasi pano mhuri yakakwaniswa yohunhu ichizova inoitwa kuti ive hanzvadzirume nehanzvadzikadzi kuno mumwe nomumwe. Idzo dzichava mumufananidzo nomurutodzano rwaMwari kusvikira kutambanuko yakaisvonaka iyo Adhama naEvha, vachangobva musimba rokusika raJehovha Mwari, vaiva mu‘mufananidzo norutodzano’ rwoMusiki wavo. (Genesi 1:26, 27) Pashure pokukunda muedzo wokupedzisira, vanhu vakakwaniswa vachapiwa maruramiro okurarama nokusingaperi uye vachava vanorerwa norudo sa“vana vaMwari,” vanofara murusununguko rune mbiri, ndokuva rutivi rwemhuri yakabatana yaJehovha mudenga napasi pano.—VaRoma 8:21.
16 Haiwa, mufaro nomufarwa wakadini wokuva kwake chose chose Jehovha Mwari waachatarira nawo pakupedzwa kwedonzo rake rapakuvamba—basa risingaenzanisirwi rokuita kuti zvinhu zvose zviitike mukuwirirana nechisarudzo chake chapakuvamba—zvisikwa zvose zviri muchinzwano chisingaputsiki chorudo naye!
17 Mukurangarirwa kwaikoku kwose, ndiani hake achave achikwanisa kuramba kurumbidza uyu Muiti Wedonzo anoshamisa woumwari? Achisimudzira nomutoo usati uri usinokufanira mashoko ake akataurirwa kuzvisikwa zvinopfuura simba rohunhu, wezvamapisarema anoti: “Rumbidzai Jehovha, haiwa imi ngirozi dzake, mhare musimba, munoita shoko rake, kupfurikidza nokuteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi mose mauto ake, imi vashumiri vake, munoita kuda kwake.”—Pisarema 103:20, 21.
18 Wezvamapisarema anofara, akafuridzirwa anopedzisa bhuku raMapisarema naaya mashoko ekurudziro, anoti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene. Murumbidzei mudengezeze resimba rake. Murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba. Murumbidzei mukuwirirana nohuwandu hwoukuru hwake. Murumbidzei nokurira kwehwamanda. Murumbidzei nomutengeranwa nembira. Murumbidzei namakandira nokudzana kwedenderedzwa. Murumbidzei nohudimbwa nenyere. Murumbidzei namakandira endarira omutinhimira wenziyo. Murumbidzei namakandira endarira anongwauka. Chinhu chiri chose chinofema—ngachirumbidze Jah. Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pisarema 150:1-6.
19 Chisiko chapose pose chose chichava chakabatana pakupedzisira muchisungo chakakwana chichagara nokusingagumi, chisungo chokunamatwa kumwe kwaBaba vokudenga nokuti vana vake vanoda uye vanomukudza kupfuura zvose. Hungu, panguva iyeyo kuchava kwakaita sokuti zvisikwa zvose zvakangwara zvichati, chaizvoizvo, sokutaura kwakaita maserafimi, kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene ndiye Jehovha wamauto. Pasi rose rakazadzwa nembiri yake.” Zvamazvirokwazvo, ipapo, Mwari wo“Muchinda woRugare” achave ava “zvinhu zvose kuchinhu chiri chose”—nokusingaperi-peri.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. Ko Jesu Kristu anogadza muenzaniso muchii nokuda kwezvimwe zvisikwa zvose zviri mudenga napasi pano?
2, 3. (a) Ko 1 VaKorinte 15:24-26, 28 inorondedzera sei chiito chaicho chaJesu chokuzviisa pasi paBaba vake? (b) Chii chichava muuyo wakaisvonaka?
4. (a) Ko vagari vapasi vachaita sei kumuenzaniso waBaba vavo vokurera? (b) Rutivii rutsva rwokuzviisa pasi ruchavapo panguva iyeyo?
5. Chii chichava chimiro chendangariro chamadzimambo ane 144 000 anosonganira aJesu Kristu?
6. (a) Chii chichaitika kuvanhu vasingateereri mukati Mokubata Ushe kweMireniyumu kwaJesu? (b) Chii chichava mugariro waavo Jesu anogamuchidza kuna Baba vake vokudenga?
7. (a) Chii chichaiswa kumuedzo unonzvera pashure pokunge Jesu adzorera Umambo? (b) Ko vanhu vakakwaniswa vachaedzwa sei?
8. (a) Pakuva vanosunungurwa mugomba rakadzika-dzika, ko Satani namadhemoni ake vachatamburira kuitei? (b) Avo vanozvibvumidza ivo vamene kuva vanotsauswa naDhiabhorosi namadhemoni ake vachave vachitora nzirai yechiito?
9. (a) Chii chichaitika kuna avo vasingachengeti perero kuna Jehovha Mwari? (b) Ko dunhu risingaoneki richabviswa sei vapanduki vose? (c) Mugariroi wakaisvonaka uchatekeshera panguva iyeyo mudenga mose napasi?
10. Ko pasi nokuda kwenguva yose isingagumi richava nomusiano uyo imwe nyika isinawo munzirai?
11, 12. (a) Ko Isaya akaona rudzii rwezvisikwa zvomudzimu muchiono? (b) Ko izvozvi zvine fariroi matiri isu vanhu?
13. (a) Ko Bhaibheri rinotizivisa rumwe rudzii rwezvisikwa zvomudzimu? (b) Ko Jehovha anorondedzerwa sei mukuwirirana navo?
14. (a) Ndirumwe rudzii rwezvisikwa zvomudzimu zvisati zvichifanira kufuratirwa? (b) Ko izvo zvizhinji zvakadini?
15, 16. (a) Rondedzera chinzwano chakafanana nechemhuri chichavamo mudenga napasi pano. (b) Itusoi inobva kuna Jehovha ichapiwa kuna vanhu avo vakakwaniswa vanopfuura muedzo murubudiriro? (c) Jehovha achatarira sei pakuitwa kwedonzo rake rapakuvamba?
17. Mukurangarirwa kwaikoku kwose, ndivanaani havo vachakwanisa kuramba kuitei, mukutsinhirana namashoko owezvamapisarema?
18. Ko wezvamapisarema anogumisa sei bhuku rake raMapisarema?
19. (a) Ko chisiko chapose pose panguva iyeyo chichave chakabatana muchisungoi? (b) Ko zvisikwa zvose zvakangwara, chaizvoizvo, zvichatii?
[Mifananidzo iri papeji 188, 189]
Chisiko chapose pose chose chichava chakabatana mukunamatwa kunobudirira kwaChangamire Wechisiko Chapose pose