RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 56
  • Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mambo Wekutanga wevaIsraeri
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Kuteerera Kuri Nani Kupfuura Chibayiro”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wokutanga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 9—1 Samueri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 56
Muprofita Samueri anodira mafuta mumusoro maSauro

NHAU 56

Sauro—Mambo Wokutanga waIsraeri

ONA Samueri anodururira mafuta pamusoro pomunhu. Ndozvavaisiita kumunhu kuratidza kuti akanga asarudzwa kuva mambo. Jehovha anoudza Samueri kudururira mafuta pamusoro paSauro. Mafuta chaiwo anonuhwira zvakanaka.

Sauro haana kufunga kuti akanga akanaka zvikuru zvokuva mambo. ʼIni ndiri wendudzi yokwaBhenjamini, gotwe muna Israeri,ʼ anoudza Samueri. ʼMunotaurireiko kuti ndichava mambo?ʼ Jehovha anoda Sauro nokuti haaedzeseri kuva mukuru naanokosha. Ndokusaka lye achimusarudza kuva mambo.

Asi Sauro haazi murombo kana kuti munhu muduku. Anobva mumhuri yakapfuma, uye akatsvinda chose, murume murefu. Anenge murefu netsoka imwe kupinda aninani muna Israeri! Sauro aivawo mumanyi zvikurusa, uye murume ane simba kwazvo. Vanhu vanofara kuti Jehovha asarudza Sauro kuva mambo. Vose vanodanidzira kuti: ʼMambo ngaararame!ʼ

Vavengi vaIsraeri vakasimba sanekare. Vachiri kuparira dambudziko guru vaIsraeri. Nokukurumidza Sauro aitwa mambo, vaAmoni vanokwira kuzorwisana navo. Asi Sauro anounganidza uto guru, uye anokunda vaAmoni. Ikoku kunofadza vanhu nokuti Sauro ndimambo.

Makore zvaanopfuura, Sauro anotungamirira vaIsraeri mukukunda kuzhinji vavengi vavo. Sauro anomwanakomanawo akashinga anonzi Jonatani. Jonatani anobetsera Israeri kukunda hondo zhinji. VaFiristia vachindori muvengi akaipisisa wavaIsraeri. Rimwe zuva zvuuru nezvuuru zvavaFiristia zvinouya kuzorwisana navaIsraeri.

Samueri anoudza Sauro kumirira kusvikira auya ndokupira chibairo, kana chipo, kuna Jehovha. Asi Samueri anononoka kuuya. Sauro anotya kuti vaFiristia vachatanga hondo, saka anopfuurira ndokupira chibairo amene. Panosvika Samueri pakupedzisira, anoudza Sauro kuti haana kuterera. Samueri anoti. ʼJehovha achasarudza mumwe munhu wokuva mambo pana Israeri.ʼ

Pashure Sauro anosatererazve. Saka Samueri anomuudza kuti: ʼKuterera Jehovha kunokunda kuita chipo chamakwai akanakisisa kwaari. Nokuti hauna kuterera Jehovha, Jehovha haazokuchengeti samambo waIsraeri.ʼ

Tingadzidza chifundo chakanaka makuri. Kunoratidzira kuti kugaroterera Jehovha kunokosha sei. Uyewo, kunoratidzira kuti munhu akanaka sezvo Sauro ave ari, angachinja ndokuva akaipa. Hatitongodi kuva vakaipa, tinoda here?

1 Samueri ganhuro 9 kusvikira ku 11; 13:5-14; 14:47-52; 15:1-35; 2 Samueri 1:23.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe