RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 51
  • Rute naNaome

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rute naNaome
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Rute naNaomi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • “Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Vakamira Vese Mumatambudziko
    Famba naMwari Neushingi
  • “Kwamunoenda Ndiko Kwandichaendawo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 51
Rute anoudza Naomi kuti, “Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo”

Nhau 51

Rute naNaome

MUBHAIBHERI unowana bhuku rinonzi Rute. lnhau inoreva nezvemhuri yairarama munguva umo lsraeri aiva navatongi. Rute mukadzi muduku anobva Moabhi; haazi worudzi rwaMwari rwalsraeri. Asi apo Rute anodzidza nezvaMwari wechokwadi Jehovha, anomuda zvikuru kwazvo. Naome mukadzi mukuru akabetsera Rute kudzidza nezvaJehovha.

Naome mukadzi wechilsraeri. Iye nomurume wake navanakomana vaviri vakatamira Moabhi apo muna lsraeri maiva nezvokudya zvishomanene. Zvino rimwe zuva murume waNaome akafa. Pashure vanakomana vaNaome vakaroora vasikana veMoabhi vainzi Rute naOrpa. Asi makore anenge 10, vanakomana vaNaome vakafa. Haiwa, Naome navasikana vairi vakasuruvara sei! Naome aizoitei zvino?

Rimwe zuva Naome anosarudza kudzokera rwendo rurefu kumusha kuvanhu vokwake. Rute naOrpa vanoda kugara naye, nokudaro vanoendawo naye. Asi vakati vati vafambei rwendo panzira, Naome anotenderukira kuna vasikana ndokuti: ʼDzokai kumusha mundogara navanamai venyu.ʼ

Naome anotsvoda vasikana achiti chisarai. Ipapo vanochema, nokuti vanoda Naome zvikuru kwazvo. Vanoti: ʼAiwa! Tichaenda nemi kuvanhu vokwenyu.ʼ Asi Naome anoti: ʼMunofanira kudzoka, vanasikana vangu. Kumusha kuchakunakirai.ʼ Nokudaro Orpa anodzokera kumusha. Asi Rute haaendi.

Naome anotendeukira kwaari ndokuti: ʼOrpa aenda. Newewo enda naye.ʼ Asi Rute anoti: ʼRegai kuedza kuita kuti ndikusiyei! Regai ndiende nemi. Ndichaenda pamunoenda, uye ndichagara pamunogara. Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu achava Mwari wangu. Ndichafira pamunofira, uye ndipo pandichavigwa.ʼ Apo Rute anotaura izvi, Naome haaedzizve kuita kuti aende kumusha.

Pakupedzisira vakadzi vairi vanosvika Israeri. Muno vanogarisika kuti vagare. Rute anoshanda pakarepo muminda, nokuti inguva yokucheka bhari. Murume anonzi Bhoazi anomurega achicheka bhari muminda yake. Unoziva here vaiva mai vaBhoazi? Vaiva Rakabhi weguta reJeriko.

Rimwe zuva Bhoazi anoudza Rute kuti: ʼNdakanzwa nezvako, uye kuti wave une tsitsi sei kuna Naome. Ndinoziva masiyire awakaita baba vako namai nenyika yokwako namagarire awakaita pakati pavanhu vausina kutongoziva nakare kose. Jehovha ngaakukomborere!ʼ

Rute anoti: ʼMandinzwira nyasha zvikuru, ishe. Mandiita ndinzwe zvirinani namataurire akaisvonaka amaita kwandiri.ʼ Bhoazi anoda Rute zvikuru kwazvo, uye hakuperi nguva refu zvikuru vasati varoorana. A, kunofadza sei Naome! Asi Naome anotofara zvikuru apo Rute naBhoazi vanova nomwanakomana wavo wedangwe, anonzi Obhedhi. Pashure Obhedhi anova sekuru vaDhavhidhi, watichadzidza zvakawanda pamsoro pake gare gare.

Bhuku reBhaibheri raRute.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe