RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 2 pp. 10-11
  • Nei Vanhu Vakanaka Vachitambura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vanhu Vakanaka Vachitambura?
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?
  • Imbofunga Izvi
  • Zvinotaurwa neBhaibheri
  • Takasikirwa Kutambura Here?
    Mukai!—2020
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2020
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 2 pp. 10-11
Vabereki vari kuona mwana wavo ari muchipatara agurwa ruoko.

3. Nei Vanhu Vakanaka Vachitambura?

Nei Zvichikosha Kuti Tizive Mhinduro Yacho?

Zvinorwadza kuona vanhu vakanaka vachitambura. Zvinoita kuti vamwe vafunge kuti hazvina zvazvinobatsira kuva munhu akanaka kana tese tichitambura.

Imbofunga Izvi

Vamwe vanhu vanoti matambudziko atinosangana nawo, zvinhu zvakatogara zvarongwa kare naMwari. Vamwe vanoti Mwari anoita kuti vanhu vatambure kuti aone kana vaine kutenda kwakasimba. Asi mafungiro aya anoita kuti pave nemibvunzo yakadai seyekuti . .

  • Tingashandirei nesimba kuva neutano uye kudzivisa njodzi ihwo upenyu hwedu hwagara hwakatorongwa nechekare?

  • Kana Mwari achida vanhu, sei achishandisa kutambura senzira yekuona kana vanhu vaine kutenda?

    DZIDZA ZVIMWE

    Ona vhidhiyo inonzi Nei Mwari Achibvumira Kutambura? iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

Zvinotaurwa neBhaibheri

Kutambura haisi shamhu yaMwari.

Kakawanda kacho matambudziko atinosangana nawo anokonzerwa nekuti munhu anenge ari panzvimbo isiri iyo uye panguva isiri iyo.

“Vanomhanya chaizvo havasi ivo vanowanzokunda panhangemutange, vane simba havasi ivo vanokunda muhondo, vakachenjera havasi ivo vanowanzova nezvekudya, vakangwara havasi ivo vanowanzova nepfuma, uye vaya vane ruzivo havasi ivo vanowanzobudirira, nekuti vese vanosangana nezvinhu zvavasingatarisiri panguva yavasingafungiri.”—MUPARIDZI 9:11.

Chivi chatiinacho chinoitawo kuti titambure.

Vanhu vanowanzoshandisa shoko rekuti “chivi” vachireva zvinhu zvakaipa zvinoitwa nemumwe munhu. Asi Bhaibheri parinotaura nezvekuti chivi rinenge richireva kutadza kwatakaberekwa tiinako pasinei nekuti tiri vanhu vakanaka kana kuti vakaipa.

“Ndakaberekwa ndichikanganisa, uye amai vangu vakandinambira muchivi.”—PISAREMA 51:5.

Chivi chatakaberekwa tiinacho chakonzera matambudziko akawanda.

Chakakanganisa ushamwari hwedu neMusiki wedu uye hatichakwanisi kurarama maererano nezvaaida. Izvi zvaita kuti vanhu vasangane nematambudziko asingatsananguriki.

“Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.”—VAROMA 7:21.

“Zvisikwa zvese zviri kungogomera pamwe chete uye zviri kurwadziwa pamwe chete.”—VAROMA 8:22.

Nei vanhu vakanaka vachitambura?

Matambudziko mazhinji atinosangana nawo anokonzerwa nekuti tese takaberekwa tiine chivi. Chivi chacho chinokonzera kuremara, kurwara uye pamwe pacho chinoita kuti vamwe vanhu vave neunhu hwakaipa zvoita kuti vabate vamwe zvakaipa.

Izvi ndizvo zvaida Mwari here? Takasikirwa kutambura here?

Mhinduro iri munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe