RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g20 nha. 2 pp. 4-5
  • Zvinotendwa Nevamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinotendwa Nevamwe
  • Mukai!—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VaHindu
  • VaMuslim
  • VaJudha
  • VaBhudha
  • Vateveri vaConfucius
  • Vamwe vanoita zvechivanhu
  • VaKristu
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?
    Mukai!—2012
  • Takasikirwa Kutambura Here?
    Mukai!—2020
Ona Zvimwe
Mukai!—2020
g20 nha. 2 pp. 4-5
Zviratidzo zvinomirira chitendero chechiBuddha, chiHindu, zvechivanhu, chiJudha, chiKristu, chiIslam, uye vateveri vaConfucius.

Zvinotendwa Nevamwe

VaHindu

Chiratidzo chevaHindu.

vanoti zvinhu zvakaipa zvinoitwa nemunhu muupenyu hwaari kurarama kana kuti upenyu hwaakamborarama ndizvo zvinoita kuti atambure. Vanoti kana munhu akafa anoberekwazve ova mumwe munhu kana chimwe chinhu. Asi akazosvika padanho rinonzi moksha anenge asingazoberekwizve. Kuti asvike padanho iri anofanira kusiyana nezvinhu zvenyama zvisinei nekunamata.

VaMuslim

Chiratidzo chevaIslam.

vanoti kutambura chirango kana kuti inzira yekuti uonekwe kuti une kutenda kwakasimba sei. Mutungamiriri wesangano reIslamic Society of North America anonzi Dr. Sayyid Syeed, anoti matambudziko anotiyeuchidza kuti “tisakanganwa kutenda Mwari nemakomborero ese aanotipa uye tibatsirewo vamwe vanoshayiwa.”

VaJudha

Chiratidzo chevaJudha.

vanoti zvinhu zvinoitwa nemunhu ndizvo zvinoita kuti atambure. Vamwe vaJudha vanoti vaya vanotambura vasina mhosva vanozomutswa vogadzirisirwa nyaya dzavo. Vamwewo vanoti kana munhu akafa anoberekwazve, zvichimupa mukana wekuti apfidze zvivi zvake.

VaBhudha

Chiratidzo chevaBuddha.

vanoti munhu anoramba achingoberekwazve achingotambura kusvikira asiya mabasa akaipa nezvido zvakaipa. Asi kana munhu akava neruzivo achiita mabasa akanaka uye achidzora mafungiro ake, ndipo paanosvika pachidanho chinonzi nirvana paanenge asisatamburi.

Vateveri vaConfucius

Chiratidzo chevateveri vaConfucius.

vanoti kazhinji kutambura kunokonzerwa “nezvikanganiso zvinoitwa nevanhu,” rinodaro bhuku rinonzi A Dictionary of Comparative Religion. Vanoti kuita zvakanaka muupenyu kungaderedza hako matambudziko asi mazhinji acho anokonzerwa “nemweya yakaipa zvekuti hauna zvaunogona kuita. Saka munhu anenge achifanira kungotambira zvaanosangana nazvo.”

Vamwe vanoita zvechivanhu

Chiratidzo chevanoita zvechivanhu.

vanoti kutambura kunokonzerwa nekuroyiwa. Vanoti n’anga dzinogona kubatsira munhu kuti ave nerombo rakanaka kana kuita kuti mumwe munhu awirwe nenjodzi. Vanotiwo kuti ugadzirise njodzi yacho unotofanira kuzvifambira. Kana munhu akaroyiwa orwara, vanoti anogona kuenda kun’anga kuti anopiwa mushonga.

VaKristu

Chiratidzo chevaKristu.

vanoti kutambura kunokonzerwa nekutadza kwakaita vanhu vaviri vekutanga, sezvinotaurwa muBhaibheri mubhuku raGenesisi. Asi machechi akawanda anozowedzeredza padzidziso iyi. Semuenzaniso, vamwe vechechi yeRoma vanoti kutambura kunoita munhu kunogona ‘kupihwa sechibayiro kuna Mwari’ achikumbira kuti Mwari akomborere chechi kana kuti aponese mumwe munhu.

DZIDZA ZVIMWE

Ona vhidhiyo inonzi Mwari Anogamuchira Manamatiro Ese Here? iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe