RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 1 pp. 10-11
  • Kuregerera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuregerera
  • Mukai!—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI ZVINOSHANDA!
  • Kukanganwira Kuita Sei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kuvirei Anokanganwira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kanganwira Nemwoyo Wese
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 1 pp. 10-11
Mukadzi ari kuregerera shamwari yake

NZIRA YEKUWANA MUFARO

Kuregerera

“PANDAIVA MUDIKI, VANHU VEMUMHURI MEDU VAITUKANA UYE VAIPOPOTEDZANA,” akadaro mumwe mukadzi anonzi Patricia. “Izvi zvakaita kuti ndive munhu asingaregereri vamwe. Kunyange ndakura, ndaipedza mazuva ndichifunga zvandinenge ndatadzirwa, ndichitadza kurara.” Munhu anogara akagumbuka haana mufaro uye anotokanganisa utano hwake. Tsvakurudzo dzakaitwa dzinoratidza kuti vanhu vasingaregereri vanogona . . .

  • Kutadza kuramba vachiwirirana nevamwe, zvoita kuti vaite vanazindoga uye vasurukirwe

  • Kungokurumidza kugumbuka, kuzvidya mwoyo, kana kubatwa nechirwere chedepression

  • Kungoti nanga-nanga nezvavakanganisirwa zvekuti vanotadza kunakidzwa neupenyu

  • Kuzvipa mhosva nekuti vanenge vasiri kuita zvinhu zvavanoziva kuti ndizvo zvakanaka

  • Kuwedzera kuva nestress uye kubatwa nezvirwere zvakadai seBP, mwoyo, arthritis uye kutemwa nemusoro.a

CHII CHINONZI KUREGERERA? Kuregerera kubvisa chigumbu kana hasha mumwoyo mako kana wakanganisirwa. Kuregerera munhu hakurevi kuti zvaaita zvakanaka, wava kurerutsa nyaya yacho, kana kuti uri kuita sekuti hapana chamboitika. Munhu anoregerera anenge achiratidza kuti anoda kuti arambe aine rugare nemunhu amukanganisira.

Kuregerera kunoratidza kuti unonzwisisa. Munhu anoregerera anoratidza kuti anoziva kuti tese tinotadza pangava pakutaura kana kuti pazviito. (VaRoma 3:23) Bhaibheri rinoti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”—VaKorose 3:13.

Saka kuregerera kunokosha chaizvo nekuti kunoratidza kuti tine rudo, urwo rwuri “chisungo chakakwana chokubatana.” (VaKorose 3:14) Website yeMayo Clinic inoti kuregerera . . .

  • Kunoita kuti vanhu vawirirane, uye kana vatadzirwa vanzwire vamwe tsitsi uye varatidze kunzwisisa

  • Kunoita kuti munhu agadzikane mupfungwa uye anzwe kuti ari kuita zvakanaka pamberi paMwari

  • Kunoderedza kuzvidya mwoyo, stress, uye hasha

  • Kunoderedza mikana yekubatwa nedepression

ZVIREGERERE. Bhuku rinonzi Disability & Rehabilitation rinoti kuzviregerera kunogona “kuoma kupfuura zvimwe zvinhu zvese,” asi “kunokosha chaizvo pautano.” Chii chingakubatsira kuti uzviregerere?

  • Gara uchiyeuka kuti uri munhu anotadzawo sezvinoita vamwe.—Muparidzi 7:20

  • Dzidza kubva pazvikanganiso zvako kuti usazozvidzokorora zvakare

  • Iva nemwoyo murefu; zvimwe zvaunokanganisa zvinogona kutora nguva kuti uzozvirega.​—VaEfeso 4:23, 24

  • Shamwaridzana nevanhu vanokukurudzira, vane tsitsi uye vanokuudza chokwadi kana ukakanganisa.​—Zvirevo 13:20

  • Kana ukatadzira mumwe munhu, bvuma uye kurumidza kukumbira ruregerero. Kana ukadaro, uchava nerugare.​—Mateu 5:23, 24

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI ZVINOSHANDA!

Patricia ambotaurwa, paakazodzidza Bhaibheri akatanga kuva munhu anoregerera. Akanyora kuti: “Hasha dzaindikanganisa asi iye zvino ndinonzwa ndasunungurwa. Handichanetseki uye handichaomeseriwo vamwe. Zvinotaurwa neBhaibheri zvinoratidza kuti Mwari anotida uye anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka.”

Mumwe murume anonzi Ron akabatsirwawo nezvaakadzidza muBhaibheri. Akati: “Handikwanisi kudzora zvinoitwa nevamwe kana zvavanofunga. Asi ndinokwanisa kuzvidzora pachangu. Rugare nechigumbu hazvidyidzani. Saka kuti ndive nerugare, handifaniri kuchengeta chigumbu.”

a Kwakatorwa mashoko: Website yeMayo Clinic uye yeJohns Hopkins Medicine uye bhuku rinonzi Social Psychiatry and Psychiatric Epidemiology.

ZVINHU ZVEKUYEUKA

“Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose.”—VaKorose 3:13.

Kuregerera . . .

  • Kunoita kuti vanhu vawirirane uye vave nerugare

  • Kunoderedza kuzvidya mwoyo, stress, uye hasha

  • Kunoita kuti munhu agadzikane mupfungwa uye anzwe kuti ari kuita zvakanaka pamberi paMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe