RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 5/15 pp. 3-5
  • Tsika Dzakaendepi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsika Dzakaendepi?
  • Mukai!—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabereki Vakaregeredza Basa Ravo
  • Kuchinja Kwemagariro Evanhu
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Zvokuita Pakutsiura Vana
    Mukai!—2015
  • Kudzidzisa Vana Kuti Vaitire Vamwe Mutsa
    Mukai!—2013
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 5/15 pp. 3-5
1. Kamukomana kane makore 4 kakabata toyi; 2. Kamusikana kane makore 5 kakapeta maoko; 3. Mukomana ane makore 12 akabata muchiuno

NYAYA IRI PAKAVHA

Tsika Dzakaendepi?

Mumakumi emakore achangopfuura, upenyu hwemhuri hwakachinja chaizvo munyika dzekuMadokero. Kare vabereki ndivo vaitungamirira mhuri uye vana vaizviisa pasi. Asi iye zvino zvinhu zvapidiguka. Mienzaniso inotevera inoratidza zvinhu zviri kuitika muupenyu.

  • Kamukomana kane makore 4 kaiva naamai vako muchitoro kachibva kaona toyi ndokubva kaitora. Amai vake vakamurambidza vachiti, “Ingawani une matoyi akawanda kumba?” Kamwana kacho kakanga kava kuda kuchema kachibva kati, “Asi ndiri kuida!” Amai vacho vakabva vaona kuti vaipisira, dai vangomuti asiye toyi yacho vasina kumubvunza. Asi nokutya kuzochemerwa, vakabva vangomusiya ane toyi yacho.

  • Kamusikana kane makore 5 kanodimburira baba vako pavari kutaura nemunhu mukuru kachiti, “Ndava kuda kuenda kumba ini!” Baba vacho vanobva vamira kutaura, vobva vakotama vomukumbira nenzwi riri pasi pasi vachiti: “Mwanangu chingoti mirei zvishoma toenda manje-manje handiti?”

  • James ane makore 12 akapopotera mudzidzisi wake. Baba vacho pavakazvinzwa, panzvimbo pokuti vatsiure mwana wavo vakabva vagumbukira mudzidzisi wacho vachibva vati, “Sei achigara achingoti nangananga newe, ndoda kunomumhan’arira kuvakuru vechikoro!”

Mienzaniso yataurwa inoratidza matambudziko ari kuitika mumhuri. Vamwe vabereki vari kutunhidza vana vavo, uye vamwe vanovharidzira mhosva dzevana. Bhuku rinonzi The Narcissism Epidemic rinoti, “Vabereki vava kunyanya kutunhidza vana vavo vachingovasiya vachiita zvavanoda. Kare vana vaiziva kuti vabereki ndivo vane kodzero yokuvaudza zvokuita, chavo kuzviisa pasi.”

Vabereki vakawanda vanoedza chaizvo kudzidzisa vana vavo tsika dzakanaka, asiwo kana vana vakaita misikanzwa havangovasiyi vakadaro, vanovatsiura asi vachizviita norudo. Bhuku rambotaurwa rinoti kudzidzisa vana seizvi “hakusi nyore.”

Zvakafamba sei kuti zvisvike pakudai? Tsika dzakaendepi?

Vabereki Vakaregeredza Basa Ravo

Vamwe vanoti kusateerera kwevana kwakatanga kuma1960, nyanzvi dzekurera mhuri padzaikurudzira vabereki kuti vasaomesera vana vavo. Nyanzvi idzi dzaiudza vabereki kuti: ‘Ivai shamwari kwete kungoita basa rokuudza vana zvokuita. Kurumbidza kuri nani pane kutsiura. Mwana wenyu paanoita zvakanaka murumbidzei asi paanoita zvakaipa musamutsiura ingosiyai zvakadaro.’ Panzvimbo pokuti pave nomusiyano wokuti mwana orumbidzwa here kana kuti otsiurwa, nyanzvi idzi dzinopa pfungwa yokuti kutsiura mwana kunoita kuti agumbuke uye anozokura achivenga vabereki vake.

Nokufamba kwenguva nyanzvi idzi dzakanga dzava kutaura chazvakanakira kuti munhu asazvitarisira pasi. Zvaiita sokuti ndiyo nzira itsva yakanakisisa pakurera vana. Chavaitaura ndechokuti: Itai kuti vana venyu vasazvitarisira pasi. Zvinokosha kuita kuti vana vave nechivimbo. Pfungwa yaiva nenyanzvi idzi padzaiti mwana ngaasazvitarisira pasi yaiva yakanaka asi vakazonyanya nokuti vakaudza vabereki kuti: ‘Musataura mashoko okutsiura akadai seokuti usadaro, kana kuti zvauri kuita zvakaipa. Rambai muchiudza vana venyu kuti vanokosha uye kuti vanogona kuita chero chavada chinoita kuti vafare.’ Izvi zvaipa pfungwa yokuti kuva munhu akanaka hakunyanyi kukosha, chinokosha ndechokuti iwe uri kufara here nezvauri kuita.

Vabereki vari kunyanya kurumbidza mwana wavo vachitomuita kamambo

Kunyanya kurumbidza mwana kunoita kuti azvione seanonyanya kukosha

Vamwe vanhu vakapedzisira vati kunyanya kurumbidza mwana kunoita kuti azvione seanonyanya kukosha. Bhuku rinonzi Generation Me rinoti izvi zvakaita kuti vechidiki vakawanda “vatadze kuziva kuti muupenyu unototi ushorwe nevamwe uye une zvimwe zvinhu zvaunogona kukanganisawo.” Mubhuku iroro vamwe baba vakati, ‘Kana wava pabasa vanhu havanei nokuti ndiwe ani. Ukatadza kuita basa nemazvo, shefu wako haazombokunyari achitsvakiridza zvakanaka. Kana watadza anokubudira pachena. Kurera vana nenzira iyi usingavatsiuri kunenge kuri kuvakuvadza chaiko.’

Kuchinja Kwemagariro Evanhu

Chimwe chezvinhu zviri kuchinja pamagariro evanhu, marererwo ari kuitwa vana. Mumwe mudzidzisi anonzi Ronald G. Morrish akanyora kuti, “Nzira dzokutsiura nadzo vana dziri kuramba dzichichinja. Izvi zvinoratidza kuchinja kwemagariro evanhu.”a Bhaibheri rinoti kuita izvi kunoita kuti vabereki vapedzisire vava kuita sokunge vava ‘kukandwa nemafungu vachitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa.’—VaEfeso 4:14.

Zviri pachena kuti kuregeredza nyaya yokutsiura vana kwavakanganisa. Kwaita kuti vana vasateerera vabereki uye vashaye chinovabatsira pakusarudza zvinhu zvakanaka muupenyu uyewo vazvitarisire pasi.

Pane zvinogona kuitwa here?

a Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi Secrets of Discipline: 12 Keys for Raising Responsible Children, asi tisu tatsveyamisa mabhii.

Kudzidzisa Kwakanaka Ndekupi?

Ngatitii ndiwe mubereki ari kutaurwa munyaya dzinotevera.

  • Vana pavanenge vabva kuchikoro uye pakupera kwevhiki, unoenda navo kumitambo yakasiyana-siyana kuti vagare vaine zvekuita. Unonyatsonzwa kuti, ‘Ndaparara nokuneta asi vana vangu vanoziva kuti ndinovaitira zvose zvavanoda nemhaka yokuda kwandinovaita. Kuratidza kuti ndiri amai vakanaka ndinotofanira kuvaitira zvavanoda.’

    Funga izvi: Unofunga kuti vana vako vari kunyatsodzidzei pavari kuona uchishanda zvokufa uchiitira kuti vafare? Vana vako havazopedzisiri here vava kufunga kuti basa revabereki nderokungoti vaite zvinodiwa nevana vavo?

    Zvaunogona kuita: Ita kuti vana vako vazive kuti une zvimwe zvinokosha zvaunofanira kuita. Izvi zvichaita kuti vafungewo vamwe, kusanganisira iwe.

  • Wakarerwa nababa vaiva neutsinye uye vaigara vachikushora, saka haudi kurera vana vako saizvozvo. Unogara uchirumbidza vana vako vaviri kunyange pasina chine musoro chavaita. Unozviudza kuti, ‘Ndinoda kuti vana vangu vafare. Kana vakaona kuti vanokosha, zvichavabatsira kuti vabudirire pane zvavanoita.’

    Funga izvi: Vana vako vanonyatsodzidzei kana uchivarumbidza pasina chavanenge vaita, uchingoda kuti vafare? Kunyanya kuvarumbidza kunovakanganisa sei iye zvino uye mune ramangwana?

    Zvaunogona kuita: Usarerekera divi rimwe chete. Usanyanya kushora vana vako; asiwo kana vakaita zvinhu zvine musoro varumbidze.

  • Une vanasikana vaviri, mumwe ane makore 5 mumwe 6. Mukuru wacho haatani kutsamwa. Nezuro paakanga atsamwa akarova munin’ina wake nembama. Unobva wafunga nezvemagadzirisiro awakaita nyaya yacho. Unobva wati, ‘Handina kumurova asi ndakaedza kutaura naye kuti aone kuti zvaakaita zvakanga zvisina kunaka. Chakaita kuti ndidaro ndechokuti ndakanga ndisingadi kumurwadzisa.’

    Funga izvi: Mwana ane makore 6 angada kungotaurwa naye chete zvotogumira ipapo here? Kumurova neshamhu uchiitira kuti azive kuti zvaaitira munin’ina wake hazvina kunaka kunganzi kunokanganisa mwana here?

    Zvaunogona kuita: Murange zvinoenderana nekukanganisa kwaanenge aita. Kana ukazviita nerudo mukati, zvichabatsira vana vako kuti vakure vari vana kwavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe