RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 October pp. 2-3
  • Tose Hatifariri Kurwiswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tose Hatifariri Kurwiswa
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Ugandanga Huchazombopera Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Mwari Anonzwa Sei Nezvokuita Chisimba?
    Mukai!—2002
  • Ugandanga—Huchapera Munguva Pfupi iri Kutevera!
    Mukai!—2001
  • Utsinye Huchazombopera Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 October pp. 2-3

Tose Hatifariri Kurwiswa

HAPANA angati handisati ndambonzwa kana kuona vanhu vachirwisana. Tinozviona kana kuzvinzwa munhau. Tinotya kurwiswa mumigwagwa uye kumabasa, uye vamwe vana vechikoro vanoshungurudzwa nevamwe vavo. Kunyange pamba chaipo, apo vanhu vanoona sokuti hapana chokutya, mamiriyoni evanhu kunyanya vanhukadzi, vanogara vachitya. Mune dzimwe nyika, pavanhukadzi 100 voga voga 70 vacho vanoti vakamborwiswa nevarume vavo.

Munyika dzakawanda, vanhu vanotya kurwiswa nevezvematongerwo enyika kana kuti kumukirana kunenge kwaita vanhu munharaunda kunyange ugandanga chaihwo. Kuvandudzwa kwemichina inoona zvose zviri kuitika ndiko kunoratidza kuti vanhu vanotya kurwiswa. Izvi zviri kunyanya kuitika munzvimbo dzakamborwiswa nemagandanga.

Ndokusaka mabhizimisi anogadzira michina inoona zvose zviri kuitika achibudirira pasinei nekuderera kuri kuita upfumi pasi rose. Mari dzokugadzira michina iyi dzinobvepi? Dzinobva kwatiri tose, pamari yatinobhadhara mitero kana kuti neimwewo nzira. Sezvo michina iyi ichiramba ichiwedzera kuvandudzwa kuti vanhu vanyatsodzivirirwa, mitengo yayo ichabvawo yakwira.

Matambudziko anokonzerwa nokurwisana anofanira kuita kuti tiongorore tsika dzedu nezvatinotenda. Nyaya dzinotevera dzichakurukura mibvunzo iyi: Zvii zvinoitwa nemaTV nezvimwewo zvinobudisa mashoko pakuparadzira kurwisana? Maonero atinoita nyaya yokurwisana angakanganiswa nezvinhu zvipi? Zvii zvatingaita kuti tisakanganiswa nezvinhu izvozvo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe