RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July pp. 20-22
  • Ndakaratidzwa Rudo Rwechokwadi Uye Ndakawana Rugare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakaratidzwa Rudo Rwechokwadi Uye Ndakawana Rugare
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Zvematongerwo Enyika
  • Kusiya Zvematongerwo Enyika
  • Kuchinja Kwandakaita Muupenyu
  • Makomborero Pasinei Nenhamo Dzandakaona
  • Ndakazowana Rugare!
  • Young People Ask—What Will I Do With My Life? (Chikamu 1)
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • “Ndapota Jehovha, regai ndikushumirei”
    Mukai!—2007
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Uchaitei Noupenyu Hwako?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July pp. 20-22

Ndakaratidzwa Rudo Rwechokwadi Uye Ndakawana Rugare

Yakataurwa naEgidio Nahakbria

Kukura kwangu ndaiona sepasina aindidawo. Asi iye zvino ndava kunyatsoona kuti ndinodiwa uye ndinonzwa ndakagadzikana mumwoyo mangu. Zvakafamba sei kuti zvinhu zvichinje kudai? Regai nditsanangure.

N DAKABEREKWA mugore ra1976. Taigara muimba yeuswa yakadzurwa nevhu munzvimbo ine makomo ari kuEast Timor, iyo yaimbova muIndonesia. Ndakanga ndiri wechisere pavana gumi uye vabereki vangu vaiva varombo chaizvo. Ini nomukoma wangu takaberekwa tiri mapatya uye taiva takafanana zvokufanana zviya. Nemhaka yourombo, vabereki vangu vakati ndinogara namukoma, mwana wababamukuru mukoma wababa.

Muna December 1975 ndisati ndazvarwa, Indonesia yakarwisa East Timor, uye hondo yemagandanga yakabva yatanga iyo yakaramba ichirwiwa kwemakore anopfuura 20. Saka zvinhu zvandichiri kuyeuka zvakaitika ndichiri muduku kwaiva kurwisana uye kutambura. Ndichiri kunyatsoyeuka masoja paakauya achirwisa vanhu vomunzvimbo yataigara zvichibva zvaita kuti vanhu vatize. Ini nomukoma wangu wandaigara naye takafamba tichikwidza nemakomo tichienda kwaiva nevanhu vakawanda vechiTimorese vakanga vatizirawo ikoko.

Asi masoja akaona patakanga tavanda ndokubva atanga kutibhomba. Nanhasi ndichine ndangariro dzekurayiwa kwaiitwa vanhu uye kuparadzwa kwezvinhu. Patakazodzokera kumisha yedu ndakanga ndava kungotya nguva dzose. Vakawanda vekwataigara vakanyangaritswa vamwe vakaurayiwa saka ndakanga ndichingofunga kuti ndini ndiri kutevera.

Pandakanga ndava nemakore 10 mukoma wangu wandaigara naye akarwara ndokubva afa, saka vabereki vangu vakazoti ndinogara nambuya mai vamai. Vakanga vava chirikadzi uye zvinhu zvakanga zvakatovaomerawo zvokuti ini ndaitova mutoro kwavari. Vaindishandisa kunge muranda chaiye. Rimwe zuva pandairwara ndisingagoni kana kuita basa vakandirova zvichibva zvawedzeredza kurwara kwandaiita. Ndakapona apo sekuru, mwana wehanzvadzi yamai vakauya kuzonditora kuti ndinogara nemhuri yavo.

Ndakazotanga kuenda kuchikoro ndava nemakore 12. Hapana kumbotora nguva, mbuya mudzimai wasekuru vakabva varwara uye sekuru vakanetseka zvokunetseka zviya. Handina kuda kuramba ndicharemedza sekuru vangu, saka ndakatiza pamba ndikaenda kunobatana nemasoja eIndonesia aigara musango. Ndakanga ndichibatsira masoja kuwacha hembe, kubika uye kuchenesa pavaigara. Vakandibata zvakanaka uye ndaiona kuti vanondida. Pashure pemwedzi yakati oo, hama dzangu dzakauya dzikamanikidza masoja kuti andidzosere kumba.

Kuita Zvematongerwo Enyika

Pandakapedza chikoro ndakabva ndanogara kuguta guru reEast Timor, rinonzi Dili, ndikabva ndanodzidza kuyunivhesiti. Kuyunivhesiti ikoko ndakaonana nevechiduku vakawanda vakanga vane upenyu hwakafanana nehwangu. Takapedzisira taona kuti, nzira bedzi yokuti tiwane kuzvitonga uye kuti zvinhu zvinake munyika kupinda mune zvematongerwo enyika. Boka redu revana vechikoro rakaronga kuratidzira uye kazhinji kacho paitozopedzisira paita mhirizhonga. Shamwari dzangu dzakawanda dzakakuvara uye vamwe vacho vakafa.

East Timor payakawana rusununguko muna 2002, zvinhu zvakanga zvangova ungwandangwanda munyika, zviuru zvevanhu zvakanga zvafa, uye mazana ezviuru zvevanhu akanga atiza misha yawo. Ndaiva netarisiro dzokuti zvinhu zvichanaka. Kushaya mabasa, urombo uye kurwisana kwevezvematongerwo enyika zvakanga zvichingoripo.

Kusiya Zvematongerwo Enyika

Panguva iyi ndakanga ndichigara nehama dzangu kusanganisira Andre imwewo hama yedu uye aidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndaipinda chechi yeRoma uye ndaiva ndakaperera kwairi, uye ndakanga ndisingafadzwi nezvaiitwa naAndre zvokuda kupinda imwe chechi. Asi ndakanga ndichida kunyatsoziva zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti nguva nenguva ndaiverenga Bhaibheri raAndre raaichengeta mubhedhurumu make. Zvandakaverenga zvakaita kuti ndide kuziva zvakawanda.

Muna 2004, Andre akandipa pepa rokundikoka kuChirangaridzo chokuyeuka rufu rwaJesu uye ndakabvuma kuenda. Ndakaverenga zvisizvo zvaiva papepa racho ndokubva ndakurumidzisa kusvika kuChirangaridzo nemaawa maviri. Zvapupu zvemunzvimbo iyoyo kusanganisira zvimwe Zvapupu zvekune dzimwe nyika pazvakasvika, vakandikwazisa norudo zvokuti ndakanzwa kuti ndagamuchirwa. Zvakandibaya mwoyo. Paikurukurwa hurukuro yeChirangaridzo, ndainyora pasi magwaro ose aitaurwa uye ndakazonotarisa muBhaibheri rangu kuti ndione kana zvanga zvichitaurwa nemukurukuri zvaiva zvechokwadi. Ndakanyatsoona zvichipindirana!

Vhiki rakatevera ndakanopinda Misa. Ini nevamwe takanonoka, mupristi achibva atidzinga nehasha achiti tanonokerei. Pataiva takamira panze takanzwa mupristi achipedzisa mharidzo achibva ati kuchita chaivapo, “Fambai zvakanaka norugare rwaJesu.” Mumwe mukadzi aiva muchita ichi akaita chivindi achibva ashevedzera kuti, “Mungataura zverugare sei imi madzinga vanhu muchechi?” Mupristi wacho haana kumboita hanya nazvo. Ndakabva ndadzokera kumba uye handinazve kuzombotsikako.

Pasina nguva refu, ndakabva ndatanga kudzidza Bhaibheri uye kuenda kumisangano yeZvapupu pamwe chete naAndre. Hama dzedu padzakazvinzwa dzakagumbuka dzikatanga kutishora. Mbuya vaAndre vakatiudza kuti: “Ndichachera gomba ndokufutsirai muri vapenyu kana mukaramba muchidzidza neZvapupu.” Kutyisidzira kwavo hakuna kutidzosera kumashure. Takanga tatsunga kuti taizoramba tichidzidza Bhaibheri neZvapupu.

Kuchinja Kwandakaita Muupenyu

Pandairamba ndichidzidza Bhaibheri, ndakatanga kuona kuti handina kumboratidzwa rudo muupenyu. Ndaiva munhu akaoma musoro, pachinhu chose chandainzi ndakanganisa ndaitoti ndiwane chikonzero chokupa uye ndakaona zvakaoma kuti ndivimbe nevanhu. Asi Zvapupu zvakandiratidza rudo rwechokwadi. Pandakarwara hama dzangu hadzina kumboita hanya nazvo, Zvapupu ndizvo zvakandishanyira zvikandibatsira. Rudo rwavo rwakanga rwusiri “rwemashoko kana rwokutaura” asi rwaiva “rudo rwechokwadi rwairatidzwa nemabasa.”—1 Johani 3:18, Today’s English Version.

Chiso changu chaityisa uye vanhu vaisafarira unhu hwangu, asi Zvapupu zvakandiratidza “ngoni” uye ‘vakandida sehama yavo.’ (1 Petro 3:8) Aka ndiko kaiva kokutanga muupenyu hwangu kuratidzwa rudo. Unhu hwangu hwakachinja uye ndakatanga kunzwa ndichida Mwari uye vamwe vanhu. Ndakabva ndazvitsaurira kuna Jehovha ndikabhabhatidzwa mumvura muna December 2004. Andre akazobhabhatidzwa munguva pfupi yakatevera.

Makomborero Pasinei Nenhamo Dzandakaona

Kubva pandakabhabhatidzwa ndakatanga kuva nechido chakasimba chokuti ndibatsire vanhu vakanga vasati vamboona chinonzi rudo rwechokwadi uye kururamisira. Saka ndakabva ndatanga kupedza nguva yakawanda ndichiparidza Shoko. Kuita izvi kunonzi neZvapupu zvaJehovha kupayona. Kuita basa iri kwaibatsira chaizvo uye kwaizorodza panzvimbo pokuswera ndichiratidzira ndichiita zvematongerwo enyika kana kuti zvemhirizhonga. Iye zvino ndakanga ndava kuitawo chimwe chinhu pakubatsira vanhu.

Muna 2006, kusawirirana mune zvematongerwo enyika kwakatanga zvekare muEast Timor. Mapato akanga apatsanuka kubva mubato rimwe chete akanga ane nyaya dzavainetsanirana dzakanga dzava nenguva dzisina kugadziriswa. Guta reDili rakakombwa uye vanhu vakanga vabva kunzvimbo dziri kumabvazuva munyika iyi vakatiza misha yavo. Ini nezvimwe Zvapupu takatizira kune rimwe taundi rinonzi Baucau, raiva kure nemakiromita 120 nechokumabvazuva kweDili. Kuipa kwezvimwe kunaka kwezvimwe. Takakwanisa kutanga ungano kunzvimbo iyi uye ndiyo yaiva ungano yokutanga kunze kweguta reDili.

Pashure pemakore matatu muna 2009, ndakakumbirwa kuti ndiende kuJakarta, kuIndonesia kuti ndinopinda chikoro chevashumiri vechiKristu vanenge vachipayona. Ndakanogara mudzimba dzeZvapupu zvokuJakarta uye vakandiratidza rudo rwechokwadi. Rudo rwavakandiratidza rwakandibaya mwoyo. Ndakanyatsoona kuti ndiri pakati pehama dzinowanikwa munyika yose, mhuri yakabatana inowanikwa pasi rose inonyatsondida.—1 Petro 2:17.

Ndakazowana Rugare!

Ndakazodzokera kuBaucau pashure pokunge ndapedza chikoro uye nanhasi ndichiriko. Kuno ndiri kunakidzwa nokubatsira vanhu panyaya dzokunamata sekubatsirwa kwandakaitwa nevamwe. Somuenzaniso mune imwe nzvimbo iri kunze kweBaucau, ini nevamwe vangu tine vanhu 20 vatinodzidzisa Bhaibheri kusanganisira vechikuru vasingagoni kuverenga uye kunyora. Boka rose rinouya kumisangano yatinoita vhiki nevhiki uye vatatu vacho vakabatana nemhuri inowanikwa pasi rose kuburikidza nokubhabhatidzwa senhengo dzeungano yechiKristu.

Makore akanga apfuura ndakanga ndambosangana nemumwe musikana anonzi Felizarda, uyo akabvuma kudzidza Bhaibheri ndokubva afambira mberi achibva abhabhatidzwa. Takaroorana muna 2011. Chimwe chinondifadza ndechokuti hama yangu iya Andre, ari kushumira ari pahofisi yeZvapupu zvaJehovha kuEast Timor. Vakawanda vehama dzangu kusanganisira mbuya vaAndre vaida kumbotifutsira mugomba vava kuremekedza zvatinotenda.

Kare ndaiva nehasha uye ndaiona sokuti hapana anondida. Asi ndinoda kutenda Jehovha, ndakazoona chinonzi rudo rwechokwadi uye rugare!

[Mufananidzo uri papeji 20]

Egidio achiita zvematongerwo enyika

[Mufananidzo uri papeji 22]

Egidio naFelizarda vaine dzimwe hama nehanzvadzi dzomuungano iri kuBaucau, kuEast Timor

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe