RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 July p. 17
  • 4. Ongorora Zvinhu Kana Ukadyira Muresitorendi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 4. Ongorora Zvinhu Kana Ukadyira Muresitorendi
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Yokuita Nayo Kuti Zvokudya Zvisakuvadza
    Mukai!—2002
  • Munhu Wose Achawana Kudya Kune Utano!
    Mukai!—2012
  • 3. Bika Uye Chengeta Zvokudya Nenzira Yakanaka
    Mukai!—2012
  • Zvokudya Zvako Hazvirwarisi Here?
    Mukai!—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 July p. 17

4. Ongorora Zvinhu Kana Ukadyira Muresitorendi

Mumwe murume anonzi Jeff aiva nemakore 38 aine utano hwakanaka akaenda nemhuri yake kuresitorendi iri pedyo nePittsburgh, Pennsylvania, U.S.A. Murume uyu akafa kwapera mwedzi nokuti chiropa chake chakanga chisisashandi zvakanaka. Zvakanga zvakonzerwa nei? Ari kuresitorendi akadya imwe mhando yehanyanisi yaiva nehepatitis A.

MUNE imwe nyika iri kumadokero, pamari inoshandiswa kutenga zvokudya, inenge hafu yacho inoshandiswa mumaresitorendi. Uyezve munyika iyoyo, inenge hafu yevanhu vanorwariswa nezvokudya ndeinenge yadyira muresitorendi.

Ukasarudza kudya muresitorendi ziva kuti hausi iwe uri kutenga zvichashandiswa pakubika, hausi iwe uchaona kuti pari kubikirwa pacho pakachena here uye hausi iwe uchazvibika. Asi iwe ndiwe uchasarudza kuti uchadyei, uchadyira kupi uye ucharongedza sei zvokudya zvauchaenda nazvo kumba.

● Tarisa zviripo.

Daiane, anogara kuBrazil anoti: “Patinotanga kupinda muresitorendi, ndinotarisa-tarisa kuti ndione kana matafura, micheka yepamatafura, uye ndiro dzacho dzakachena kusanganisira nevanounza zvokudya zvacho. Kana zvisina kuchena tinobva tabuda toenda kumwe.” Mune dzimwe nyika, vakuru vakuru vezvoutano vanogara vachiongorora maresitorendi panyaya dzoutsanana. Resitorendi inobva yapiwa gwaro rinoratidza utsanana hwayo uye gwaro iroro robva ranamirwa kumadziro kuti vanhu varione.

● Kutora zvokudya zvaunenge wasiya muresitorendi.

Sangano rinonzi U.S. Food and Drug Administration rinonyevera kuti: “Kana uchizosvika kumba pashure pemaawa maviri uye watenga zvokudya zvinoda kugara mufiriji, usatora zvokudya zvinenge zvasara.” Kana une zvokudya zvasara, ibva wananga kumba uye wonozviisa mufiriji.

Kana ukaita zvinhu zvina zvataurwa munyaya dzino, zvokudya zvako hazvizorwarisi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 17]

DZIDZISA VANA VAKO: “Tinodzidzisa vana vedu kuti vasadya zvokudya zvinoratidza kuti zvinogona kurwarisa.”—Noemi, Philippines

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe