RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 January p. 3
  • Tinoda Kuti Matambudziko Apere!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoda Kuti Matambudziko Apere!
  • Mukai!—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Matambudziko Akanyanya Kudai?
    Mukai!—2012
  • Bhaibheri Rinotii?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mubvunzo 3: Nei Mwari Achindirega Ndichitambura?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzega?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 January p. 3

Tinoda Kuti Matambudziko Apere!

Khieu akatanga kutambura pakaurayiwa baba vake nemhaka yokuti vakasiya mombe dzavo dzichidya mumunda momumwe munhu. Pava paya amai vake nehanzvadzi dzake mbiri vakaurayiwa nebato rainzi Khmer Rouge rokuCambodia. Iyewo akazokuvadzwa nechimbambaira. Pakapera mazuva 16 asati awana rubatsiro. Aitozofanira kudimburwa gumbo. Khieu anoti “Ndaiona sokuti kufa kwaiva nani.”

ZVIMWE wakazviona kuti munhu wose anowirwa nematambudziko. Njodzi dzinongozviitikira dzoga, urwere, urema, mhosva dzine kurwisana mukati uye mamwe matambudziko zvinogona kungoitika chero kune munhu upi neupi chero nguva. Masangano anopa ruyamuro ari kushanda nesimba kuti aderedze matambudziko evanhu kana kuti kutoita kuti vanhu vasatambura. Asi vakabudirira here?

Ngatikurukurei nyaya yenzara. Maererano nerimwe pepanhau rinonzi Toronto Star, njodzi dzinongoitika dzoga dzakasiya vakawanda vasisina pokugara uye vasisina zvokudya. Pepanhau iri rinoenderera mberi richiti, “zviri kuitwa nemasangano aya pakupedza nzara zviri kutadza kufamba zvakanaka nemhaka yemhirizhonga dzinoitika.”

Vakuru vezvematongerwo enyika, vomunharaunda uye vezvokurapa vari kuedza chaizvo kupedza matambudziko asi zvinoodza moyo kuti hapana chiri kubuda. Pakaitwa zvirongwa zvokusimudzira upfumi asi zvatadza kupedza urombo. Mishonga uye nzira itsva dzemazuva ano dzokurapa zvatadza kupedza urwere. Kurwisana kuri kuramba kuchiwedzera zvokuti mapurisa nevanochengetedza runyararo vari kushayiwa kuti vodii.

Nemhaka yei kuine matambudziko akanyanya kudai? Nekutambura kuri kuita vanhu kudai, Mwari anonzwawo sei nazvo? Vanhu vakawanda vakawana mhinduro dzemibvunzo iyi muBhaibheri sezvatichaona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe