RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g11 April p. 6
  • Zano 3 Gara Uchiita Maekisesaizi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zano 3 Gara Uchiita Maekisesaizi
  • Mukai!—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chingandipa Shungu Dzekuekisesaiza?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Utano Hwakanaka—Chii Chaunogona Kuita Pamusoro Pahwo?
    Mukai!—1990
  • Nei Ndichifanira Kuchengetedza Utano Hwangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kudzivirira Kwaungaita Utano Hwako
    Mukai!—1999
Mukai!—2011
g11 April p. 6

Zano 3 Gara Uchiita Maekisesaizi

“Kudai kuekisesaiza raiva piritsi, ndiro piritsi raizonzi navanachiremba rinwiwe nevanhu vakawanda munyika.”—Emory University School of Medicine. Pane zvose zvatingaita kuti tichengetedze utano hwedu, zvinhu zvishoma zvinobatsira kupfuura kuekisesaiza.

Shanda nesimba. Kugara tichishandisa muviri wedu kunotibatsira kuti tifare, tinyatsofunga zvakajeka, tive nesimba rakawanda, tibudirire uye tive nemuviri usina kukurisa kana tichingwarira zvatinodya. Kuti kuekisesaiza kubatsire hakufaniri hako kurwadza kana kunyanyisa. Kugara tichiekisesaiza kakati wandei pavhiki kunogona kutibatsira chaizvo.

Kumhanya, kufamba, kuchovha bhasikoro uye kumboitawo mitambo inoita kuti umhanye zvokuti unobuda ziya uye mwoyo wako unopomba ropa nokukurumidza, zvinogona kubatsira kuti usakurumidze kuneta uye kuti uzvidzivirire pachirwere chomwoyo nesitiroko. Maekisesaizi akadaro pamwe chete nokusimudza masimbi zvine mwero nekuita maekisesaizi anosimbisa tsandanyama zvinobatsira pakusimbisa mabhonzo, tsandanyama uye maoko nemakumbo. Maekisesaizi aya anoita kuti muviri ushandise zvakanaka zvaunodya zvobva zvabatsira kuti muviri wako usakurise.

Kuekisesaiza kunogona kunakidza

Famba netsoka. Kuekisesaiza kunobatsira vanhu vemazera ose, uye hazvirevi kuti unofanira kuenda kujimu chete kuti uekisesaize. Zvakanaka kutanga nokufamba netsoka pane kushandisa motokari, bhazi kana rifiti. Unotsvakirei chokufambisa iwe uchikwanisa kusvika kwauri kuenda netsoka, zvimwe uchitokwanisa kusvikako nokukurumidza? Vabereki, kurudzirai vana venyu kuti pose pazvinokwanisika vaitewo mitambo inoda simba inoitirwa panze. Mitambo yakadaro inosimbisa miviri yavo uye inovabatsira kuti miviri yavo ishande zvakanaka zvisingaitiki kana vachiita mitambo inoitwa vakagara, yakadai semitambo yemavhidhiyo.

Unogona kubatsirwa nokuita maekisesaizi zvine mwero, pasinei nokuti wakura zvakadii paunotanga kuekisesaiza. Kana wakura uye uine utano husina kunaka uye wagara usingaekisesaize, zvinokosha kutanga wambonoona chiremba kuti akubatsire kuti ungatanga sei. Asi tanga! Maekisesaizi anotangwa zvishoma nezvishoma uye pasina kunyanyisa anogona kubatsira vakura kuti vasimbise tsandanyama uye vawedzere uremu hwemabhonzo. Anogona kubatsirawo vanhu vakura kuti vasadonha pose pose.

Kuekisesaiza ndiko kwakabatsira Rustam, ambotaurwa patangira nyaya dzino. Makore manomwe akapfuura, iye nomudzimai wake vakatanga kumhanya zvishoma mangwanani oga oga, mazuva mashanu pavhiki. Anorondedzera kuti, “Pakutanga, taitsvaka tuzvikonzero twokusaenda. Asi kuekisesaiza tiri tose kwakatikurudzira. Iye zvino yatova tsika yakanaka uye inotinakidza.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe