RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 October pp. 16-18
  • Ndingakunda Sei Miedzo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingakunda Sei Miedzo?
  • Mukai!—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingakunda Sei Muedzo?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndingakunda Sei Miedzo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kukunda Kuneta Kwokuberekwa Nakwo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ndiri Munhu Akaita Sei?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 October pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndingakunda Sei Miedzo?

Tsitsi achangosvika papati. Anoona vakomana vaviri vakagukuchira mapepabheki mahombe. Anoziva zvirimo. Ambonzwa vakomana ava vachitaura kuti nhasi “tichahushapira.” Asi Tsitsi haana kuzviudza vabereki vake. Angoti vakomana vari kuzvitambira zvavo achifunga kuti paizova nevakuru pamba apa.

Ipapo Tsitsi anobva anzwa izwi remunhu waanoziva nechekumashure kwake. “Ko kuzomira kudaro wabatwa nemagetsi here? Sei kuda kutikanyira mafaro mhani?” Tsitsi anocheuka oona Revai akabata mabhodhoro maviri ehwahwa achangovhurwa. Revai anotambidza rimwe kuna Tsitsi obva ati, “Zvauri iwe utange kundiudza nhoroondo!” Tsitsi anoda kuramba. Asi anomanikidzwa zvekuti anoshaya kuti odii. Nyaya haisi pane zvaari kunzi anwe. Revai ishamwari yake, saka Tsitsi haadi kuonekwa semunhu auya kuzovakanyira mafaro. Uyewo, anoona Revai semusikana kwaye. Tsitsi anozviudza kuti, ‘Hunongova hwahwa. Zvakasiyana nemadrugs kana kuti kurara nevakomana.’

KANA uri mudiki, miedzo haiperi. Kazhinji kacho inosanganisira zvevakomana nevasikana. Tapiwaa ane makore 17 anoti, “Vasikana vekuchikoro havaite. Vanoda kukubata-bata vachida kuona kuti unozoramba zvasvika papi. Munotokikiritsana!” Chido ane makore 17, akasanganawo nazvo. Anoti, “Mumwe mukomana akauya kwandiri achibva andikochekera. Ndakarasira ruoko rwake kwakadaro ndichibva ndati, ‘Unopenga here iwe? Usade kundijairira wazvinzwa!’”

Iwewo ungasangana nemiedzo, uye zvingaita sekuti icharamba yakati newe name-name. Sekutaura kwakaita mumwe muKristu, “muedzo wakaita semunhu anoramba achigogodza padhoo rako asi audzwa kuti wakarara.” Kugogodza kwacho kwanyanya here? Semuenzaniso, zvinotevera miedzo kwauri here?

□ Kuputa

□ Kunwa hwahwa

□ Kushandisa madrugs

□ Kuona zvinonyadzisira

□ Kuita unzenza

□ Zvimwe ․․․․․

Kana paine chawaona pane zviri pamusoro apa, usagumise kuti haukwanisi kuva muKristu. Unogona kuzvidzora papfungwa dzakaipa ndokukunda miedzo. Sei?

Zvinobatsira kuziva zvinokonzera miedzo. Tarisa zvinhu zvitatu zvinotevera.

1. Kusakwana. Kuda kuita zvakaipa kuri mumunhu wese asina kukwana. Kunyange muapostora Pauro—muKristu aive akakura mune zvekunamata—akabvuma pachena kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” (VaRoma 7:21) Zviri pachena kuti kunyange munhu ane unhu, pano neapo anombochivawo, kuya kunonzi “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso.” (1 Johani 2:16) Asi kuramba wongofunga nezvezvinokwezva izvozvo kunoita kuti zvinhu zvinyanye kuipa, nokuti Bhaibheri rinoti: “Kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”—Jakobho 1:15.

2. Kufurirwa nevamwe. Miedzo iri kwese kwese. Nyarai anoti, “Kuchikoro uye kubasa, nyaya dzinongova dzepabonde chete. MaTV nemafirimu anoita kuti zviratidzike sezvinonzi inhapitapi chaiyo, mudyandakasungwa. Kashoma paunoona kuipa kwazvakaita!” Nyarai akazvionera ega kuipa kwakaita zvinhu izvi. Anoti, “Ndiine makore 16 ndakafunga kuti ndakanga ndawana murume anondiroora. Amai vakagara neni pasi ndokundiudza kuti kana ndaisazochinja, ndaizoguma ndaita nhumbu. Zvakandishamisa kuti amai vangandifungira zvinhu zvakadaro! Papera mwedzi miviri, ndainge ndava nenhumbu.”

3. “Kuchiva kwouduku.” (2 Timoti 2:22) Mashoko iwaya angasanganisira kuchiva kwese kunoitika uri muduku, kwakadai sokuda kufarirwa nevamwe kana kuti kuda kuzviitawo munhu mukuru. Kuchiva ikoko hakuna kumboipa, asi kukasadzorwa, kunoita kuti zvikuomere kukunda muedzo. Semuenzaniso, kuda kuzviita munhu mukuru kungaita kuti urase tsika dzakanaka dzawakadzidziswa. Ndizvo zvakaita Steve paaiva nemakore 17. Anoti, “Ndichangobva kubhabhatidzwa, ndakapanduka uye ndakaita zvese zvandakanga ndadzidziswa kuti ndisaite.”

Zviri pachena kuti zvataurwa pamusoro apa zvine simba zvechokwadi. Zvisinei, unogona kukurira muedzo. Sei?

◼ Chekutanga, ziva muedzo wakakuomera kupinda mimwe. (Ungadaro watozviita pamusoro apa.)

◼ Zvadaro, zvibvunze kuti, ‘Muedzo uyu unganyanya kuitikira kupi?’ Maka pane zvinotevera:

□ Kuchikoro

□ Kubasa

□ Uri wega

□ Kumwe ․․․․․

Kuziva kwaunganyanya kusangana nemuedzo kungakubatsira kuti urege kuendako zvachose. Chimbofunga nezvechiitiko chekufungidzira chiri munhanganyaya. Nei tingati Tsitsi akanga arumwa nzeve kuti zvinhu hazvaizomira zvakanaka kupati? Angadai akaita sei kuti asambobva apinda mumuedzo?

◼ Zvawava (1) kuziva muedzo wacho uye (2) kuziva paunganyanya kusangana nawo, wava kuziva zvekuita. Chinhu chekutanga kufunga zvaungaita kuti urege kunyanya kusangana nemuedzo wacho kana kuti kutorega zvachose zvinhu zvinoita kuti usangane nawo. Pasi apa nyora zvaungaite.

․․․․․

․․․․․

(Mienzaniso: Kana zvichiwanzoitika kuti unosangana nevaunodzidza navo paunenge wava kuenda kumba vachikukurudzira kuti upute, zvichida ungachinja nzira kuti usaonane navo. Kana uchiwanzotumirwa zvinhu zveunzenza nepaIndaneti, isa mapurogiramu anovhara tsamba dzakadaro uye anoita kuti usaende kunzvimbo dzepakombiyuta dzine zvinhu izvozvo. Uyewo paunenge uchitsvaka chimwe chinhu, nyatsotaipa zita racho chairo.)

Kutaura chokwadi, haungadzivisi miedzo yese. Nokufamba kwenguva ungangopedzisira wasangana nezvimwe zvichakukwezva zvine simba—zvichida pawanga usingambofungire. Ungaita sei pakadaro?

Gara wakagadzirira. Jesu paakanga “achiedzwa naSatani,” hana kumbosweroti pamunhondo pamusasa. (Mako 1:13) Nei? Nokuti aiziva paainge amire nezvenyaya yakanga yamuka. Pafunge. Jesu aivawo munhu. Angadai akakundwa nemiedzo. Asi akanga akatosarudza kare kuteerera Baba vake nguva dzose. (Johani 8:28, 29) Jesu airevesa paakati: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.”—Johani 6:38.

Nyora munzvimbo dziri pasi apa zvikonzero zviviri nei uchifanira kukunda miedzo yaunogara uchisangana nayo uye zvinhu zviviri zvawatsunga kuita kuti uikunde.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

Yeuka kuti paunokundwa nemuedzo, unova muranda weruchiva kana kuti zvido zvako. (Tito 3:3) Nei uchirega zvido zvako zvichikuudza zvekuita? Iva munhu mukuru anodzora zvido zvake pane kuzvirega zvichikudzora.—VaKorose 3:5.

Dzimwe nyaya dzinoti, “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti www.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Zvisikwa zvakakwana zvingaedzwa here?—Genesisi 6:1-3; Johani 8:44.

◼ Paunokunda muedzo, kutendeka kwako kunoita kuti vamwe vanzwe sei?—Zvirevo 27:11; 1 Timoti 4:12.

[Bhokisi riri papeji 17]

CHIMBOEDZA IZVI

Tora kambasi woiisa pasi. Tsono yacho inoramba yakanongedzera kuchamhembe. Chiisa magineti pedyo nayo. Chii chinoitika? Kambasi yava kurasika kuchamhembe. Tsono iya yava kutevera kune magineti.

Hana yako yakafanana nekambasi iyoyo. Kana yakadzidziswa zvakanaka, ichanongedza “kuchamhembe” yokubatsira kusarudza zvakanaka. Asi sezvinoita magineti, shamwari dzakaipa dzinogona kuvhiringidza maonero aunoita zvinhu zvakanaka. Unodzidzei? Edza kusiyana nevanhu kana zvinhu zvingavhiringidza maonero aunoita zvinhu zvakanaka!—Zvirevo 13:20.

[Bhokisi riri papeji 17]

ZVAUNGAITA

Gara wakafunga mapinduriro aungaita kana munhu akakuedza kuita zvakaipa. Usanetseke zvako. Haufaniri zvako kutaura sekunge kuti ndiwe mutsvene. Kazhinji zvinongoda kuti utaure zviri nyore, uine chivimbo. Semuenzaniso, kana waunodzidza naye akada kukupa mudzanga ungangoti: “Usatambise zvako fodya yako. Handipute!”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Paunokundwa nemuedzo, unova muranda weruchiva kana kuti wezvido zvako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe