RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 October pp. 19-20
  • Pazvinhu Zvinoyerera Ndechipi Chinokosha Kupfuura Zvose?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pazvinhu Zvinoyerera Ndechipi Chinokosha Kupfuura Zvose?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Iro Inhengo Yakasiyana Nedzimwe
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ropa—Rinokosha Nokuda Kwoupenyu
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 October pp. 19-20

Pazvinhu Zvinoyerera Ndechipi Chinokosha Kupfuura Zvose?

“Ropa rinokosheswa kwazvo mune zvoutano sokukosheswa kunongoitwa oiri mune zvokutakura zvinhu.”​—⁠Arthur Caplan, mutungamiriri wedzidzo yetsika nemitemo yezvokurapa paUniversity yePennsylvania.

OIRI. Ndiyo chinhu chinoyerera chinokosha kwazvo kupfuura zvimwe zvose here? Mazuva ano, nokudhura kwava kuita mafuta, vakawanda vangafunga kudaro. Zvisinei kutaura chokwadi, mumwe nomumwe wedu anofamba aine marita mashomanana echinhu chinotokosha zvikuru. Chimbofunga nezvazvo: Mabhiriyoni emarita eoiri zvaanotorwa pasi gore roga roga kuti vanhu vawane mafuta, mamiriyoni anenge 40,5 emarita eropa anotorwa mumuviri yevanhu netarisiro yokubatsira vanorwara. Nhamba iyi inoshamisa inomiririra ropa revanhu vanenge 8 000 000.

Kunyange zvakadaro, ropa sezviri kuita oiri, rinenge riri kuperevedza. Zvipatara zviri munyika yose zvinonyevera nezvokuperevedza kweropa. (Ona bhokisi rinoti “Matanho Anoratidza Kupererwa Nemazano.”) Chii chinoita kuti ropa rikoshe kudaro?

Iro Inhengo Yakasiyana Nedzimwe

Nokuti rakaumbwa nezvinhu zvakaoma kunzwisisa, ropa rinowanzofananidzwa nenhengo yomuviri. “Ropa nderimwe renhengo dzakawanda​—⁠dzinoshamisa zvokushamisa zviya,” Dr. Bruce Lenes akaudza Awake! kudaro. Chokwadi rakasiyana nedzimwe nhengo dzomuviri! Rimwe bhuku rinorondedzera ropa richiti “ndiro roga ringanzi inhengo yomuviri inoyerera.” Bhuku iroro rinoti ropa “chinhu chipenyu chinofambisa zvinhu.” Izvi zvinorevei?

“Munofamba neropa makafanana nepombi [dzeguta],” anodaro mumwe musayendisiti anonzi N. Leigh Anderson. “Dzinotakura zvinhu zvose zvakanaka,” anoenderera mberi achiti, “dzinotakurawo tsvina yakawanda.” Ropa zvarinotenderera mumuviri wedu nomutsinga dzakareba makiromita anoda kusvika 100 000, rinopfuura nomunhengo dzinenge dzose dzomuviri wedu, dzinosanganisira mwoyo, itsvo, chitaka, uye mapapu​—⁠idzi inhengo dzinokosha dzinoshanda neropa.

Ropa rinopa masero omuviri wako “zvinhu zvakanaka” zvakawanda, zvakadai seokisijeni, zvokudya, uye zvinodzivirira muviri, asi rinotakurawo “tsvina,” yakadai sekabhoni dhayokisaidhi, ine chepfu, zvinhu zvinovapo masero paanenge akuvara kana ava kufa, neimwewo tsvina. Basa reropa rokubvisa tsvina mumuviri rinobatsira kunzwisisa kuti nei zvingava nengozi kushandisa ropa kana rangobuda kunze kwomuviri. Uye hakuna anogona kuvimbisa kuti “tsvina” yose inenge iri muropa inenge yaonekwa uye yabviswa risati rapiwa mumwe munhu.

Hapana mubvunzo kuti ropa rinoita mabasa anokosha muupenyu. Ndokusaka vezvoutano vakatanga kuwedzera ropa varwere vanenge vapererwa neropa. Vanachiremba vakawanda vangati kushandiswa kunoitwa ropa uku pakurapa ndiko kunoita kuti rikoshe zvikuru. Zvisinei, zvinhu zvave zvichichinja mune zvokurapa. Mupfungwa yakati, kuchinja kukuru kwave kuri kuitika. Vanachiremba vakawanda nevavhiyi havachakurumidzi kuwedzera murwere ropa sezvavaisiita. Nei?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 20]

Matanho Anoratidza Kupererwa Nemazano

Vanachiremba vanofungidzira kuti gore roga roga munyika yose panodiwa marita anosvika mamiriyoni 90 eropa rinopiwa nevanhu. Vanhu 82 muzana mupasi rose vari kugara munyika dzichiri kusimukira, uye ropa rinopiwa nevanhu vanogara munyika idzi harisviki 40 muzana yeropa rose. Zvipatara zvakawanda zviri munyika idzi zvinorapa zvisingashandisi ropa. Rimwe pepanhau rokuKenya rinonzi The Nation, rinoti ‘zuva roga roga kurapa kunenge hafu kunoda kuti munhu awedzerwe ropa kunoregwa kana kuti kunonzi kuzoitwa mberi pamusana pokuti panenge pasina ropa.’

Ropa rinoperevedzawo munyika dzakapfuma. Vanhu zvavava kurarama makore akawanda uye nzira dzokurapa nadzo zvadzabudirira, kurapa kwokuvhiya kwawandawo. Uyezve, vanhu vagara vachipa ropa vava kudzoswa vasati vapa ropa ravo, vari kuramba vachiwedzera mazuva ano pamusana pemararamiro avo ane ngozi kana nzvimbo dzavanenge vakafamba kwavangave vakatora zvirwere kana utachiona.

Zviri kuita sokuti vaya vanochengeta ropa vapererwa nemazano. Vechiduku, kazhinji kacho vane mararamiro asina ngozi zvakanyanya dzimwe nguva ndivo vangapa ropa riri nani. Somuenzaniso, vana vechikoro muZimbabwe iye zvino ndivo vari kupa 70 muzana yeropa. Nzvimbo dzinoenda vanhu kunotorwa ropa dzava kushanda maawa akawanda, uye dzimwe nyika dzinotopa mari nzvimbo idzi kuitira kuti dzikwezve vanopa ropa uye dzichengetedze vagara vachipa. Chimwe chirongwa chakaitwa muCzech Republic chakakumbira vagari vomunyika iyi kuti vapedze nyota yavo yedoro pavanenge vachipa ropa! Kune imwe nzvimbo kuIndia, zviremera munguva ichangopfuura iyi zvakaenda pamba nemba zvichitsvaka vaida kupa ropa kuti vawedzere uwandu hweropa rakanga rava kupera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe