Matambudziko Anosangana Navanaamai
“Mabasa anokosha anoitwa nevanhu anotangira pamba. . . . Kana amai vakarega kuita basa ravo, panogona kusambova nechizvarwa chinotevera, kana kuti panova nechimwe chizvarwa chinonetsa chaizvo zvokukungura kuti dai chisina zvacho kumbovapo.”—Theodore Roosevelt, purezidhendi wechi26 weUnited States.
ZVIRI pachena kuti amai vanokosha muupenyu hwevanhu, asi basa ravo rinosanganisira zvakawanda pane kungobereka vana. Nezvebasa ravanaamai vari munzvimbo dzakawanda dzenyika nhasi, mumwe munyori akati: “Amai ndivo vanonyanya kudzivirira utano hwomwana woga woga, dzidzo, pfungwa, unhu, maitiro, nokuita kuti pfungwa dzake dzigadzikane.”
Pamabasa akawanda anoitwa naamai, rimwe ravanoita nderokudzidzisa vana vavo. Mwana anowanzodzidza mashoko ake okutanga nemadudzirwo awo kubva kuna amai vake. Saka mutauro unotanga kutaurwa nomunhu unonzi rurimi rwaamai vake. Amai ndivo vanowanzopedza nguva yakawanda vaine vana zuva roga roga kudarika murume wavo, saka vangangove vari ivo mudzidzisi wavo mukuru nomurangi mukuru zvakare. Ndosaka chirevo chokuMexico chinoti, “Dzidzo inobva pamukaka waamai,” chichiita kuti mabasa anokosha avanaamai akudzwe.
Musiki wedu, Jehovha Mwari, anokudzawo vanaamai. Kutaura zvazviri, mumwe weMirayiro Gumi yainge yakanyorwa pamahwendefa ematombo “nomunwe waMwari,” unokurudzira vana kuti: “Kudza baba vako naamai vako.” (Eksodho 20:12; 31:18; Dheuteronomio 9:10) Uyezve, chirevo cheBhaibheri chinotaura nezvo“kudzidzisa kwaamai vako.” (Zvirevo 1:8) Kukosha kwokudzidzisa vana mumakore matatu okutanga oupenyu hwavo—vakawanda vavo pavanenge vachiri kunyanya kutarisirwa naamai vavo—iye zvino kunoitwa munzvimbo dzakawanda.
Vanotarisana Nematambudziko Api?
Kana vari vanaamai vakawanda dambudziko rokudzidzisa vana vavo pavanenge vari mumakore avo anokosha apo unhu hunenge huchiumbika nderokuti vanotofanira kuenda kubasa kuti vabatsire kutarisira mhuri yavo. Nhamba dzakaunganidzwa neUnited Nations dzinoratidza kuti munyika dzakabudirira dzakawanda, vanaamai vanodarika hafu vane vana vane makore ari pasi pematatu vanoenda kubasa.
Uyezve, vanaamai ndivo vanowanzotakura mutoro wokurera vana vavo vari voga nokuti varume vavo vanenge vakabva pamba kunotsvaka basa kune rimwe guta kana nyika. Somuenzaniso, zvinonzi mune dzimwe nzvimbo dziri muArmenia, varume vanoda kusvika chikamu chimwe muzvitatu vakaenda kune dzimwe nyika kunotsvaka basa. Vamwe vanaamai vanosiyiwa voga kuti varere vana vavo nokuti varume vavo vanenge vakafa kana kuti vakavasiya.
Mune dzimwe nyika, rimwe dambudziko rina vanaamai vakawanda nderokuti vanenge vasina kudzidza. United Nations Department of Economic and Social Affairs inofungidzira kuti vakadzi ndivo vanoumba zvikamu zviviri muzvitatu zvevanhu vanokwana mamiriyoni 876 evanhu vasingagoni kunyora nokuverenga. Kutaura zvazviri, muAfrica, nyika dzemaArabhu, kuEast nokuSouth Asia, maererano neUNESCO, vakadzi vanopfuura 60 muzana havagoni kunyora nokuverenga. Uyezve, varume vakawanda vanodavira kuti hazvikoshi kudzidzisa vakadzi uye zvinovatadzisa kuita basa ravo rokubereka vana.
Magazini inonzi Outlook inotaura kuti mune rumwe ruwa rwenharaunda yeKerala muIndia uko vasikana vanowanzova vanaamai vaine makore 15, hakuna anoda mukadzi akadzidza. MuPakistan yakavakidzana nayo, vanakomana ndivo vanokosheswa. Vanorerwa nenzira inovagadzirira kuti vazowana mabasa anobhadhara zvakanaka kuitira kuti vagone kuzotarisira vabereki vavo kana vakwegura. Ukuwo maererano nerimwe bhuku rinonzi Women’s Education in Developing Countries, “vabereki havashandisi mari yakawanda pavanasikana vavo nokuti havatarisiri kuti vanozobatsira mhuri nemari.”
Kunozouyawo dambudziko retsika dzomunharaunda. Somuenzaniso, mune dzimwe nyika amai vanotarisirwa kutsigira tsika dzakaita sedzokuzvarira uye dzokucheka dzimwe nhengo dzokubereka nadzo dzevakadzi. Kunewo tsika yokurambidza vanaamai kuranga vanakomana vavo. Amai vanosungirwa kutevedzera tsika dzakadaro uye kurega vana vavo vachidzidziswa nevamwe here?
Munyaya inotevera, tichaona kuti vamwe vanaamai vari kukunda sei matambudziko akadaro. Tichaedzawo kuti tisvike pakukoshesa chaizvo vanaamai nechinonzi umai tova nemaonero akanaka ebasa rinoitwa naamai somudzidzisi wevana vavo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
“Kana yava nyaya yokuita kuti pfungwa dzomwana dzifunge uye ade kuziva, uye kuumbiridza mano ake okugadzira zvinhu, basa raamai rinokosha.”—Regional Summit on Children’s Rights, Burkina Faso, 1997.
[Mifananidzo iri papeji 3]
Vanaamai vane basa guru rokuita kuti mwana mumwe nomumwe awane utano hwakanaka, dzidzo, unhu, uye pfungwa dzakagadzikana