RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 3/8 pp. 22-23
  • Tinofanira Kushandisa Sei Rusununguko Rwedu Rwokusarudza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kushandisa Sei Rusununguko Rwedu Rwokusarudza?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzvisarudzira
  • Kusarudza Kushumira Mwari
  • Ratidza Kutenda—Ita Zvisarudzo Nekuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • “Mumwe Nomumwe Achatakura Mutoro Wake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kusarudza Nokuchenjera Uchiri Muduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Maitiro Aungaita Zvisarudzo Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 3/8 pp. 22-23

Zvinotaura Bhaibheri

Tinofanira Kushandisa Sei Rusununguko Rwedu Rwokusarudza?

MWARI akapa vanhu vokutanga, Adhamu naEvha mano okuzvisarudzira. Akati Adhamu atarisire bindu reEdheni. Mabasa aAdhamu aisanganisira kupa mhuka mazita. (Genesi 2:15, 19) Chinokosha zvikuru, Adhamu naEvha vaigona kusarudza kuti vaizoteerera Mwari here kana kuti kwete.—Genesi 2:17, 18.

Kubvira ipapo, pane mabhiriyoni asingaverengeki okusarudza kwakaitwa nevanhu—kwakawanda kwacho kwakanaka, kumwe kusina kukodzera, uye kumwe kwakaipa kwazvo. Zvimwe zvezvakasarudzwa nevanhu zvakaipa zvakaguma nengozi. Kunyange zvakadaro, Mwari haana kumbobvira apindira pakodzero yedu yokusarudza. SaBaba vane rudo, Mwari anotibatsira kusarudza zvakanaka achishandisa mapeji eBhaibheri. Anotinyeverawo nezvemigumisiro yokusarudza kwakaipa. Bhaibheri rinoti tichakohwa zvatinodyara.—VaGaratiya 6:7.

Kuzvisarudzira

Mune dzimwe nyaya Mwari anonyatsoratidza zvaanoda, achitipa nhungamiro yakananga. Zvisinei, munyaya dzakawanda, Bhaibheri hariisi mitemo kuti idzore zvinhu zvose zvatinoita. Pane kudaro, rinopa nhungamiro yakakura inoita kuti munhu aite zvaanonzwa achida. Somuenzaniso, ona zvarinotaura nezvenhandaro.

Magwaro anoti Jehovha ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Shoko rake rinotaura nezve“nguva yokuseka” “nenguva yokupembera.” (Muparidzi 3:1, 4) Bhaibheri rinotiudza kuti Mambo Dhavhidhi airidza nziyo kuti vamwe vabatsirwe. (1 Samueri 16:16-18, 23) Jesu akapinda mabiko omuchato, uye akawedzera mafaro nokuchinja mvura kuiita waini.—Johani 2:1-10.

Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera zvakakodzera kuti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” (Zvirevo 13:20) “Majee anonyadzisa” nemamwe mabasa ounzenza zvinogumbura Mwari uye zvinogona kukanganisa ukama hwedu naye. (VaEfeso 5:3-5) Kana doro rikangopiwa vose vose pamitambo yokuungana, zvinetso zvikuru zvinogona kuvapo. (Zvirevo 23:29-35; Isaya 5:11, 12) Jehovha Mwari anovengawo chisimba.—Pisarema 11:5; Zvirevo 3:31.

Ndima dzeBhaibheri idzi dzinotibatsira kuona nhandaro sezvainoitwa naMwari. Mukusarudza, vaKristu vanofunga zvinotaurwa neBhaibheri. Chokwadi, tose tichatarisana nemigumisiro yakanaka kana yakaipa yezvatinosarudza.—VaGaratiya 6:7-10.

Saizvozvowo, vaKristu vanokurudzirwa kusarudza nokuchenjera maererano nezvinotaurwa neBhaibheri panyaya dzakaita sedzezvokupfeka, kuroorana, kuva mubereki, nenhau dzebhizimisi. Izvi zvinosanganisira nyaya dzisingataurwi zvakananga muMagwaro, nepo nhungamiro inowanikwa imomo ichivabatsira kusarudza vachitungamirirwa nehana. (VaRoma 2:14, 15) Zvinotevera zvinofanira kushanda mukusarudza kwose kunoitwa nomuKristu: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chimwe chinhu, itai zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri.”—1 VaKorinde 10:31.

Panyaya iyi tinofanira kufunga nezvenhungamiro yokuva ‘nehanya nezvinhu zvedu toga.’ (1 VaTesaronika 4:11) VaKristu kakawanda vanonangana nokusarudza pazvinhu zvizhinji zvisingapesani nokuda kwaMwari. Nokudaro, zvinodiwa nomumwe muKristu zvingasiyana nezvevamwe. Hazvifadzi Mwari kuona vashumiri vake vachitongana. (Jakobho 4:11, 12) Bhaibheri rinopa zano rokuchenjera kuti: “Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura . . . nokuti anopindira munhau dzevamwe vanhu.”—1 Petro 4:15.

Kusarudza Kushumira Mwari

Bhaibheri rinoburitsa pachena kubatsira kunoita kuteerera Mwari. Kunyange zvakadaro, Mwari haamanikidzi vanhu kuti vamunamate. Pane kudaro, anokoka vanhu kuti vamunamate. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Uyai, tinamate tikotamire pasi; ngatipfugame pamberi paJehovha muiti wedu.”—Pisarema 95:6.

VaIsraeri vekare vakakokwa zvakadaro. Anopfuura makore 3 500 adarika, rudzi rwaIsraeri rwakamira pamberi peGomo reSinai, uye Mwari akazivisa mamiriyoni iwayo manamatirwo echitendero chechokwadi aiva muMutemo waMosesi. Iye zvino vakanga vava nezvokusarudza: Vaizoshumira Mwari here kana kuti kwete? Vakaita sei? Vose vakati: “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.” (Eksodho 24:7) Ndivo vakanga vachizozvisarudzira kunamata Jehovha.

Muzana remakore rokutanga, Jesu akatanga kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 4:17; 24:14) Haana kumbomanikidza chero munhu kuita basa iri. Pane kudaro, akakoka vamwe nomutsa, achiti: “Uuye uve muteveri wangu.” (Mako 2:14; 10:21) Vakawanda vakabvuma kukokwa naye uye vakatanga kuparidza naye. (Ruka 10:1-9) Papera nguva yakati, vamwe vakasarudza kusiya Jesu. Judhasi akasarudza kumutengesa. (Johani 6:66; Mabasa 1:25) Gare gare, vachitungamirirwa nevaapostora, vanhu vakawanda vakava vadzidzi, kwete vakabatirwa bakatwa, asi vachizvisarudzira pachavo. “Vaida” uye “vakava vatendi.” (Mabasa 13:48; 17:34) Nhasiwo, vaKristu vechokwadi vanoteerera Shoko raMwari vachida uye vanotevera dzidziso dzaJesu.

Zvakajeka kuti, Mwari anoda kuti tishandise mano edu okukwanisa kusarudza. Anopawo nhungamiro inobva muBhaibheri inotibatsira kusarudza nokuchenjera. (Pisarema 25:12) Pakuzvisarudzira, muKristu mumwe nomumwe anofanira kufunga nezvenhungamiro yaMwari. Munzira iyoyo bedzi ndimo matingaitira Mwari ‘basa dzvene nesimba redu rokufunga.’—VaRoma 12:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe