Matatu—Michovha yomuKenya Ine Mavara Anoyevedza
NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA
MUNHU anoshanyira Kenya haambopererwi nemashoko okurumbidza paanorondedzera nezverwendo rwake. Nzou hadzi huru kune dzose, shumba yakaisvonaka, uye kuvira kwezuva kwakatsvukira zvose izvi zvinhu zvisingakanganwiki nomunhu anenge ari parwendo. Kuno, zvinhu zvakanaka zvakawanda uye zvakasiyana-siyana. Zvisinei, mumigwagwa yakawanda iri munharaunda yacho, pane chimwe chinhu chinoyevedza meso—michovha inoitiswa zvakasiyana-siyana inonzi matatu. Zita iri rinoshandiswa kutaura nezvemichovha inotakura vanhu. Zvinhu zvadziinazvo zvinoshamisa ndizvo zvakaita kuti dzive motokari dzinotakura vanhu dzinonyanya kuzivikanwa muKenya.
Kutanga kwakaita matatu kunonakidza kungofanana nokushanda kwadzinoita. Yokutanga yakanga iri mugweje weFord Thames, yakasara pane dzakashandiswa muEthiopia nemasoja okuBritain muhondo yenyika yechipiri. Mukutanga kwema1960, mumwe munhu aigara muNairobi akashandisa motokari iyi kutakura shamwari dzake kuenda pakati peguta, achivakumbira kubhadhara masendi 30 pamunhu emafuta emotokari.a Nenguva isipi, vamwe vakatanga kuona kuti motokari dzekare idzi dzinobhadhara. Nokudaro, dzakawanda dzakachinjwa kuti dzikwanise kutakura vanhu 21, dziine mabhenji matatu okugarira emapuranga akatarisana. Izvi zvakafanana nezvebolekajas yokuNigeria. Munhu mumwe nomumwe aibhadhara mashereni matatu. Zvichida ichi ndicho chikonzero nei motokari idzi dzakanzi matatu—kubva pashoko rechiSwahili rokuti tatu, rinoreva kuti “nhatu.” Kubvira ipapo, matatu yachinja chaizvo, uye motokari dzemazuva ano dzasiyana chaizvo nedzaishandiswa kare. Hungu, motokari dzematatu dzemazuva ano imotokari dzakaisvonaka dzakatsanangurwa nerimwe pepanhau rokuKenya rinobuda mazuva ose kuti “dzakafanana nendege uye dzine mavara akaita kunge omuraraungu.” Izvi handizvo zvakanga zvakaita matatu omumukoto okuma1960!
Kukwira matatu kunogona kunakidza chaizvo, kunyanya kana mutyairi achipinda-pinda nepakati pedzimwe motokari mukati meguta! Regai timbotenderera zvishoma muNairobi takakwira matatu timbonzwa kuti zvinodini.
Kukwezva Kunoshamisa
Rwendo rwedu ruchatanga pachiteshi pane motokari idzi dzakawanda dzakamirira kuenda kwakasiyana-siyana. Inguva dza1:00 masikati, uye nzvimbo yose yakati ta-a nevanhu uye chinongova chipatapata, vanhu vachiedza kuwana matatu yekwavari kuenda. Vamwe vari kuenda kumaruwa, rwendo ruchaita maawa anoverengeka. Vamwe vari kuenda makiromita mashomanana kubva muguta, zvichida kuti vambonoti idyei. Apa ndipo panoshanda matatu.
Waona here kuti dzakawanda dzemotokari idzi dzine mavara akajeka? Izvi hazvingoitirwi kuti dziratidzike zvakanaka chete. Pane vamwe vanhu vanofarira kufamba vari mumatatu yakanaka kukunda dzimwe dzose. Ukanyatsotarisa motokari dzacho uchaona kuti dzakanyorwa mazita anoverengeka nechepadivi padzo. Mamwe acho anotaura nezvezviri kuitika mazuva ano—somuenzaniso, “El Nino,” “Mireniyamu,” “The Website,” “Indaneti,” uye “Dot Com.” Mamwe akadai sokuti “Meek” uye “Mishinari” anoratidza zvinhu zvakanaka zvinodiwa kuti vanhu vave nazvo. Yakada kufanana nematatu ijeepney yokuPhilippines. Zvinofadza kuti iyowo yakabva muhondo yenyika yechipiri.
Kutsvaka vanhu vanoda kutakurwa ndechimwe chinhu chinofadza chinoitika. Pasinei nokuti motokari idzi dzine zviratidzo zvakanyorwa kwadziri kuenda, vanahwindi vanodaidzira nemanzwi makuru uku vatyairi vachiridza huta zvinodakadza. Usashamiswa nokuona pane mamwe matatu zviratidzo zvakanzi “Jerusalem” kana kuti “Jericho.” Kana ukakwira mune imwe yeidzi, uchaguma wava, kwete kuMiddle East, asi kuti kunzvimbo dzinogara vanhu dziri kumabvazuva kweNairobi dzine mazita aya omuBhaibheri. Uku vanahwindi vanenge vari kuedza kuendesa vanhu mumotokari dzose, ndosaka zviri kunetsa vakawanda chaizvo kuti vazive kuti vopinda mune ipi yacho!
Mauya mune ino inonzi Strawberry! Zvichida muchanakidzwa norwendo rwenyu kufanana nokunakirwa kwamunoitwa nomuchero uyu. Zvinoita sokuti vanhu vakati wandei vanofarira matatu iyi, sezvo yatora maminitsi mashoma kuti izare. Mumhanzi uri kuririra zviri pasi pasi uchibva pamasipika maduku akasungirirwa mudenga unozorodza vatakurwi. Zvisinei, usafunga kuti izvi ndizvo zviri mune matatu ose. Mamwe ane masipika makuru pasi pezvigaro, panodandaura nziyo dzinoita sedzichabvarura nzeve. Atova maminitsi gumi adarika kubva zvagara vanhu pazvigaro zvose. Asi matatu yedu haisati yamboti suduru. Ko iri kunonotswa nei? Nzvimbo iri pakati pezvigaro inofanira kuva nevamwe vanhu vakamira. Munguva pfupi hapachisina kana nzvimbo yokuti ungamboti pfakanyikei. Matatu yacho ichatomira kanoverengeka munzira kuti ikwidze vamwe vanhu.
Pakupedzisira tinobva tarutanga. Vanhu vasingambozivani vari kudya nyaya zvavo, kunyanya zvaswera zvichiitika. Zvakafanana nepamusika. Kunyange zvakadaro, ngwarira kuti usanyanya kuteerera zviri kutaurwa. Zvinonzi vamwe vakadarika pavaifanira kuburukira nokuti vakanga vakanyura mukuteerera nyaya dzakanga dziri kutaurwa.
Tataura kuti matatu inogona kuita zvinhu zvakasiyana-siyana. Haingoendi nomugwagwa mumwe chete. Kuti akwanise kubata nguva yaanenge azvipa oga, mutyairi achashandisa nzvimbo ipi neipi iripo kusanganisira munofamba nevanhu—dzimwe nguva achipotsa vamwe nepaduku-duku. Ukuwo, basa romukokeri harisi nyore. Ari kuedza kubhadharisa vanhu vari kuita ruzha, vamwe vacho vasiri kuda kubhadhara. Asi haamboteereri zvikumbiro zvisina musoro. Munhu wacho anotobhadhara kana kuti matatu inomira munhu wacho oudzwa kuti aburuke—pane dzimwe nguva pasina zvokumbonyengererana! Mukokeri anoudza mutyairi kuti pane vari kuda kuburuka, uku achitarisa vari kuda kukwira. Anoudza mutyairi achiita zvokuridza mheterwa, kurova denga remotokari, kana kuridza bhero riri pedyo nomukova. Kunyange zvazvo paine zviteshi zvakasarudzwa, matatu inokwanisa kumira chero papi chero nguva, zvichida kuti itakure munhu kana kuti kuburutsa munhu.
Sezvo tabva mukati meguta, zvino tava munzvimbo inogara vanhu, uye vanhu vakawanda vari kuburukira muno. Yava nguva yokuti matatu idzokere pachiteshi payabva. Ichatakura vamwe vanhu panzira. Ava vachanakidzwawo sezvataita. Pasina mubvunzo, kukwira kwataita Strawberry, kunyange hwanga husiri utepfetepfe, kwanga kuchinakidza.
Icharamba Ichishandiswa
Neavhareji yemotokari 30 000, kambani dzinogadzira motokari dzorudzi rwematatu muKenya dzasiyana nezvadzakanga dzakaita makumi emakore apfuura dzichiva dzakasimba, uye dzakapfuma kwazvo. Zvisinei, kuchinja-chinja kwadzo, kwakonzera zvinetso. Somuenzaniso, vatyairi vacho vave vachipomerwa mhosva yokutadza kuremekedza mitemo yomumigwagwa inoshandiswa nevamwe vose, uye mitemo yakawanda yakagadzwa nevakuru vakuru kuitira kuti izvozvo zviderere. Nguva nenguva panogadzwa mitemo iyi ivo vanobva vaita kuti motokari dzavo dzirege kutakura vanhu, saka zvinokanganisa zviuru zvevanhu vanoshandisa matatu zuva nezuva. Nepo vasiri vanhu vose vangada mafambiro anoita matatu, motokari idzi dzinotakura vanhu vanowana mari shoma vanogara mudunhu rino kuti vafambewo zviri nyore.
[Mashoko Omuzasi]
a Mari yokuKenya (inonzi shilling pachirungu), inokwana masendi 100 okuKenya. Dhora rimwe chete rokuAmerica rinokosha mashilling 78.
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Rudzi rweFord Thames
[Kwazvakatorwa]
Noor Khamis/The People Daily