‘Vachapfura Minondo Yavo Vachiiita Mapadza’—Rini?
CHIFANANIDZO chakavezwa chakakurumbira chiri pamuzinda weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose muNew York City chinofananidzira murume ari kupfura munondo kuti uve badza. Chakavakirwa pauprofita hweBhaibheri hwaIsaya chitsauko 2, ndima 4, uye Mika chitsauko 4, ndima 3. Mashoko aya achazadzika sei uye rini?
Mumwe mushumo womunguva ichangopfuura muThe New York Times waive nomusoro unoti “Kutengeswa Kwezvombo Pasi Pose Kunokwira Kusvika Mabhiriyoni 30 emadhora okuUnited States [omuZimbabwe 150 ]”! Muna 1999 ndivanaani vaitungamirira pakuwanisa zvombo izvi zvakawanda? United States yaitungamirira ichitengesa zvinokwana Mabhiriyoni 11,8 emadhora okuUnited States [omuZimbabwe 59]. Yechipiri yaiva Russia ichitengesa hafu yechitsama cheUnited States. Zvisinei, Russia yakapotsa yapeta kaviri zvayakatengesa gore rakanga rapfuura. Paizotevera Germany, China, France, Britain, uye Italy. Mushumo wakarewo wakapfuurira kuti: “Kungofanana nomunguva yakapfuura, zvinenge zvombo zviviri pazvitatu zvoga zvoga zvakatengeserwa nyika dzichiri kubudirira.”
Pashure pehondo dzenyika mbiri uye dzimwe hondo huru dzakawanda dzomuzana remakore rechi20, dzakasiya mazana emamiriyoni afa uye akuvadzwa, munhu anoitwa kuti abvunze kuti, “Marudzi achadzidza rini rugare panzvimbo pehondo?” Bhaibheri rinoratidza kuti kuenda kurugare kwaizova “pamazuva okupedzisira.” (Isaya 2:2) Kutaura zvazviri, uprofita uhwu huri kutozadzika, sezvo anenge mamiriyoni matanhatu eZvapupu zvaJehovha ari kuzvibvumira ‘kudzidziswa naJehovha.’ Somugumisiro, ‘rugare [rwavo] rukuru.’—Isaya 54:13.
Jehovha ava kubva ogumisa zvombo zvose nehondo uye vanozvitsigira, nokuti acha‘paradza vanoparadza pasi.’ Kana uchida kuziva zvakawanda nezvouku kuchinja kunoshamisa, tapota inzwa wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha munharaunda yako kana kunyorera pakero yakakodzera pane dzakarongwa papeji 5.—Zvakazarurwa 11:18.