Murangariro weBhaibheri
Ko Urombo Hunoruramisa Kuba Here?
“Urombo muvengi mukuru womufaro womunhu; zvirokwazvo hunoparadza rusununguko uye hunoita kuti mamwe mavara asaratidzirike, uye mamwe aome zvikurusa.”—Samuel Johnson, munyori wezana remakore rechi18.
NYANZVI yezvehurumende yeRoma Magnus Aurelius Cassiodorus yakati: “Urombo ndivo mai voutsotsi.” Iyi mirangariro inoratidzika seinokarakadza kuti humwe utsotsi mugumisiro womuzvarirwo wourombo. Vakawanda nhasi sezviri pachena vanobvumirana nazvo, zvikurukuru apo utsotsi hunenge huri kuba.
Kudavira kuti udzvinyiriri nourombo zvinoruramisa kuba kwakakurumbira zvikuru. Rangarira nziyo dzakakurumbira dzezana remakore rechi14 dzeEngland pamusoro paRobin Hood, idzo dzinorondedzera munhu wengano asingateereri mutemo akabira vapfumi ndokuparadzira zvaakawana kuvarombo. Kwemazana emakore akaonekwa segamba.
Sezvinobvumwa, vakawanda nhasi vane zvinetso zvakakomba zvemari. World Bank rakashuma nguva pfupi yapfuura kuti kune vanhu vane mabhiriyoni 1,3 vanorarama nemari iri pasi pemadhora gumi pazuva. Mune kumwe kunzvera 70 muzana yevaFilipino vakati vaizvirangarira sevarombo. MuBrazil 20 muzana vakapfumisisa vanowana mari yakapetwa ka32 kupfuura varombo vokupedzisira vane 20 muzana. Mamiriro akadaro ezvinhu anogona kuvhiringidza mwoyo yevamwe vanhu kusvika pakuita zvose zvose, kunyange kuba, kuti vangogutsa zvinodikanwa zvavo zvezuva nezuva zvokurarama nazvo.
Bhaibheri rinoshora kuba zvakajeka. Wechisere weMirayiro Gumi unoti: “Usaba.” (Eksodho 20:15) Bva, vakawanda vanodavira Bhaibheri vanoruramisa kuba apo mbavha inenge yasundwa nokushaya mari kunosuruvarisa.
Izvi zvinomutsa mibvunzo yakakomba: Ko urombo hunoruramisa chaizvoizvo kuba here? Munhu anofanira kuitei kana achirarama munhamo huru yokushaya mari? Zvakadini kana ane vana vanorwara kana kuti vane nzara vokutarisira? Jehovha Mwari angabvumira kuba muzvinoitika zvakadaro here, zvikurukuru kana zvinhu zvatorwa zviri zveavo vangatove vasina basa nazvo?
Mwari Anotii?
Sezvo Jesu akaratidzira unhu hwaBaba vake, muenzaniso wake unogona kutibatsira kunzwisisa murangariro waMwari. (Johane 12:49) Apo akanga ari pasi pano, Jesu akanga ane tsitsi zvikuru mukubata kwake navanoshayiwa. Bhaibheri rinotaura kuti “asi wakati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi.” (Mateo 9:36) Kunyange zvakadaro, mumamiriro ezvinhu api naapi, haana kutongopembedza kuba. Nenzira yakafanana, kunyange zvazvo Mwari achiitira hanya varombo, haarangariri urombo sohunoruramisa kuba. Pana Isaya 61:8, Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari ‘[a]novenga ugororo pamwe chete nokusarurama.’ Uye muapostora Pauro anotaura zvakajeka kuti mbavha hadzizogari nhaka yoUshe hwaMwari. Nokudaro hatisiyiwi tine mubvunzo pamusoro pomurangariro waMwari.—1 VaKorinte 6:10.
Zvisinei, Zvirevo 6:30 inotaura kuti “vanhu havangazvidzi mubi kana achiba kuti agute kana achinge ane nzara.” Uku kutaura kunopembedza kuba here? Nyangwe. Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Mwari anongorangira mbavha yacho chikanganiso chayo. Ndima inotevera inoti: “Asi kana akabatwa unofanira kudzosera zvava zvinomwe; unofanira kuripa nepfuma yose yeimba yake.”—Zvirevo 6:31.
Nepo mbavha inoba nemhaka yenzara ingasashorwa sezvingaitwa iyo inoba nemhaka yamakaro kana kuti yokuda kukuvadza nyajambwa wayo, avo vanoshuva tendero yaMwari havafaniri kuva nemhaka youmbavha hupi nohupi. Kunyange mumamiriro ezvinhu ourombo hwakakomba, kuba kunozvidza Mwari. Zvirevo 30:8, 9 inotaura nenzira iyi: “Mundigutse nezvokudya zvakandifanira; . . . kana kuti zvimwe ndive murombo, ndibe, ndimhure zita raMwari wangu.” Hongu, mbavha inozvidzisa zita raMwari. Sezvo kuba chiri chiito chokusava norudo, chivi pasinei zvapo nokuti chaitirwa mupfumi kana kuti murombo. Kune avo vanoda Mwari nomuvakidzani, kuba hakutomboruramiswi.—Mateo 22:39; VaRoma 13:9, 10.
Kutaura kwokuti munhu anoshaya ane maruramiro okuba hakuna mufungo. Kutaura kudaro kwakangofanana nokutaura kuti mumhanyi ane muviri muduku ane maruramiro okunwa mirimo inorambidzwa kuti ahwine. Kunyange kana akahwina, ashandisa nzira dzisina kutendeseka. Vamwe vangarangarira nenzira yakarurama kuti avatorera rukundo rwavo nemitoo isina kunaka. Ndozvazvakaitawo, nembavha. Inotora zvevamwe munzira isina kutendeseka. Kushaya kwayo hakururamisi zvainoita.
Mbavha ipi neipi inoda tendero yaMwari inofanira kupfidza mufambiro wayo. Bhaibheri rinorayira kuti: “Wakaba, ngaarege kubazve; asi zviri nani kuti atambudzike, abate namaoko ake basa rakanaka.” (VaEfeso 4:28) Dzaimbova mbavha dzinopfidza zvapachokwadi dzinogona kuva nechokwadi kuti Jehovha achadzikanganwira.—Ezekieri 33:14-16.
Varombo Vanogona Kuitei?
Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; asi kupanga kwevakaipa unokusundira kure.” (Zvirevo 10:3) Mwari haazobatsiri avo vanotyora mutemo wake noune kuti vagutse zvishuvo zvavo. Asi anonzwira tsitsi avo vanoedza zvapachokwadi kumuteerera, uye achakomborera nhamburiko dzavo dzokuwana zvinodikanwa.—Pisarema 37:25.
Mamiriyoni akatoona kuti apo anotevera nheyo dzaMwari, mamiriro avo ezvinhu muupenyu anova nani. Somuenzaniso, kushandisa zano reBhaibheri rokuva anoshanda nesimba nokudzivisa zvakashata, zvakadai sokubhejera, udhakwa, kusvuta, uye kushandisa mirimo zvisina kufanira, kwakavagonesa kuva nezvakawanda zvezvavanoda chaizvoizvo. (VaGaratia 5:19-21) Izvi zvinoda kuti vave nokutenda, uye avo vakaita kudaro vakaona kuti “Jehovha wakanaka” uye kuti anobatsira chaizvoizvo avo vanovimba naye.—Pisarema 34:8.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]
Robin Hood: General Research Division/The New York Public Library/Astor, Lenox and Tilden Foundations