Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndichifanira Kurwara Kwazvo?
APO Jason akanga ane makore 13 ekukura, akasarudza kuti munguva yemberi aizobatira semushumiri wenguva yakazara paBheteri, dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York. Akazvigadzirira bhokisi remapuranga uye akaritumidza zita rokuti bhokisi rake reBheteri. Akavamba kuunganidza zvinhu mariri zvaakafunga kuti zvaizova zvinobetsera apo aizovamba basa rake repaBheteri.
Zvisinei, mwedzi mitatu chete pashure pekusvitsa makore 18 okuberekwa, Jason akawanika aine hosha yeCrohn—hosha yemudumbu inopfuurira, inorwadza. “Zvakandiodza mwoyo chaizvo,” anoyeuka kudaro. “Chandaigona kuita bedzi kudaidza Baba vangu vaiva kubasa ndokuchema. Ndakaziva kuti, muchiitiko chipi nechipi, kwaireva kuti nharidzano yangu yekuenda kuBheteri yakanga yavhiringidzwa.”
Kurwara chikonzero chikuru nei “zvisikwa zvose [zvichi]gomera nokurwadziwa pamwe chete kusvikira zvino.” (VaRoma 8:22) Mamiriyoni asingatauriki evanhu vaduku anobatanidzwa pakati pevanorwara. Vanhu vaduku vakawanda pakupedzisira vanoita zviri nani. Asi vamwe vanofanira kugonana nehosha dzinopfuurira kana kuti, muzvimwe zviitiko, dzinotyisidzira upenyu. Dzinobatanidzwa pakati pezvirwere izvo pwere kazhinji kazhinji dzinotambura iasima, chirwere cheshuga, chirwere chekushayika kweropa mumasero, zvirwere zvinotapukira, tsviyo, chirwere chendangariro, uye kenza. Dzimwe pwere dzinorarama neurwere hwakawanda.
‘Nei Izvi Zviri Kuitika Kwandiri?’
Chirwere kazhinji kazhinji chinoparira dzvinyiriro dzendangariro uye dzemirangariro, tisingatauri nezvekurwadziwa kwemuviri. Somuenzaniso, kana chirwere chikakuregedzesa kuenda kuchikoro kwemwedzi yakati, ungasasarira shure mune zvechikoro bedzi asi unonzwawo waparadzaniswa munzanga. Apo Sunny ane makore 12 ekukura anofanira kurasikirwa nechikoro nemhaka yekugara kwake muchipatara kwenhambo nenhambo, anonetseka kuti, ‘Vemukirasi yangu vari kuitei? Chii chandiri kurasikirwa nacho nhasi?’
Nenzira yakafanana, kukura mumudzimu kungagona kuratidzika sekunotambura apo unenge uchirwara zvikuru zvokusagona kupinda misangano yechiKristu kana kuti kunyange kurava Bhaibheri. Paiyi nguva unoda tsigiro yekuwedzera yemirangariro neyemudzimu. Pakutanga, ungaramba kudavira kunzvera kwacho. Gare gare, unganzwa zvichida uchizvishatirirwa zvikuru, uchifunga kuti waigona kudai wakadzivisa nenzira yakati chirwere chacho. Unganzwa uchida kuchema kuti, ‘Nei Mwari akabvumira kuti izvi zviitike kwandiri?’ (Enzanisa naMateo 27:46.) Chaizvoizvo, ndekwemuzvarirwo kuva nekuora mwoyo kwakati.
Mukuwedzera, muduku angatorangarira kuti kana akaita nhamburiko chaiyo yakati, yakadai sekuedza kuva akanaka zvikuru, Mwari achabvisa chirwere chake. Zvisinei, kufunga kwadaro kunogona kutungamirira kukuora mwoyo, sezvo Mwari asingapikiri kuporesa kunoshamisa panguva ino.—1 VaKorinte 12:30; 13:8, 13.
Zvichida wakanga wakarira kuti hausati uchitongofanira kufa—kuti uchave uri mupenyu apo Mwari anounza “kutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:14, 15; Johane 11:26) Kana zvakadaro, kuziva kuti une chirwere chinotyisidzira upenyu kunogona kuva kunovhundutsa zvikuru. Ungashamisika kana wakaita chimwe chinhu chinogumbura Jehovha, kana kuti ungafunga kuti Mwari akakusarudza nokuda kwemuedzo chaiwo weperero. Zvisinei, idzi hadzisi mhedziso dzakafanira. “Mwari amene haangaidzwi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu,” rinodaro Shoko raMwari, Bhaibheri. (Jakobho 1:13) Chirwere nerufu mativi asingafadzi emugariro wazvino wevanhu, uye tose tinodzorwa “nenguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11.
Kugonana Nokutya
Kuva nechirwere chakakomba kungakuparirawo kunzwa kutya kukuru kwenguva yekutanga. Bhuku rinonzi How It Feels to Fight for Your Life rine tsinhiro dzevanhu vaduku 14 vane zvirwere zvakakomba. Somuenzaniso, Anton, ane makore gumi ekukura, akatya kuti aizofa mukati medenho yakaipa yeasima. Uye Elizabeth, ane makore 16 ekukura, uyo akanga achirwisa kenza yemapfupa, aitya kurara ndokusazomuka.
Dzimwe pwere, kunyange zvakadaro, dzine kutya kwerudzi rwakasiyana—kutya kuti hakuna munhu achazomboda kuvaroora kana kuti kuroorwa navo kana kuti kutya kusazova nevana vakasimba gare gare muupenyu. Vamwe vechiduku vanotya kuti vangapa chirwere chavo kumitezo yemhuri, kana chirwere chavo chichitapukira kana kuti kwete.
Kunyange kana hosha yadzikama kana kuti ichiderera, nokudzokazve kwakaipa kupi nokupi, kutya kunogona kuonekazve. Kana wakanzwa kutya kwakadaro, unoziva kuti ndekwechokwadi zvikuru. Sezvineiwo, kukwira kwepakuvamba kwemirangariro yakaipa kunowanzoderera pashure penguva yakati. Ipapo unogona kuvamba kunzvera mamiriro ako ezvinhu zvine mufungo zvikuru.
Chinetso Chekuva Anorwara
“Apo unenge uri muduku, unonzwa wakasimba,” anodaro Jason, ambodudzwa. “Ipapo, kamwe kamwe, kuva anorwara zvakakomba kunokuita kuti usadavire izvozvo. Unonzwa kuti wakwegura nokukurumidza, sezvo uchifanira kugara ndokuderedza mibato yako.” Hungu, kutarisana neganhuriro itsva kunonetsa.
Jason akawana kuti chimwe chinetso chikuru chinouya apo vamwe vanokundikana kunzwisisa mugariro wako. Jason ane chinganzi “chirwere chisingaoneki.” Chitarisiko chake chekunze chinopa ratidziro isiri yechokwadi yezvinetso zviri mukati. “Muviri wangu haugayi zvokudya sezvaunofanira kuita,” Jason anotsanangura kudaro, “naizvozvo ndinofanira kudya kazhinji kazhinji uye ndinodya zvitsama zvikuru kupfuura zvinoita vakawanda. Bva, ndichiri ndakaonda. Uyewo, padzimwe nguva ndinova akaneta zvikuru zvokuti handigoni kuramba ndakasvinura pakati pezuva. Asi vanhu vanotaura tsinhiro dzinoratidza kuti vanofunga kuti ndinonyanyisa kana kuti ndine usimbe. Vanotaura zvinhu zvakafanana nokuti: ‘Unoziva kuti unogona kuita zviri nani. Hausi kutomboedza!’”
Jason ane vanun’una nehanzvadzi vasinganzwisisi nguva dzose nei asingagoni kuita zvinhu zvaaimboita, zvakadai sekunotamba navo bhora. “Asi ndinoziva kuti kana ndikakuvara,” Jason anodaro, “kungagona kutora mavhiki kuti ndipore. Vanoratidzika kuva vanoenzanisa kurwadziwa kwangu nokwavo ndokuti, ‘Ari kungogomera kuti awane ngwariro.’ Kurwadziwa kwavo kukurusa zvimwe kuminyuka tsoka, naizvozvo havambogoni kufungidzira kuti kurwadziwa kwangu kwakadini.”
Kana chirwere chako chichiratidzika kuva chinopa mutoro pamhuri yako, ungatambura nemhaka. Vabereki vako vanganzwawo vachiva nemhaka. “Vabereki vangu vose vari vaviri vanodavira kuti vangave vakandipa chinetso chacho,” anodaro Jason. “Vana kazhinji kazhinji vanochinjira kuchirwere pashure pokunge vachibvuma. Asi vabereki vane nguva yakaoma zvikuru. Vanondikumbira vakumbirazve ruregerero. Nguva dzose ndinofanira kuita unani hwangu kuti ndiedze kuderedza kunzwa kwavo kwekuva nemhaka.”
Kuenda Kunorapwa—Hakufadzi
Kuenda kunorapwa kunopfuurira kuna chiremba kunogona kuva manyuko efunganyo. Kunogona kukuita kuti unzwe usingakoshi uye usingabetseri. Kungogara chete mukamuri rechipatara rekunzvera uchimirira jana rako kunogona kuva kunotyisa. “Unonzwa . . . uri woga kwazvo uye kwaizova kwakaisvonaka kudai mumwe munhu aizova newe,” anodaro Joseph, ane makore 14 ekukura, anorwara nemwoyo. Zvisingafadzi kutaura, vamwe vaduku havawani rudzi rwakadaro rwetsigiro, kunyange kubva kuvabereki vavo.
Nzvero dzezvekurapa nenzira yakafanana dzinogona kunyandura funganyo. Nenzira yakajeka, dzimwe nzvero dzinogona kuva dzisingafadzi zvikuru. Ipapo, pashure, ungafanira kutsungirira mazuva kana kuti mavhiki efunganyo apo unenge wakamirira zvinenge zvawanwa. Asi rangarira izvi: Kuita nzvero yezvekurapa hakuna kufanana nekunyora bvunzo muchikoro; kuva nechinetso chezvekurapa hakurevi kuti wakundikana munzira yakati.
Chaizvoizvo, nzvero inogona kugovera mashoko anobetsera zvikuru. Inogona kuratidza kuti une chinetso chezvekurapa chinorapwa zviri nyore. Kana kuti, kana chisingadaro, nzvero inogona kubetsera kuratidza chaunogona kuita kuti urarame nechirwere chacho. Ingatoratidza kuti hauna chirwere chakati chinofungidzirwa pasinei zvapo nezvairangarirwa. Naizvozvo usaedza kusvetukira kumhedziso pamusoro pemugariro wako.
Kunyanyonetseka kuchakunetesa bedzi. Bhaibheri rinoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza.” (Zvirevo 12:25) Panzvimbo pezvo, Mwari anotikoka kuti timuudze pamusoro pezvatinoitira hanya. Tinofanira kuvimba kuti anotiitira hanya uye kuti achatipa nhungamiro yake neuchenjeri zvekugonana nechinetso chacho munzira yakanakisisa inobvira.—Pisarema 41:3; Zvirevo 3:5, 6; VaFiripi 4:6, 7; Jakobho 1:5.
Tinogona kufara kuti Musiki wedu, Jehovha Mwari, akaita gadziriro yekuunza nyika itsva yakarurama. Achatomutsa avo vakafa, achivagovera mukana wekufarikanya nyika itsva iyoyo. Bhaibheri rinotivimbisa kuti panguva iyoyo “hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara.”—Isaya 33:24.
Kutozosvikira panguva iyoyo, ungafanira kugonana nechirwere chakakomba. Zvisinei, pane zvinhu zvakawanda zvinoshanda zvaunogona kuita kugonana nenzira inobudirira nemamiriro ako ezvinhu. Tichakurukura izvozvi munyaya inotevera.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Ungabvunza kuti, ‘Nei Mwari akabvumira izvi kuitika kwandiri?’