Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Kudheerera—Kunokuvadzei?
‘Hei! Ndanga ndichingoita jee duku bedzi. Chii chinonetsa? Kunze kwezvo, Ron aifanirwa nazvo.’
UNGAVA uri mukuru uye wakasimba kupfuura vazhinjisa vevaenzani vako. Kana kuti zvichida wakachenjera, unozvidza, uye une ukono. Pasinei zvapo nechipi nechipi, kutyisidzira, kusvotesa, kana kuti kuseka pakukuvadzwa kwemumwe munhu kunoratidzika kuva kunouya zviri nyore kwauri.
Kunyange zvazvo kudheerera vamwe kungasetsa shamwari dzako, hakusi nhau duku. Kutaura idi, vamwe vanzveri vari kuwana kuti kudheerera kunokuvadza zvikuru anodheererwa kupfuura zvavati vambofungidzira. Kunzverwa kwepwere dzezera rekuenda kuchikoro dzekuUnited States kwakawana kuti “90 muzana yeavo vakadheererwa yakatambura migumisiro yakashata—kuderera mumagiredhi, wedzero mufunganyo, kurasikirwa neshamwari kana kuti upenyu hwomunzanga.” MuJapan mumwe ane makore 13 “akazvisungirira pashure pekusiya tsamba refu yairondedzera makore matatu ekudheererwa.”a
Chii chaizvo chinoita kuti munhu ave mudheereri? Uye kana iwe umene uchiita saiye, unogona sei kuchinja?
Mudheereri Chii?
Bhaibheri rinotaura nezvevadheereri vakararama Mafashamo aNoa asati aitika. Vainzi vaNefirimi—shoko rinoreva kuti “avo vanoparira vamwe kuwira pasi.” Mukati menhambo yavo yemasimba masimba, “nyika yakanga izere nokumanikidzana.”—Genesi 6:4, 11.
Zvisinei, haufaniri kurova kana kuti kusaidzira vanhu kuti uve mudheereri. Ani naani anobata vamwe vanhu—zvikurukuru vasina simba kana kuti vasina dziviriro—nenzira yeutsinye kana kuti yekubata kusina kufanira mudheereri. (Enzanisa naMuparidzi 4:1.) Vadheereri vanoedza kuvhundutsa, kutyisidzira, uye kudzora. Asi vazhinjisa vanoshandisa miromo yavo, kwete zvibhakera zvavo. Kutaura idi, kudheerera mirangariro ndiko chimiro chinowanzoshandiswa zvikurusa chouku kubata zvisina kufanira. Nokudaro kunogona kubatanidza kunyomba, kuzvidza, kushora, uye kutsvinyira.
Pane dzimwe nguva, kunyange zvakadaro, kudheerera kunogona kuva kwakaoma kunzwisisa. Rangarira, somuenzaniso, zvakaitika kuna Lisa.b Akakura neboka reshamwarisikana. Asi apo akanga ava nemakore 15 okukura, zvinhu zvakavamba kuchinja. Lisa akava akaisvonaka zvikuru uye akatanga kukwezva ngwariro yakakura. Anotsanangura kuti: “Shamwari dzangu dzakatanga kundisiya uye kutaura zvinhu zvekundizvidza ndisipo—kana kuti kunyange zvakananga.” Vakaparadzirawo nhema pamusoro pake, vachiedza kuparadza mukurumbira wake. Hungu, vanyandurwa negodo, vakamudheerera nenzira yekusanzwira tsitsi uye yeutsinye.
Kuitwa Kwemudheereri
Muitiro weukono kazhinji kazhinji wakabatanidzwa nemhoteredzo yemusha wemunhu. “Baba vaiva noukono,” inodaro pwere inonzi Scott, “naizvozvo ndakanga ndine ukono.” Aaron akangawo ane upenyu hwepamusha hwakaoma. Anoyeuka: “Ndakaziva kuti vanhu vaiziva pamusoro pemamiriro ezvinhu emhuri yangu—kuti yakanga yakasiyana—uye ndakanga ndisingadi kuti vanhu vandinzwire urombo.” Naizvozvo apo Aaron aitamba mitambo, aifanira kukunda. Asi kukunda kwakanga kusina kukwana. Aifanira kunyadzisa vakwikwidzani vake—achivashora vakundwa.
Brent, pane rumwe rutivi, akarerwa nevabereki vanotya Mwari. Asi anobvuma achiti: “Ndaiita kuti vanhu vaseke, asi pane dzimwe nguva ndakanga ndisingazivi nguva yokurega, uye ndaikuvadza mirangariro yemumwe munhu.” Chishuvo chaBrent chokuita jee uye chokukwezvera ngwariro kwaari amene chakamuparira kuzvidza mirangariro yevamwe vanhu.—Zvirevo 12:18.
Dzimwe pwere dzinoratidzika kuva dzinopesvedzerwa neterevhizheni. Mitambo yeutsotsi inorumbidza ‘varume vakasimba’ uye inokuita kuti kuratidzike sokuti kuva ane mutsa hakusi kwechirume. Makomedhi akakurumbira akazadzwa nokuzvidza. Mishumo yenhau kazhinji kazhinji inosimbisa kurwisana uye kutaura kusina ushamwari kunoitika mukati mezviitiko zvemitambo. Shamwari dzedu dzinogonawo kutapura nzira yatinobata nayo vamwe. Apo vaenzani vedu vanenge vari vadheereri, kuri nyore kwatiri kuvakumbanira kuti tidzivise kunetswa isu timene.
Api kana api ari mamiriro ako ezvinhu, kana uchishandisa mitoo yekudheerera, ipapo vanetswi vako havasi ivo voga bedzi vari kukuvadzwa.
Migumisiro Youpenyu Hwose
Magazini inonzi Psychology Today inoshuma kuti: “Kudheerera kungavambira muuduku, asi kunopfuurira ndokupinda muukuru.” Imwe nzvero yefundo yakabudiswa muThe Dallas Morning News yakawana kuti “65 muzana yevakomana vakazivikanwa sevadheereri mugiredhi rechipiri yakanga yatongerwa mhaka dzakakomba pakusvika zera remakore 24.”
Chokwadi, havasi vadheereri vose vanova matsotsi. Asi kuita muitiro wekusarangarira vamwe kungagona kukumutsira zvinetso chaizvoizvo gare gare muupenyu. Kukapfuudzirwa muroorano, kungagona kuguma nenhamo yakakomba nokuda kwemudzimai wako nevana vako. Sezvo vashandirwi vachisarudza avo vanoziva kuwirirana zvakanaka nevamwe, kungagona kukunyima mikana yebasa. Ropafadzo dzemunguva yemberi muungano yechiKristu nenzira yakafanana dzingagona kusakupiwa. “Rimwe zuva, ndingada kukwanirisa semukuru,” anodaro Brent, “asi baba vangu vakandibetsera kuziva kuti vanhu havasati vachizouya kwandiri nezvinetso zvavo kana vakafunga kuti ndingataura chimwe chinhu chinozvidza.”—Tito 1:7.
Nzira Yekuchinja Nayo
Nguva dzose hationi mhosho dzedu timene zvakajeka. Magwaro anotinyevera kuti munhu anogona kunyange ku“zvibata kumeso kwake achiti zvakaipa zvake hazvingazivikanwi zvikavengwa.” (Pisarema 36:2) Naizvozvo ungaedza kubvunza mubereki, shamwari inovimbwa, kana kuti muKristu akakura mumudzimu nokuda kwetsinhiro. Chokwadi chingarwadza, asi chingakubetsera chaizvo kuona kuti ichinjoi dzaunofanira kuita. (Zvirevo 20:30) “Ndinofunga kuti kuteerera ndiko kwaiva chinhu chikurusa chakandibetsera,” anodaro Aaron. “Avo vakanga vakatendeseka vakandiudza pandakanga ndichikanganisa. Zvakanga zvisati zviri zvandaida kunzwa nguva dzose, asi zvakanga zviri zvandaida chaizvoizvo.”
Ikoku kunoreva here kuti unofanira kuita chinjo inoshamisa muunhu hwako hwose? Aiwa, sezvingabvira ichangova chete nhau yekugadziridza kufunga kwako uye mumwe wemiitiro yako. (2 VaKorinte 13:11) Somuenzaniso, kusvika zvino zvichida waizvifunga umene semukuru nemhaka yemhumhu wako, simba, kana kuti kuchenjera. Asi Bhaibheri rinotikurudzira kuita “nomwoyo unozvininipisa [tichiti] vamwe vano[ti]pfuura.” (VaFiripi 2:3) Ziva kuti vamwe—pasinei zvapo nemhumhu kana kuti simba—vane mavara anoyemurika ayo iwe usina.
Ungafanirawo kuzvibvisira umene chimiro chendangariro chokuva ane ukono kana kuti anoshusha. Shandira pakuti “mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvevamwewo.” (VaFiripi 2:4) Kana uchifanira kutaura norusununguko, ita saizvozvo usingatuki, usingazvidzi, kana kuti kutsvinya.—VaEfeso 4:31.
Kana ukaedzwa kushandisa kudheerera, yeuka kuti Mwari akaparadza vaNefirimi vaidheerera. (Genesi 6:4-7; 7:11, 12, 22) Mazana emakore gare gare, mumazuva emuporofita Ezekieri, Mwari akaratidzira kusafara kukuru kuavo vakanga vane mhaka yeku“sunda” noku“tunga” vakanga vasina betsero. (Ezekieri 34:21) Kuziva kuti Jehovha anovenga kudheerera kunogona kuva pesvedzero ine simba kuti munhu aite chinjo dzinodikanwa!
Kunobetserawo kufungisisa nheyo dzeBhaibheri nenzira yokunyengetera. Kutaura kwokuti kandiro kanopfumba kunobva kamwe kunoti: “Saka zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.” (Mateo 7:12) Paunoedzwa kutyisidzira mumwe munhu, zvibvunze umene kuti: ‘Ndinoda here kusundwa, kutyisidzirwa, kana kuti kunyadziswa? Ipapo nei ndichibata vamwe nenzira yakadaro?’ Bhaibheri rinotirayira ku“itirana mwoyo munyoro, [tichinzwirana] tsitsi.” (VaEfeso 4:32) Jesu akagadza muenzaniso wakakwana muna ikoku. Kunyange zvazvo akanga ari mukuru kupfuura vamwe vanhu vose, akabata munhu ari wose nomutsa, nokunzwira tsitsi, uye nokuremekedza. (Mateo 11:28-30) Edza kuita zvimwe chetezvo kana ukanangana nemumwe munhu asina simba kupfuura zvauri—kana kuti kunyange anokushatirisa zvikuru.
Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana muitiro wako wekuva ane ukono uchibva mukunzwa hasha pamusoro pemabatirwe aunoitwa pamusha? Muzvimwe zviitiko, hasha dzakadaro dzingaruramiswa. (Enzanisa naMuparidzi 7:7.) Bva, Bhaibheri rinotiudza kuti murume akarurama Jobho akanyeverwa kuti: “Chenjerai kuti kutsamwa kurege kukusvitsai pa[zviito zvo]kudadira. . . . Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa.” (Jobho 36:18, 21) Kunyange kana uchibatwa zvisina kufanira, hauna kodzero yekubata vamwe zvisina kufanira. Mutoo uri nani waizova wokuedza kutaura zvinhu nevabereki vako. Kana uri nyajambwa wekubatwa zvisina kufanira kwakakomba, betsero inobva kunze ingadikanwa kukudzivirira paimwe kuvadziko.
Kuchinja kungasava nyore, asi kunobvira. Brent anoti: “Ndinonyengetera pamusoro paikoku rinodokuva zuva riri rose, uye Jehovha akandibetsera kuita gadziridzo dzakanaka.” Sezvo nenzira yakafanana unoita gadziridzo munzira yaunobata nayo vanhu, pasina mubvunzo uchawana kuti vanhu vachakuda zviri nani. Yeuka, vanhu vangatya vadheereri, asi hapana mumwe anovada chaizvoizvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekukurukurwa kwenzira iyo vanyajambwa vekudheererwa vanogona nayo kudziviswa kunetswa, ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Chii Chandinogona Kuita Pamusoro Pevadheereri Vokuchikoro?,” muchinyorwa chedu chechiNgezi chaAugust 8, 1989.
b Mamwe mazita akachinjwa.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 23]
“Kudheerera kungavambira muuduku, asi kunopfuurira ndokupinda muukuru”
[Mufananidzo uri papeji 22]
Kutuka chimiro chekudheerera