RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 4/8 p. 22
  • Kusvasvavira Namaoko Anoita Zviratidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvasvavira Namaoko Anoita Zviratidzo
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Tarisira Kuwana Matsi Mundima Yako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • ‘Jehovha Akaita Kuti Chiso Chake Chipenye Kwavari’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jehovha Akakomborera Basa Remaoko Angu
    Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha
  • Farira Matsi Dzaunonamata Nadzo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 4/8 p. 22

Kusvasvavira Namaoko Anoita Zviratidzo

KUVAMBIRA muna June 1995 uye kupfuurira nomuzhizha mose, Zvapupu zvaJehovha zviri mundima yebazu reUnited States, zvakaita kokorodzano dzoruwa 181 dzine musoro wokuti “Varumbidzi Vanofara.” Pambiri dzaidzodzi—imwe mumabvazuva uye imwe yacho mumadokero—purogiramu yose yakapiwa zvakananga muMutauro Wezviratidzo weAmerica. Nokudaro kujeka kwepurogiramu yacho kwakawedzerwa zvikurusa—nokuti kukurukura kwakananga kumatsi mumutauro wezviratidzo kunonzwisisika zvikuru kwazvo kupfuura kuturikira kubva mushoko rinotaurwa.

Nhume dzaivapo kubva kuungano 11 dzomutauro wezviratidzo uye mapoka 30 omutauro wezviratidzo akabva rumwe rutivi rweUnited States. Asi dzaivapowo dzaiva nhume dzakabva Britain, Canada, Denmark, Dominican Republic, Ecuador, Germany, Japan, Mexico, Norway, Puerto Rico, uye Russia. Nokudaro, pakanga pane mhoteredzo yamarudzi akawanda.

Mavhidhiyo anoratidza mifananidzo inotorwa nekamera akarongwa kuitira kuti purogiramu igoonekwa pamaterevhizheni anogamuchira zviratidzo newaya. Zvisinei, nhume dzakati dzakanga dzisinganzwi uye dzisingaoni. Ava vanhu vaizobetserwa sei nepurogiramu? Kwakanga kuchiorora zvirokwazvo kuona vazvipiri vanopfuura zana vachiita majana okukurukura purogiramu yezuva rimwe nerimwe kwavari kupfurikidza nokuturikira kwokubata.

Paidzi kokorodzano mbiri, 36 vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza norubhapatidzo. Chimwe chiitiko chakatanhamara chakanga chiri mutambo, Kukudza Vakafanirwa Mumakore Avo Oukweguru. Kwaifadza sei kuita kuti uyu mutambo upiwe mumutauro wezviratidzo chose chose, kuchibvumira mitezo isinganzwi kuva norutivi rukuru mukupa kwacho!

Ipapo kwakauya kubudiswa kweyamuro yefundo yeBhaibheri itsva, Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Vakokorodzani vakafara zvikurukuru kuziva kuti shanduro yomutauro wezviratidzo yeiri bhuku yakanga ichiitwa inowanika patepi yevhidhiyo! Vhoriyamu 1, yakabudiswa pakokorodzano yacho, ine maganhuro matatu okutanga. Mamwe mavhoriyamu mashanu achatevera. “Tinoonga sei iyi vhidhiyo itsva,” yakatsinhira kudaro imwe nhume yokuOhio. “Ichatibetsera kukurumidzisa basa mundima dzematsi.”

Vane 2 621 vaiva muvateereri paidzi kokorodzano mbiri vakaenda kumusha vazorodzwa mumudzimu. Kupfuura nakare kose, vakanga vatsunga kudzokorora mashoko owezvamapisarema, okuti: “Chinhu chiri chose chinofema—ngachirumbidze Jah. Rumbidzai Jah, imi vanhu!”—Pisarema 150:6, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe