RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 5/8 pp. 23-25
  • Ndinofanira Kutamira kuNyika Yakabudirira Zvikuru Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kutamira kuNyika Yakabudirira Zvikuru Here?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Usakurumidzisa Chisarudzo Chako
  • Usadavira Chinhu Chiri Chose Chaunonzwa
  • Rangarira Zvakanaka Nezvakaipa
  • Kudzidza Muzvikanganiso zvaEsau
  • Ita Chakanakisisa Chechisarudzo Chako
  • Yeuka Zvinodikanwa Zvako Chaizvoizvo
  • Chengetedza Nhaka Yako Nokusarudza Nokuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Upenyu Hunofadza Uye Hunogutsa Mubasa raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Neiko Tichifanira Kutama?
    Mukai!—1994
  • Young People Ask—How Can I Make Real Friends?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 5/8 pp. 23-25

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kutamira kuNyika Yakabudirira Zvikuru Here?

TARA akasiya nyika yake yaakaberekerwa yeTrinidad, Sheila akasiya Jamaica, uye Erick akasiya Suriname. Dzose pwere nhatu dzakatamira kumarudzi akabudirira zvikuru. Nemhaka yei?

“Isu vechiduku muTrinidad,” Tara anotsanangura, “tinopesvedzerwa zvikuru nezvatinoona mumagazini uye muTV. Sezvineiwo, ikoku kunotipa murangariro wefungidziro weUnited States nedzimwe nyika dzakabudirira.”

Nyaya yaSheila yakafanana: “Ndinoyeuka ndichiudzwa nezvamabanza makuru emabasa nedzidzo yapachena.” Akawedzera, kunyanguvezvo, kuti: “Handizivi kuti chikonzero nei, asi avo vaiva kune idzi nyika havana kutongodudza nhau yacho yose. Zvichida vakanga vachinyara kubvuma kuti migariro ikoko haisi yakanaka sezvavaikarira.”

Zvisinei, vanhu vari kutama. Mushumo uri muLos Angeles Times wakaratidza kuti kuvamba muna 1980 kusvikira kuna 1990, chiverengero chavanhu vanotamira kune dzimwe nyika chakapetwa kaviri uye chinokarirwa kupeta nakaviri zvakare pakuzosvika mugore ra 2000. Gore riri rose vanopfuura vanhu 700 000 vanotamira kuUnited States. Australia, Canada, Côte d’Ivoire, uye Saudi Arabia imwe neimwe inogamuchira vatami vanosanopfuura 50 000 gore rimwe nerimwe, vazhinji vavo vachitsvaka upenyu hwakabudirira zvikuru.

Kana uchigara murudzi rwune urombo kana kuti rwuchiri kubudirira, iwewo ungashamisika kana nguva yako yemberi ichizova yakajeka zvikuru munyika yakapfuma zvikuru. Ichi chisarudzo chakakomba. Unogona sei kusarudza nenzira yokuchenjera?

Usakurumidzisa Chisarudzo Chako

Erick, wokuSuriname, anodavira kuti hautongofaniri kuita nokukurumidza asi unofanira kutanga waunganidza mashoko akawanda seaunogona. “Kunyange muSuriname,” iye anodaro, “mhuri dzakawandisa dzine hama dzokunyama dziri munyika dzakabudirira, uye unofanira kukwanisa kuwana mashoko azvino uno ndokudzidza zvokwadi pamusoro pemigariro yemari yenyika.”

Usati wasarudza, yeuka: “Pasingaranganwi mano anokona; asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa.” (Zvirevo 15:22) Naizvozvo kurukura zvisarudzo zvako nenzira yechokwadi navabereki vako, vakuru vechiKristu, uye vamwe vane ruzivo rwokuzviwanira navanokuitira hanya.

Usadavira Chinhu Chiri Chose Chaunonzwa

Apo unonzwa mishumo yakanaka pamusoro penyika dziri kure dzakabudirira, kupanikira kuduku kwakanaka kungava kwakafanira. “Usina mano unotenda mashoko ose,” chinodaro chirevo chouchenjeri, “asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.”—Zvirevo 14:15.

Sheila, aigara muJamaica, akati: “Mudzidzisi wangu wechiNgezi akaomerera kuti kutamira kuUnited States kwaizova chinhu chakanakisisa chandaigona kutongoita. Vamwe vakura vakandiudza kuti kudai ndaienda kuCanada, United States, kana kuti England, ndaizozviita ari nani zvisinei hazvo nebasa randaisarudza. Mukupfupikisa, ndaizova fuza kuramba banza rakadaro.”

Kutamira kwake kuUnited States kwakamubetsera chaizvoizvo here? “Munzira zhinji upenyu hwangu hwakavandudzika, asi shamwari dzangu dzakagara kuJamaica dzakavandudza upenyu hwadzowo. Kazhinji kazhinji unotsinhanisa chinetso chimwe nokuda kwechimwe. Kwaunogara hakuerekani kwaita musiyano mukuru.”

Tara, akatamira kuUnited States kubva kuTrinidad, anobvuma, kuti: “Vanhu vairangarira nyika dzakabudirira senyika dzebanza—kufunda, basa, kuita mari yakawanda, uye kugara mumigariro iri nani. Asi zvino vazhinji vakatamira kumwe vari kuziva kuti migariro iri kuipa zvikuru kunzvimbo iri yose. Vamwe vakadzokera kumusha.”

Rangarira Zvakanaka Nezvakaipa

Kuti uite chisarudzo chakadzikama, rangarira zvinopfuura mishumo inopa tariro youpfumi hwakawanda huri mune dzimwe nyika. Rangarira zvakanaka nezvakaipa izvo kutama kungabatanidza—mugariro wemari, nzanga, tsika, uye womudzimu.

Somuenzaniso, mugariro wemari ungava muchimiro chakaipa kwaunogara. Asi hakuna mabanza amabasa pedyo nokumusha here? “Munyika yangu yandakaberekerwa,” anodaro Tara, “kushaikwa kwebasa kwakanga kwakakwirira, zvikurukuru nokuda kwaavo vasina dzidzo yapamusoro zvikuru.” Naizvozvo akatama; hanzvadzi dzake dzakasara. “Hanzvadzi dzangu mbiri duku dzakaita kosi yokuveza nokugadzira fanicha. Zvino vanoshanda mumafekitari uye vanozviitira mabasa mazhinji zvikuru avanhu vanoda basa ravo. Ivo zvimwe vari kuita zviri nani shure kumusha kupfuura zvandiri kuita kuno mu‘nyika yebanza.’”

Kana ukatama, sezvingabvira uchatarisana nevhiringidzo yetsika, zvichida kunyange nedenho yose panheyo dzetsika dzaunokoshesa zvikuru. Kutama kunofanirwa nokurasikirwa kwakadaro here? Ipapowo, kudisa zvinhu zvenyika kwakapararira zvikuru mumarudzi akabudirira. Ikoko kungakutapura sei mumudzimu?

Kudzidza Muzvikanganiso zvaEsau

Pakwakauya pakurangarira zvakanaka nezvakaipa zvezvisarudzo, Esau womunguva dzeBhaibheri aiva nechinetso chakakomba. Akakundikana akundikanazve kurangarira zvinokosha—umudzimu hwake nemhuri yake. Somuuyo, zvimwe zvezvisarudzo zvake zvikurusa zvakava matambudziko.

Bhaibheri rinonyevera kurwisana “nousine hanya naMwari, saEsau wakatengesa udangwe hwake nokudya kamwe chete.” (VaHebheru 12:16) Aya maruramiro oudangwe aikosha. Mwari akanga aita banza nokuda kwemhuri yaEsau kuva mumutsara wedzinza raMesia, chinhu chinokosha kuruponeso rwamarudzi ose. (Genesi 22:18) Bva “Esau akazvidza udangwe hwake.” Akahutengesa nyore nyore nokuda kwokudya kwenyemba! (Genesi 25:30-34) Chinhu chako chinoyera zvikurusa ukama hwako noMusiki wako. Usahutsinhanisa, usahuregeredza, kana kuti kuhuisa pangozi nokuda kwezvinhu zvokunyama zvipi nezvipi.—Marko 12:30.

Gare gare, apo Esau akatamira kuimwe nyika kubva kumusha wake wohukomana, akaroora vakadzi vaviri vechiHeti. Idzi roorano dzingave dzakaratidzika kuva dzinoshanda nokuda kwezvikonzero zvakati, asi mumudzimu dzakaunza zvinetso bedzi nemhaka yokuti vakadzi vacho vakanga vasinganamati Mwari wavabereki vaEsau, Isaka naRebheka. Vadzimai ivavo “vakarwadza mwoyo” yavabereki vake.—Genesi 26:34, 35.

Hakusi kwechienzi kuti vechiduku varoore kuti vawane bedzi mapindiro munyika yakabudirira zvikuru. India nenzira inoshumwa yakava nevakwanyina 4 000 pagore vakatamira kuUnited States, navakafungidzirwa kuva 10 000 vachakamirira kuita kudaro. Roorano, zvisinei, chipo chinokosha chinobva kuna Mwari. Haifaniri kurerutswa, kushandiswa setikiti zvaro rokudarika naro muganhu. Fungawo kuti kwaizorwadza sei Jehovha nemitezo yemhuri yako yakatendeka kudai waizova ‘anosungwa zvisina kufanira pajoko naasingadaviri.’—2 VaKorinte 6:14.

Ita Chakanakisisa Chechisarudzo Chako

Kuti unosanotevera sei pachisarudzo chako kungava kunokosha zvikuru kupfuura chisarudzo chimene. Kana ukagara uri kwauri kana kuti ukasarudza kutama, chinhu chikuru kuita chakanakisisa chechisarudzo chako.

Kana ukagara: Usatsoropodza avo vanotama. Chisarudzo chavo mutoro wavo vamene. (VaRoma 14:4; VaGaratia 6:4, 5) Dzidza kunzwisisa runako nezvakanaka zviri zvechienzi munyika yokumusha kwako. Kudziridza rudo rwakawanda nokuda kwavanhu uye kunzwira tsitsi nokuda kwenhamburiko nedenho dzavo.

Kana ukatama: Gadza zvinokosha zvako nenzira yokuchenjera sezvaunodzidza tsika itsva uye zvichida mutauro mutsva. Usapinda mumuitiro wokushanda maawa akareba kuti ungowana bedzi zvinhu zvokunyama chete zvawakanga usingatombodi pakutanga. Nezvisizvo nokukurumidza ungava akabatikana zvikuru nokuda kwezvinhu zvomudzimu.

“Kunokosha zvikuru munyika yanhasi kuva nebasa,” Sheila anobvuma kudaro. “Zvisinei, mhuri, shamwari, uye zvinhu zvomudzimu zvinokosha zvikuru. Panokundikana zvimwe zvose, ndizvo zvinotiita kuti tirambe tichipfuurira.” Bhaibheri nenzira yokuchenjera rinotipa zano kurwisana noku“shandisa [nyika] zvizere; nokuti mugariro wenyika ino uri kuchinja.” (1 VaKorinte 7:31, NW) Avo vanobudirira zvechokwadi vanochengeta itiro hanya dzavo pamusoro pebasa nemari dziri munzvimbo yakafanira—zviri shure zvikurusa kuzvinodikanwa zvemhuri nezvirondwa zvokumudzimu.

Sarudza shamwari itsva nokuchenjera. Erick anoti: “Chengeta kurukurirano neshamwari dzinokwidziridza mutoo woupenyu unovaka.”

Yeuka Zvinodikanwa Zvako Chaizvoizvo

Zvinhu zvatinoda chaizvoizvo nokuda kwomufaro hazvichinji. “Zvisinei nekwatinogara,” anocherechedza kudaro Sheila, “zvinodikanwa zvaJehovha kwatiri zvinoramba zviri zvimwe chetezvo.” Zvii izvozvo? Jesu akazvitaura zvakajeka, kuti: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” “Musatongofunganya” pamusoro pokuva nezvokudya zvakaringana kana kuti zvipfeko. Ipa nzvimbo yokutanga ku“umambo nokururama [kwaMwari], uye izvi zvimwe zvose zvinhu zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 5:3; 6:31, 33, NW.

Kurarama mukuwirirana neidzi nheyo kunogona kukubetsera kuwana upenyu huri nani munyika ipi neipi.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Nyika dzakabudirira dzinogona kuratidzika kuva dzinokwezva zvikuru kupfuura zvadziri chaizvoizvo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe