Murangariro weBhaibheri
Tinofanira Kuripa Mhiko Dzedu Here?
ZVIMWE vanyakuroorana vanofara vanotarisana nechinetso chinotambudza. Makore akapfuura, apo vakabatanidzwa zvikuru muchinetso chinorwadza chemhuri, vakapika kupa chikamu chimwe mugumi chemari yavo inotambirwa kuna Mwari kana aizovabvisa munhamo dzavo. Zvino, vakura zvikuru mumakore uye varemerwa nezvinetso zvemari zvisingakarirwi, vanobvunza, kuti “Tinomanikidzirwa kuzadzika mhiko iyi here?”
Chinoitika chavo chinosimbisa zano romurume akachenjera pakukurumidza kutaura: “Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi. Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari: Yakanga iri mhosho.”—Muparidzi 5:5, 6.
Hapana Pembedzo Dzakashata
Kunyange zvazvo mhiko dzoupenzi nezvipikirwa zvinonyengera zvakarovedzeka muchaunga chanhasi chamadiro, hatigoni kukarira Mwari kudavira pembedzo dzakarongwa; kunyange vanhu vebhizimisi vanoziva zviri nani kupfuura izvozvo. Nyaya inoti “Perero yeBhizimisi: Kubatanidzwa Kwamashoko Asingawirirani?” mune imwe magazini yebhizimisi inonzi Industry Week inoti: “Hatisati tichavimbazve navanhu kuti vataure zvokwadi, kuita chiri chakarurama panzvimbo penzira yokuwana nayo chimwe chinhu, kuomerera kumhiko dzavo.” Nepo nhema dzakapararira, dzakadai se“macheki okubiridzira,” angawana nguva navakweretesi vavanhu, ngirozi hadzitongotsauswi.
Ikoku hakusati kuchireva kuti Mwari anoshandisa ngirozi kumanikidzira mhiko nenzira iyo vaiti vezvimbadzo vangashandisa nayo mbavha kuti vawane miripo isiri yapamutemo kuvanyajambwa vasingabetseri. Panzvimbo pako, Mwari nenzira yorudo anoita ngirozi dzake “midzimu nokuda [kwokuvaka] basa rapachena, dzinotumwa kuzoshumira nokuda kwaavo vachagara nhaka ruponeso.” (VaHebheru 1:14, NW) Sedzakadaro, ngirozi dzinogona uye dzinobatanidzwa mukupindura minyengetero yedu yapachokwadi.
Zvisinei, kana tikapfuurira kuita zvipikirwa zvisina maturo muminyengetero yedu, tinogona nenzira yakarurama kukarira chikomborero chaMwari here? Murume akachenjera anoti: “Mwari uchatsamwireko inzwi rako, akaparadza [kutambanuko yakati, zvimwe] basa ramaoko ako?”—Muparidzi 5:6b.
Nokudaro, hakusati kuri kutya ngirozi inotsiva kunofanira kutisunda kuripa mhiko dzedu panzvimbo pokuita pembedzo. Panzvimbo pezvo, tinofanira kukoshesa ukama hwakanaka naMwari ndokushuva zvapachokwadi nyasha dzaMwari pamubato wedu. Sokusanodudza kwakaita vanyakuroorana vadudzwa pamusoro apa: “Tinoda kuva nehana yakachena pamberi paMwari uye tinoda kuita mukuwirirana nokuda kwake.”
Chengeta Hana Yakanaka
Kuti tigova nehana yakachena pamusoro pokuripa mhiko, tinofanira kuva vakatendeka isu timene. Kuenzanisira: Zvimwe mumwe munhu ane ngava newe yechitsama chikuru chemari asi nemhaka yejambwa rakati akazviwana amene asingagoni kukuripira. Chii chaizokufadza zvikuru—kana iye akarega mungava wose sousingabviri kubhadharwazve kana kuti kana iye zvimwe akaronga kukubhadhara zvitsama zviduku, zvenguva dzose sezvaaikwanisa?
Nokurangarira kumwe cheteko, ngatitii mhiko yokukurumidza inopa nguva yakazara yako kana kuti imwe pfuma kumibato yakakodzera yechiKristu haingagoni zvayo kuchengetwa. Hatifaniri here kunzwa tine musengwa wokuzadzika mhiko yedu sezvinobvumira migariro yazvino here? “Kana mwoyo wokupa uripo,” akanyora kudaro Pauro, “chipo chinofadza paanapo” kana tine zvizhinji zvokupa kana kuti zvishomanene bedzi. (2 VaKorinte 8:12) Asi zvakadiniko nemhiko dzakaitwa pamberi pokunge mumwe ava nezivo yakarurama yezvokwadi yeBhaibheri?
Mhiko Dzisina Kururama kana kuti Dziri Dzapamagwaro
Kana tikaziva kuti mhiko haina kuchena kana kuti yakashata, tinofanira kuirega nokukurumidza! (2 VaKorinte 6:16-18) Mienzaniso yemhiko dzisina kuchena ndeiyi:
◻ Mhiko dzinoitwa kuna vamwari venhema kana kuti vanamwarikadzi, vakadai sa“vahosi vokudenga” veBhabhironi.—Jeremia 44:23, 25.
◻ Mhiko dzisiri dzapamutemo, dzakafanana nemhiko dzavarume 40 dzokusadya zvokudya kutozosvikira vauraya muapostora Pauro.—Mabasa 23:13, 14.
◻ Mhiko dzokuwa pakutenda idzo dzinotevera “dzidziso dzamadhemoni, kupfurikidza . . . navanhu vanotaura nhema . . . , vachidzivisa kuroora, vachiraira kurega zvokudya izvo Mwari akasika kuti zvidyiwe nokuonga naavo vane kutenda uye vanoziva zvakarurama zvokwadi.”—1 Timotio 4:1-3.
Naizvozvo, sezviri pachena, tingafanira kuzivisa dzimwe mhiko dzakapfuura kuva dzisina maturo. Asi kana dziri mhiko dzisina kubatanidza chinhu chisiri chapamagwaro, kutsvakireiko mabudiro? Zivo yedu yakarurama yazvino haifaniri kutiita kuti tiratidze ruremekedzo rukuru zvikuru kupfuura nakare kose nokuda kwemhiko dzakapfuura here?
Rangarira Mhiko Dzako Dzakapfuura Nedzenguva Yemberi
Kunoteverawo kuti tinofanira kufunga zvakakomba tisati tawedzera mhiko dzipi nedzipi dzomunguva yemberi kukunamata kwedu. Mhiko hadzifaniri kungoshandiswa kusunda munhu kuita kana kuti kusaita chimwe chinhu, zvakadai sokuwedzera nguva yomumwe inopedzerwa mukunamata kwechiKristu kana kuti kurega kunyanyodyisa. Jesu, kunyanguvezvo, haana kuramba mhiko dzose, somuenzaniso, saapo aidikanwa mudare romutemo. Asi sezviri pachena akaisa ganhuriro pamusoro pemhiko dzokusangwarira, nokuti iye akanyevera, kuti: “Zvakanzi kuna vekare: ‘Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo.’ Asi ini ndinoti kwamuri: ‘Musatongopika.” (Mateo 5:33, 34) Neiko akaita uku kumira? Mhiko dzakanga dzava dzisina kunyanyokodzera kupfuura kare here?
Mhiko dzakaitwa navanhu vakatendeka vomunguva dzakare dzaitsamira kazhinji kazhinji pamugariro. Mumunyengetero womwoyo wose vaipikira Jehovha kuti, ‘Kana mukandibetsera mune iyi nhamo, ndichakuitirai zvakati nezvakati.’ Asi Jesu akati: “Zvose zvamunenge muchikumbira kuna Baba, vachakupai izvo muzita rangu.” Panzvimbo pokurumbidza mhiko dzinotsamira pamigariro kuvanhu vakatendeka venguva yake, Jesu akavapikira, kuti: “Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai, muchapiwa.”—Johane 16:23, 24.
Ichi chivimbo muzita, kana kuti nzvimbo, yaJesu chinofanirawo kunyaradza munhu upi noupi achiri kunzwa ane mhaka nemhaka yokuti—kunyange zvazvo achiita nhamburiko—iye haagoni kuzadzika chaakapikira Mwari “nomuromo wake, asingafungi.” (Revhitiko 5:4-6) Naizvozvo nepo tisingabati mhiko dzedu dzekare nokusaitira hanya, hatisati bedzi zvino tichigona kunyengetera muzita raJesu asi tinogona kukumbira Mwari kushandisa chibairo chorudzikinuro chaJesu nokuda kwezvivi zvedu, uye tinogona kukumbira kanganwiro muzita raJesu. Nokudaro tinogona kugamuchira “kutenda kwakasimba, mwoyo yedu yasaswa kuti inatswe pahana yakaipa.”—VaHebheru 10:21, 22.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Vaprista vachiita mhiko paMontmartre