Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Neiko Nguva Yangu Yakagadzwa Yokusvika Pamba Iri Yorumano Zvikuru?
LEN aifarikanya kugara neshamwari dzake kusvikira usiku. Asi baba vake nokukurumidza vakaziva kuti miitiro yokunonoka kusvika pamba usiku yaLen yakanga isati iri chimwe chinhu kunze kwomufaro usina mhaka. “Ndakambopinda munhamo huru kamwe chete,” anoyeuka kudaro Len, “zvokuti ndakanga ndisingabvumirwi kusiya kamuri rangu kwamavhiki maviri—kunze kwokuda kwezvokudya nechikoro. Ndakanga ndisingafaniri kubatwa kunyange ndichitarira napafafitera! Apo chirango changu chakanga chapera, ndakabuda nedzimwe shamwari uye ndakagara kusvikira pakati pousiku. Ndichipinda mumugwagwa wapamba, ndakaona baba vangu vagere muberere vakandimirira . . . ”
Pwere zhinji dzinofufutirirwa kuva nokuuya kwadzo uye kubuda kwadzo kunotarisirwa navabereki vadzo. Anodaro mumwe musikana muduku: “Apo ndakava achiri kuyaruka, vabereki vangu vakatanga kundiisira marudzi ose eganhuriro, zvakadai sokuuya pakati pousiku. Ndakakufufutirirwa zvomenemene.” Apo pwere dzakadaro dzinoita kufufutirwa kwadzo kupfurikidza neratidzirwo yoruzvidzo, muuyo unowanzovapo, handi rusununguko rwakawanda, asi ganhuriro huru nedzakaoma zvikuru.
Nokuda kwokudarika kuduku chirango chingangova bedzi chokuti ganhuriro dzenguva yakagadzwa yokusvika pamba inosudurutsirwa kuawa yapamberi zvikuru. Nokuda kwemhaka dzakakomba zvikuru, pwere inganyimwa ropafadzo dzakati, kana kuti ingarovedzwa kwechinguvana. “Kana ukanonoka kusvika pamba paChitanhatu usiku,” anotsanangura kudaro mumwe musikana achiri kuyaruka, “hautongozokwanisi kubudazve paChitanhatu chinotevera.” Uye pane ku‘pfigirwa uri woga’: hapana vashanyi, hapana runhare, hapana terevhizheni. Asi kune dzimwe pwere, chirango chinorwadza zvikurusa kupinda zvose ndicho chokurairidzwa. “Oh, rwendo rwokuva nemhaka!” akakuwa kudaro mumwe mukomana achiri kuyaruka. “Vanotanga kutaura pamusoro pokuti vakanetsekana zvikuru sei pamusoro pako. Mhaka yacho yakakomba.”
Kunyange zvakadaro, hakusiri kwechokwadi here kuti vabereki vako vanokuda uye vane maruramiro okuraira kuti iwe uve pamba paawa rakati? Uye apo iwe usati, vanosungirwa kunzwa vasina kugadzikana, vachifunganya, zvimwe kunyange kusakwanisa kurara. Pwere inoda zvirokwazvo uye inoitira hanya vabereki vayo zvamazvirokwazvo haisati ichizoda kuparira kufunganya kwakadaro kusiri madikanwa. Hakusati kwaizoratidzira udyire hwokunyanyisa here?
Zvisinei, pwere zhinji dzinorangarira kuti vabereki vadzo vadziisa paganhuriro dzisina kunaka nedzisina mufungo. “Vanopenga, vanoedza kundibata sowezera ramakore gumi namashanu nhai,” anoramba kudaro Fred wezera ramakore 18. “Ndinoramba chose kuita izvo ivo vanotaura uye baba vangu neni tiri muhondo chaiyo pamusoro pakwo.” Asi pane nzira dziri nani dzokubata nadzo navabereki vako pane kutendeukira kuruzvidzo.
Dzakanaka Here Kana Kuti Hadzina Kunaka?
Kutanga, ganhuriro idzedzo hadzina kunaka sei chaizvoizvo? Sokuratidza kwakaita nyaya yakapfuura, zvimwe vabereki vako vane zvikonzeroi zvakanaka zvokutyira kotsekano yako negarikano.a Ko dzimwe pwere dzechiKristu dzezera rako hadzisiri pasi peganhuriro dzimwe chetedzo here? Kana zvakadaro, zvikonzeroi zvinoshanda zvaunazvo zvokupanikira chisarudzo chavabereki vako?
Len muduku, adudzwa pakutanga, haana kunzwisisa kuti baba vake vakanga vachimufarira zvikurusa pamwoyo. Uchayeuka kuti akaputsa nguva yake yakagadzwa yokusvika pamba, kungowana bedzi baba vake vakamumirira paberere ramberi pemba. Imhinduro yaLen here? Kusateerera kukuru. “Motokari zvayakapinda mumugwagwa wapamba, ndakarerekera pasi muchigaro chemotokari kuti Baba varege kundiona, uye ndakakumbira shamwari yangu kuti ibude. Ndakasarudza kuti ndaizobva pamba.” Len akabva pamba uye akavamba kusonganirana neboka roupengo rakamuparira kupinda muutere hwevatano, kuba motokari, uye kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Pakupedzisira, akagumira mujere. Mhaka yakatoipisisa here? Zvimwe. Asi kunosanoenzanisira huchokwadi hwaZvirevo 1:32 (NW), inoti: “Nokuti kutsauka kwavasina ruzivo rwokuzviwanira ndiko kuchavauraya.”
Dzimwe pwere hadzingarambi pfungwa yenguva yakagadzwa yokusvika pamba chaizvoizvo, asi dzinoitira pfunde-pfunde kuti vakoma vadzo vanoratidzika kuva vane rusununguko rukuru kupinda idzo. “Mukoma wangu Mark aiwanzononoka sezvaaida hake,” inonyunyuta kudaro imwe pwere inonzi Patti, “asi haana kutongorairidzwa. Ini—kunyange kana ndikanonoka namaminiti mashomanene, zvatopera! Hazvina kunaka.” Kuri nyore kuona chikonzero nei mugariro wakadaro ungakushatirisa. Asi usati wadanidzira kuti “hazvina kunaka!” rangarira nheyo dzeBhaibheri dzinoratidzirwa pana VaGaratia 6:4, 5 (NW), dzinoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaabvumikise chiri basa rake amene, uye ipapo achava nechisakiso chokufara pamusoro pake amene bedzi, uye kwete mukuenzanisira nomumwe munhu. Nokuti munhu mumwe nomumwe achatakura mutwaro wake amene.”
Iwe uri munhu. Uye idi rokuti mukoma anofarikanya dzimwe ropafadzo harisati haro richikuita kuti iwe uve nedzakafanana. Sezvingabvira mukoma wako aitofanira kubvumikisa ruvimbiko rwake kwenhambo yakati kuti yenguva. Uchadarowo. Kunze kwezvo, haukuvenge here apo mubereki wako anokuenzanisira nomukoma wako kana kuti hanzvadzi? Huitirei zvimwe chetezvo iwe umene kupfurikidza nokuenzanisira ropafadzo dzako dzakasiana? Mubhuku rake rinonzi “After All We’ve Done for Them,” Dr. Louis Fine anoti: “Vabereki kazhinji kazhinji vanobata uye vanoranga vana vavo nomutoo wakasiana nomumwe. Ikoku kungava nemhaka yokuti vanoziva kuti vana vavo vanhu vane zvinodikanwa zvakasiana namano uye vanofanira kurangarirwa savakasiana.”
Padzimwe nguva, kunyange zvakadaro, pwere dzinorangarira kuti dziri kuitwa kuti dziripire zvikanganiso zvomukoma. “Nemhaka bedzi yokuti mukoma wangu akatora motokari akaenda ndokugara kusvikira pakati pousiku, kugara kwangu ndokusvika usiku kunobva kwarambidzwa kamwe kamwe. Handitongopiwi kunyange banza rokuzvibvumikisa ndimene!” Uyu mugariro, kunyange zvakadaro, haungavi wakadokusarurama sokuratidzika kwaunoita. Vabereki vako vakura zvikuru uye vakachenjera zvikuru kupinda zvavaiveri pavakarera mukoma wako kana kuti hanzvadzi. Vasati vachida kudzokorora zvikanganiso zvavo, vangave vanoti ivei norumano rukuru panewe.
Asi hurangirwei nokuda kwokuti nonokei kusvika pamba? Pasina panikiro pamusoro pakwo, kuva anorairidzwa hakusiri kungofara. Naizvozvo unowanzofunga kaviri pamusoro pokusvikazve pamba usiku. Marcus muduku anokurondedzera neiyi nzira: “Ndave ndichirangwa kwenguva zhinji. . . . Kudai wave usati uchirangwa, hausati waizongodzidza chinhu chipi nechipi.” Sokureva kunoita Bhaibheri, “iye unoomerera kuchirango ndiye nzira inoenda kuupenyu.”—Zvirevo 10:17, NW.
Vabereki Vanonyanyotaviridzira
Sezvinobvumwa, padzimwe nguva kunoratidzika kuti chirango chinopfuura zvikuru “mhaka.” Vabereki vanganyanyova vanotaviridzira uye zvimwe kuva vasina mufungo muzvirairo zvavo. Zvisinei, kurukurirano yakanaka kazhinji kazhinji inopedza zvinetso zvisati zvakura. Kana ukaita kuti vabereki vako vazive kwauri kuenda, chauchave uchiita, wauchave unaye, uye nguva yauchadzoka, zvimwe vachava vanodisa zvikuru kukubvumira rusununguko rwakati kuti. Kana vachiratidzika kuve vasina mufungo, edza kuvasvika pa“nguva yakanaka”—zvimwe apo ivo vanenge vakaterama uye vakazorora. (Zvirevo 25:11) Bvuma rutyo rwavo neitiro hanya. Vasimbisire nezvorudo rwako nokuda kwavo uye chishuvo chako chokubatira pamwe. Vabetsere kunzwisisa kuti kuwana rusununguko rwakawanda rutivi rwokuva mukuru.
“Unofanira kuvaitawo kuti vazive chaizvoizvo icho mugariro uri,” anodaro mumwe musikana achiri kuyaruka. “Apo unotsanangura chikonzero nei usingagoni kuva pamba nokukurumidza pane imwe nhambo, vanowanzonzwisisa.” Kupfurikidza nokutaura zvinhu nomutoo woukuru, unoorora vabereki vako kuti une mutoro—mumwe munhu anogona kuvimbwa naye. Kana vabereki vako vachine panikiro, zvimwe ungakarakadza kubvumira kwakati kuti.
Zvakadiniko kana rubvumidzo rukabvumirwa? Ipapo ‘rega Hungu wako ave Hungu,’ uye svika pamba nenguva! (Mateo 5:37, NW) Chokwadi, kunyange rongedzero dzakavanzarikwa zvakanakisisa dzinogona kushata. (Enzanisa naJakobho 4:13, 14.) Mugariro usina kunaka kana kuti chinjo yapakarepo murongedzero inogona kuitika. Kana zvakadaro, ridzira runhare kumba kana kuchibvira, uye ita kuti vabereki vako vazive chiri kuitika. “Chero bedzi amai vangu vachiziva kwandiri uye kuti ndiri kuuya, vanonzwa zviri nani,” anodaro mumwe achiri kuyaruka.
Kugadza chinyorwa chokuronda nacho chakanaka ndimumwe mupimo unokosha. Zvirevo 20:11 (NW), inoti: “Kunyange kupfurikidza nemiitiro yake mukomana anozviita amene anozivikanwa kana mubato wake wakachena uye wakarurama.” Kana ukagadza muenzaniso wokuteerera uye mufambiro wakarurama, vabereki vako vangaramba vakaterama kana ukati nonokei kusvika pane imwe nhambo. Chokwadika, kunyange nechinyorwa chaJesu chomufambiro wakakwana, vabereki vake ‘vakatambudzika mundangariro’ apo akanga achishaikwa. (Ruka 2:48) Naizvozvo rega kushamisika kana vabereki vako vakashatirwa—vatsamwiswa zvikuru zvokuti ivo vangatanga kusakubvumira kutsanangura chikonzero nei wanonoka kuuya!
Zvirevo 29:11 (NW), inoti: “Benzi rinobudisa mudzimu waro wose, asi iye akachenjera anoita kuti urambe wakaterama kusvikira pakupedzisira.” Ita kuti dutu rokutsamwa kwavo riterame. Apo zvinhu zvinenge zvaterama zvishoma, chipa tsananguro. Asi “taura zvokwadi.” (VaEfeso 4:25) Rega kuita pembedzo dzinobatanidza zvakawanda; idzo dzingangobvumikisa bedzi kuti haungagoni kuvimbwa newe. Kana wanga usingangwariri kana kuti uchikanganwa, kumbira ruregerero rwapachokwadi, uye iva anodisa kugamuchira chirango. Zvimwe vabereki vako vachaona pasina dikano yokupfuudzirazve nhau. Asi ipapo zvakare, vangarangarira kuti dzimwe ganhuriro dzingava dzakanaka, uye uchangowanazve chivimbo chavo.
Ganhuriro dzenguva yakagadzwa yokusvika pamba dzingava dzinonetsa, asi hadzitongorina utsinye uye chirango chisiri chenguva dzose. Dzigamuchire. Kana ukabatira pamwe navabereki vako ndokudzivisa mudzimu wokuzvidza, vangatosarudza kuti ivo vanofanira kurerutsa zvishoma ndokukupa rusununguko rwakawanda.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Neiko Ndichifanira Kusvika Pamba Nokukurumidza Zvikuru?” iri muchinyorwa chaMay 8, 1992, chaMukai!
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kuzvidza vabereki vako kunowanzoguma nedzimwe ganhuriro parusununguko rwako