Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kugonana Nourombo?
GREGORY, pwere yokuEastern Europe, yakazvirangarira imene kuva murombo zvikuru. Yaisagona kuwana zvipfeko zvinodhura kana kuti mahi-fi akafanana naayo epwere dzokunyika dzokuMadokero. Pashure penguva yakati, Gregory akavhiringidzwa nemigariro yomunyika yake amene, uye iye akatamira kuAustria.
Zviuru zvamakiromita ari kure kwaigara Loyiso, imwe pwere yaibva kumusha womumaruwa kuchamhembe kweAfrica. Achigara mukaimba kaduku nemhuri yavo, Loyiso akaitira godo pwere dzaiva mutaundi rapedyo idzo dzaifarikanya “zvinofadza” zvinoshamisa—mvura yomupombi namagetsi.
Kunyanguvezvo, Loyiso naGregory vaizorangarirwa savakapfuma nepwere yomuAfrica yainzi Vasco. Atyisidzirwa nehondo yomunzvimbomo yavagari vemo, Vasco akafamba makiromita akawanda nomusango reAfrica rine ngozi kungoti apukunyuke.
“Urombo” nokudaro ishoko risina kukwana, rinoreva zvinhu zvakasiana-siana munyika dzakasiana-siana netsika. Rimwe duramashoko rechiNgezi rinorondedzera “urombo” sechinhu chipi nechipi chinobvira “pakudikanwa kukuru kwezvinhu kushaikwa kwezvinonyaradza zvokunyama.” Kwakakomba kuziva kuti pasinei hapo nokuti ungava murombo zvakadini, sezvingabvira kuna vamwe vanotambura kunyange kunyimwa kukuru. Zvakare, paunenge usina zvipfeko zvakafanira zvokupfeka kuchikoro kana kuti usina zvinodikanwa zvakadai semvura yomupombi, zvingasava zvinonyaradza zvikuru kuudzwa kuti vamwe varombo zvikuru kupfuura zvauri.
Bhaibheri naizvozvo harishori kuva murombo. Panzvimbo pezvo, rinobvuma chaizvoizvo, kuti: “Zvinoparadza vakaderera ndihwo urombo hwavo.” (Zvirevo 10:15, NW) Nyaya yakapfuura, kunyanguvezvo, yakaratidza kuti pwere inogona kudzivisa dzimwe dzemhinganidzo dzourombo, dzakadai somufambiro wokusindimara.a Nenhamburiko, unogona kusakurira zvimiro zvakanaka nezvine tariro. Ndedzipi, kunyanguvezvo, dziri dzimwe nzira dzokubata nedzvinyiriro dzezuva nezuva dzokuva murombo?
Musungo Wegodo
“Kwaisazova kwakaipa zvikuru kudai tose taiva varombo,” inonyunyuta kudaro imwe pwere yomuAfrica ine makore 17 okukura inonzi Zanele. “Asi apo unoona vamwe muTV kana kuti kune imwe nzvimbowo zvayo vane zvakawanda kwazvo kupfuura zvaunazvo, chinhu chakaoma kugamuchira.”
Kunzwa kwaZanele kunoshamisa zvikuru, tichirangarira musiano mukuru wezvemari nenzanga uyo unoparadzanisa vanhu nhasi. Uye mukurangarira nzira umo zvinobudisa mashoko zvinoratidzira nenzira inosiririsa pfuma nokudisa zvenyika, sezvingabvira ungatambura kunzwa kunorwadza kwegodo paunoona mararamire anoita pwere dzakati pfumei. (Jakobho 4:5) Kunyanguvezvo, chimwe chirevo cheGermany chinonyevera, kuti: “Hakuna chimwe chinhu icho godo rinodya kunze kwomwoyo waro rimene.”—Enzanisa naZvirevo 14:30.
Chokwadika, hakusati kuri kusina kururama chaizvoizvo kutsvaka migariro yokurarama iri nani. Asi urombo chiratidzo chezvokutengeserana chetsika yezvinhu yakashata yaSatani, uye Mwari bedzi anogona—uye acharuramisa—kusaruramisira kwenyika. Kana uchirarama munyika yakaderera mune zvemari, pangava nezvishomanene zvaunogona kuita kuvandudza mugariro wako. Uye kunyange kana mabanza ezvemari aripo, yeuka mashoko aSoromoni ari pana Muparidzi 4:4 (NW), anoti: “Ndakadzidzawo chikonzero nei vanhu vachishanda zvakaoma kwazvo kuti vabudirire: kuri nemhaka yokuti vanoitira godo chinhu icho vavakidzani vavo vanacho. Asi hakubetseri. Kwakafanana nokudzingirira mhepo.”—Today’s English Version.
Apo nharidzano yako inenge iri pfuma pasinei hapo nechingaregwa nokuda kwechimwe, unogona nenzira iri nyore kuzviwana umene uchiedzwa kubvumiranisa zvisina kufanira mipimo yako yetsika. Uyewo, migariro yausingagoni kudzora inogona kukurumidza kuderedza mari yako inowanikwa nokushanda zvakaoma—kuchikusiya uri murombo zvikuru kupfuura nakare kose. Nokudaro Zvirevo 23:4, 5 (NW) inonyevera, kuti: “Usatamburira kuwana pfuma. . . . Waparira meso ako kuitarira, apo inenge isiri chinhu here? Nokuti pasina kukundikana inozviitira imene mapapiro akafanana naayo egondo ndokubhururukira kure yakananga mumatenga.”
Nzvera Zvinodikanwa Zvako
Ikoku kunoreva here, ipapoka, kuti unongofanira kutera kukusava netariro? Kwete chaizvoizvo! Imwe nhano yakanaka yaunogona kuita ndeyokuomerera, kwete pazvinoganhurirwa zvako, asi pazvinodikanwa zvako. Chokwadi, ungava nezvinhu zvishomanene. Asi mubhuku rake rinonzi Relationships, Dr. Tony Lake anotaura kuti “mumwe munhu ari murombo muchimiro chezvemari angava nezvimwe zvinhu, zvakadai semhuri inodiwa, vavakidzani vane ushamwari kana kuti nzvimbo inofadza yokugara.” Chaizvoizvo, zvinodikanwa zvakadaro zvinokosha zvikuru kupfuura mari! Chimwe chirevo chinoti: “Ndiro yemirivo mitema iri nani apo pane rudo kupfuura nzombe yakakodzwa uye ruvengo pamwe chete nayo.” (Zvirevo 15:17, NW) Pwere dzechiKristu dzine chimwezve chinodikanwa chinokosha: tsigiro ye“songaniro yose yehama.”—1 Petro 2:17, NW.
Zvichida unogonawo kuedza kurangarira zvinhu zvako zvokunyama nenzwisiso yakanaka zvikuru. Sezvinobvumwa, ungagara mumusha wenhando, zvichida, kunyange wekare. Ungapfeka zvipfeko zvekare, zvakabvaruka, kana kuti zvine zvigamba. Uye ungashuva zvishoma zvokudya zvisiri zvenguva dzose. Asi unoda zvipfeko zvine zvitaera kana kuti musha wamaoresa kuti ufadze Mwari here? Unoda zvokudya zvinodhura kuti urambe uri mupenyu uye une utano hwakanaka here? Chokwadika kwete! Sokutaura kwakaita muapostora Pauro: “Kana tine zvokudya nezvokupfeka, izvozvo zvinofanira kuva zvakakwana nokuda kwedu.”—1 Timotio 6:8, TEV.
Eldred, mumwe murume womuSouth Africa uyo akakurira mumhuri ine zvinhu zvishomanene, anoti: “Takangogamuchira kuti mhuri yakanga ichirarama nemari yakaganhurirwa zvikuru uye kuti taisagona kuwana zvose zvataida.” Eldred anoyeuka kuti apo midhebhe yake yokuchikoro yaitanga kutuduka, mai vake vaingoisona. Pashure penguva yakati, paizova nezvimwe zvigamba zvakati wandei kupfuura zvakasiiwa nejira rokuvamba! “Ndaitofanira kutsungirira kutsvinyirwa kwakati,” anobvuma kudaro Eldred. “Asi chinhu chikuru chakanga chiri chokuti zvipfeko zvedu zvakanga zvakachena uye zvichishanda.”
Kushandisa Rutsuta Pamusha
Unogonawo kuita nhano dzinoshanda dzokuvandudza mugariro wako. Bhaibheri rinotaura nezvaavo “vanopedza mari yavo [nenzira youpenzi] nokukurumidza zvikuru sezvavanoiwana.” (Zvirevo 21:20, TEV) Zviratidze umene kuva akachenjera, ipapoka, kupfurikidza nokuva anongwarira kusapambadza zvokudya, mari, kana kuti pfuma ipi neipi yapamba. (Enzanisa naJohane 6:12.) Kubhejera, kushandiswa zvisina kufanira kwezvinwiwa zvinodhaka, kusvuta—idzi itsika dzisingapambadzi mari bedzi asi dzinounza kusafarira kwaMwari. (2 VaKorinte 7:1) Kana mimwe mitezo yemhuri ichiita nenzira yokusachenjera muna ikoku, vagadzire muenzaniso kupfurikidza nomufambiro wako umene.—Enzanisa na 1 Timotio 4:12.
Imwe nzira yokupa nayo kugarikano yemhuri yako ndeyokubetsera vabereki vako pamusha. Zvipire kubetsera nokubika, kuchenesa, kugadziridza, uye kurima bindu. Kuita kudaro kuchakupa kunzwa kwokugutsikana kwokuita.
Mari Yokuwedzera Inotambirwa
Dzimwe pwere dzinokwanisa kuita mupiro wakananga kumari yokuwedzera inotambirwa kupfurikidza nokuva nebasa renguva isina kuzara. Loyiso, adudzwa pakuvamba, aitengesa mirivo; aiirima pachidimbu chiduku chomunda waiva seri kwomusha wavo. Zvibereko zvitsva zvaibetserawo kudyisa mhuri yavo. “Unorima munda wake, uchava nezvokudya zvizhinji,” inodaro Zvirevo 28:19. Loyiso akawana aya mashoko kuva echokwadi.
Dzimwe pwere dzakaita nhano yokutanga yokutengesa zvipfeko, zvokudya, uye huni. Dzimwe dzinoita kugadziridza kuri nyore kwapamusha, dzinoita nzendo dzokutumwa nezvinhu, uye kurera vana.
Chikoro Nourombo
Mukuwirirana ne 1989 Britannica Book of the Year, pwere zhinji dzine urombo zvikuru dzakaona “zvishomanene semhindu kupfurikidza nokugara kuchikoro.” Zvivako zvedzidzo munyika zhinji kazhinji kazhinji zvakamanikidzika uye zvakashongedzerwa nenzira isina kuringanira. Uye apo pwere dzinoera kariro dzenhando dzebasa mukupesana nedzimwe nzira dzinokurumidza asi dzisiri dzapamutemo dzokuwana nadzo mari, dzimwe dzinorasikirwa nechishuvo chose chokuenda kuchikoro.
Kushaikwa kwedzidzo, zvisinei, kunongoomesa simba rourombo. Kungada kuzviranga, asi wakachenjera kuramba uri kuchikoro! Rangarira minisiparati yeHowrah, kugara kwokutsvikinyidzana muCalcutta, India. Imomo vanhu 800 000 vanogara muurombo hunosiririsa zvikuru. Vazhinjisa vavana vanoshanda pamabasa akaderera mukati mezuva; bva, vazhinji vanopinda chikoro chousiku kuti vawane dzidzo. Naizvozvo kunyange kana kuenda kuchikoro kwakaoma, usarega. Chikoro chinogona kukubetsera kuvandudza kurukurirano namano okufunga—unyanzvi uhwo rimwe zuva hunogona kukubetsera kuwana basa.
Kutarira Mberi
“Mupfumi nouyo ane zvinhu zvishomanene vasangana. Muiti wavo vose ndiJehovha.” (Zvirevo 22:2) Idi iroro rakabetsera zviuru zveZvapupu zviduku zvaJehovha kugonana nourombo nenzira inobudirira. Zvinonzwisisa kuti mufarwa unotsamira, kwete pakuva nezvinhu zvokunyama, asi pakuita ushamwari naJehovha Mwari, uyo anogamuchira vose vanoda kumubatira—vapfumi kana kuti varombo. Mwari anopa tariro youpenyu munyika itsva yomunguva yemberi iyo ichave isina urombo hunodzvinyirira.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Munguvayi, shandisa zvinhu zvako nokuchenjera. Tarira kunguva yemberi. Vanzarika pfuma yomudzimu. (Mateo 6:19-21) Rangarira kugonana nourombo sedenho—iyo unogona kukunda nenzira inobudirira.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona chinyorwa chedu chaFebruary 8, 1992.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Kushuva hakusati kuchizovandudza mugariro wako, asi kushanda zvakaoma muchikoro kunogona kudaro