RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 3/8 pp. 9-11
  • Makore Okuyaruka Iwayo Okupirutsika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Makore Okuyaruka Iwayo Okupirutsika
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vadzidzisei Kuti Rucheno Rune Ukoshi
  • Muenzaniso Wenyu Mumene
  • Muchigere Kuvadzidzisa Here?
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ndingatsanangurira Sei Vamwe Zvandinotenda Panyaya Dzebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 3/8 pp. 9-11

Makore Okuyaruka Iwayo Okupirutsika

VACHIKUYARUKA vakakombwa namashoko orudo rwenyengano. Vatano inoshandiswa kuzivisa chinhu chipi nechipi kubvira pashangu kusvikira kumajini. Nziyo dzazvino uno dzizere namashoko anokarakadzira vatano. Paterevhizheni vakuru vakaisvotsvinda vanobva pane imwe vatano vachienda pane imwe. Asika ikoku kwakakodzera here?

Pepanhau rakakurumbira reAmerica rakataura kuti “mapurogiramu akawanda anopiwa pamusoro pomufaro wevatano” anoratidzirwa paTV panguva yezuva apo vanhu vazhinjisa vanoaona i“kombamiro inokangaidza uye yokuronga mapurogiramu isina mhaka zvikuru.” The Journal of the American Medical Association yakariidza kuti “kudyeredzerwa kwavayaruki kupfurikidza nevaraidzo namanyuko enhau okuzivisa.”

Munofanira kuva nechokwadi chokuti vana venyu vanoziva kuti handi munhu ari wose anorarama nenzira iyeyo. Kunyange kana, sezvinotaurwa, hafu yavasikana vane zera ramakore 17 veAmerica vakatova nevatano, ikoko kunorevawo kuti imwe hafu haisati. Sokutaura kwakaita aichimbova Munyori weDzidzo weU.S. William J. Bennett: “Handi ‘munhu ari wose’ ari kukuita, uye tingada kupa vechiduku ivavo—hafu yavane zera ramakore 17 vedu—tsigiro nesimbisowo.”

Akaratidzira kuti munzvero yakaitwa paGrady Memorial Hospital muAtlanta, Georgia, U.S.A., vasikana 9 muvane 10 vari pasi pamakore 16 “vakanga vachida kuziva kuti vangataura sei kuti ‘kwete.’” Mungagona here kubetsera vana venyu kuva vanopwisa kuti, kwete kuita kwakaneta bedzi uye kusina kutsarukana, asi kwete akananga uye akajeka ndiye mhinduro yakarurama bedzi kuchikarakadzo chipi nechipi choutere? Munogona here kuvabetsera kuziva kuti vanhu vanokosha vachavaremekedza nokuda kwaikoku? Sokuzivisa kwakaita wechiduku achiri kuyaruka anonzi Emily pepanhau reCalifornia, U.S.A., kuti: “Vanhu vanoremekedzwa zvikurusa havavi nevatano.”

Munofanira kubetsera vaduku venyu kuziva kuti vatano isimba guru—guru kwazvo zvokuti yakabudisa dzinza rose rohunhu. Zvisinei, ikoku hakusati kuchireva kuti haigoni kudzorwa. Panzvimbo pezvo, kunoreva kuti semotokari yemitambo ine simba guru, inofanira kushandiswa zvakafanira, mukuwirirana nemirau yomugwagwa. Kufuratira mirau pamugwagwa womugomo unopoterera kunogona kuparira ngwavaira. Kufuratira mirau yakapiwa naMwari pamusoro pokuzvibata muvatano kuchava nemiuyo yakafanana. Munogona sei kubetsera vana venyu, vamunoda zvikurusa, kuziva ikoku?

Vadzidzisei Kuti Rucheno Rune Ukoshi

Kurukurai nowechiduku wenyu achiri kuyaruka mienzaniso yakanakisisa yeBhaibheri yomusikana muduku akaisvonaka weShuramiti. Aigona kutaura norudado, kuti: “Ndiri rusvingo, uye mazamu angu akafanana neshongwe.” Mutsika akanga akafanana norusvingo rusingakwiriki rwenhare rine shongwe dzisingasvikiki. Uye mumeso omurume wake anokarirwa, akanga akafanana nouyo “anowana rugare.” Hungu, rugare rwendangariro rusingakangaidzwi nokutambudzika kwokuzvidemba ibetsero huru yorucheno.—Rwiyo rwaSoromoni 8:10.

Asika pwere inogona sei kuramba yakatsiga mutsika, kufanana norusvingo? Nhau dzakadaro dzisati dzatombomuka, munofanira kuva nechokwadi chokuti wechiduku wenyu ari kukura anoziva chinodikanwa chokushandisa ngwariro kupfurikidza nokudzivisa migariro inogona, uye kazhinji kazhinji inodaro, kuparira utere. Somuenzaniso, vanofanira kuziva kuti sezvo kuchaira motokari wakadhakwa kuchigona kuparira ngwavaira, naizvozvo ngwavaira inogona kuparwa pamutambo wavechiduku vachikuyaruka apo vamwe vanenge vaunza zvinwiwa zvinodhakisa kana kuti uko kusina mukuru ane mutoro aripo.

Nenzira yakafanana, vabetserei kunzwisisa kuti kuva uri woga mumba (kana kuti kamuri) nomumwe wechiduku womutezo wokubereka nawo wakasiana ndiko kuzarurira suo muedzo. Pwere dzinofanira kuona zvakajeka ngozi yetsika yokubvumira ani naani wadzisina kuroorana naye kuisa ruoko rwake pamitezo yadzo yakavandika, kubatanidza mazamu. Dzitsanangurirei kuti kunyengedzwa kazhinji kazhinji kunotanga nokubatwa kunonyandura vatano kwemitezo yomuviri yakadaro.—Enzanisa na 1 VaKorinte 7:1.

Munofanira kubetsera vana venyu vanodiwa kuziva kuti rudo chairwo runoreva zvakawanda zvikuru kupfuura vatano uye kuti vatano kunze kweroorano yakashata. Dzimwe pwere dzinovatana pamberi pokupinda muroorano. Dzingaita vatano nechiverengero cheshamwari dzisina kutomboroorana. Ipapo, makore zvaanopfuura uye ivo vanonzwa kuti vanoda zvomenemene mukwanyina weroorano, vanozviwana vamene vane ushoma uye vasiiwa. Chokwadi, hapana munhu akamboda musengwa wavo, asi hapana munhu akamboita musengwa kwavariwo.

Vanakomana navanasikana venyu vanofanira kuziva kuti rucheno rwavo runoisvokosha zvikuru zvokusagona kuraswa samarara. Betsera mwana wako kuona kuti farikanyo izere yevatano inogona bedzi kubva mukati megadziriro inoyera yeroorano. Mumutauro wakaisvonaka, wenhetembwa, Bhaibheri rinoti: “Inwa mvura mutsime rako umene, nemvura inoyerera pakati pechinyuka chako umene. Nzizi dzako dzinofanira kuparadzirwa mumasuo here, nzizi dzako dzemvura munzira dzavose dzimene here? Manyuko emvura yako ngaabvumikise kuva anokomborerwa, uye fara nomudzimai woupwere hwako.”—Zvirevo 5:15, 16, 18, NW.

Savabereki vane rudo, munofanira kuita nhamburiko chaidzo kudzidzisa aya maidi. Iyi idenho chaiyo nhasi, nokuti nhumbu pakati paavo vasina kuroorwa dzinowanzogamuchirwa. Lillian, mukoti wezvirwere zvechikadzi, anotaura kuti haasati achashamiswazve nokuona rutyo rukuru mumeso ababa vasina kuchata vezera ramakore 15 sokugamuchira kunoita sekuru anodada mumaoko ake mwanakomana achangobva kuberekwa uyo iye asina kugadzirira, asingadisi, kana kuti asingakwanisi kugamuchira.

Mumwe mutsinhiri wapaterevhizheni akaratidzira kuti “vakadzi vaduku [vazhinji] vane vana asi havana varume” kazhinji kazhinji havakwanisi kupedza chikoro, kushanda, kana kuti kupa vana vavo kurera kwakafanira. Ava vanamai vechiduku vachiri kuyaruka, akati, “vanobatwa mumisungo yengwavaira dzavo vamene. . . . Urombo hunenge husingadzivisiki uye hunokombamira kuzvipfuuridzira humene mumugariro unotyisa.”

Muenzaniso Wenyu Mumene

Kuzvibata kwenyu mumene kuchava netapuro yakasimba pavana venyu. Padzimwe nguva ikoku kungaitika munzira dzamanomano zvikuru kupinda zvamunoziva. Chii chinoitika apo baba vane meso-meso? Kana kuti apo amai vanoti, “Inhena yakadini!” apo murume anofadza ziso anopfuura napo? Ko vabereki vakadaro vari kukurudzira vechiduku vavo vachiri kuyaruka kuva vakachena here? Kana mativi omuviri ariwo amunoyemura, mungashamisika here kana vana venyu vakaisa mavara okunyama mberi kwetsika, mutsa, rudo rwechokwadi, kana kuti tsauriro yomunhu wacho kuna Mwari?

Kudzidzisa vechiduku venyu chavanofanira kuziva pamusoro pevatano nokuda kwechikonzero ichecho kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura zvamungave makafunga. Kunobatanidza chimiro chenyu chendangariro, mudzimu wamunoparira mumusha, kudisa kwenyu kudzidzisa vechiduku venyu pazera duku, pamwe chete nomuenzaniso wamunogadza. Sezvinooneka, kwose ikoku kunoda nguva nenhamburiko, asi tuso ihuru!

Muchigere Kuvadzidzisa Here?

Asi zvakadiniko kana vana venyu vachinge vakura, uye imi muchigere kukurukura izvi zvinhu navo? Mungangotaura henyu kuti: “Ndakaita mhosho zvomenemene mukumirira kwenguva refu yakadai kuti nditaure newe pamusoro peizvi zvinhu, asi ndinoda zvikuru kuti uve noupenyu hwakanakisisa hunobvira zvokuti ndinofanira kuedza zvino.”

Zvamazvirokwazvo, kuri nani zvikuru kukurukura idzi nhau navana venyu pavanenge vakura pane kusatongokurukura. Muraidzo wetsika wavechiduku venyu mutoro unokosha uye ropafadzo. Ron Moglia wapaNew York University akati: “Mubereki upi noupi anoregeredza maruramiro okutaura kumwana wake pamusoro pevatano ari kurega chimwe chezvinoitika zvinoshamisa zvikuru zvaanogona kuva nazvo.”

Kana muchangobva kunzwisisa zvinodikanwa zvetsika zvaMwari uye vana venyu vachiziva kuti mave musati muchirarama mukuwirirana nazvo munguva yakapfuura, ivai nechokwadi chokuti vanonzwisisa chikonzero nei imi zvino machinja. Mungakarakadza kuti varave magazini ino dzokonokei moronga kukurukura mashoko acho. Hamusati muchifanira kudziviswa nowechiduku anoti: “Haiwa, ndinoziva izvozvo zvose!” Kunyange mifungo isina kutsiga inowanwa muna vamwe vadzidzi kana kuti nhau dzeshamwari dzezera rimwe chetero kana kuti kunyange chinoitika chevatano hazvisi chinotsiva chenhungamiro yakanaka yetsika. Zvokwadi ndeyokuti kusaziva kunogona kutungamirira kungozi.

Kurovedza vana venyu kungada nhamburiko huru, asi tuso inogona kuva yakaisvonaka! Sokureva kunoita Bhaibheri, nomutoo wakapfava uye wakajeka: “Wakarurama anofamba muperero yake. Vanofara ndivo vanakomana vake vanomutevera.”—Zvirevo 20:7.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Terevhizheni inodzidzisei pamusoro pevatano?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kufuratira mirau yokutyaira kazhinji kazhinji kunotungamirira kuzvinetso zvakakomba, uye ndozvinoitawo kufuratira mirau yokuzvibata kwoumwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe