Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Misangano yechiKristu Inogona Sei Kundibetsera?
“Ini handifungi kuti machechi anokubetsera kuenderera mberi mumudzimu. Ndinoreva kuti, mutoro womunhu wacho kana iye achida kuva womudzimu kana kuti kwete.”—Kevin wezera ramakore 19.
KEVIN akarurama mumativi mazhinji. Zvomenemene mutoro womunhu mumwe nomumwe kusarudza “kana iye achida kuva womudzimu kana kuti kwete.” Asi zvauri kurava iyi nyaya, kunopfuura zvingabvira kuti zvimwe unoda kuva womudzimu. Kunyange zvakadaro, ungave usina chokwadi chaichoicho chokuti chii chaizvoizvo chiri munhu womudzimu kana kuti unogona kuva sei mumwe.
Mumutauro wakapfava, munhu womudzimu ndouyo anoisa mirangariro yake, mifungo, uye zviito pasi penhungamiro inoitwa naMwari Wokumusorosoro, Jehovha. Anorangarira Musiki wake pakuita zvisarudzo zvezuva nezuva, achigadza nharidzano, kana kuti kugadza zvinhu zvokutanga muupenyu. Namamwe mashoko, munhu womudzimu munhu ane ndangariro yakarerekera kuna Mwari.
Sowechiduku, ungawana kuti “funganyo dzetsika ino yezvinhu” inopinganidza kukura kwako kwomudzimu. (Mateo 13:22, NW) Kuva anofanira kusonganirana muswere wose wezuva navadzidzi biyako vangave vaka‘kombamira kukuita zvakashata nguva yose’ kunogonawo kuva kunoodza mwoyo. (Genesi 6:5) Vamwe vangato“tuka uye kutaura pamusoro pezviri zvakashata,” vachikuomesera kurereudzira ndangariro yako pazviri zvakanaka. (Pis. 73:8) Uye kana vabereki vako kana kuti mimwe mitezo yemhuri vasingagoverani newe kutenda kwako, vangagovera rukurudziro ruduku, kana ruchitongovapo, rwomudzimu. Unogona kuitei kukurira idzi pesvedzero dzakashata ndokukura mumudzimu?
Chimwe chinhu chaunogona kuita ndechokupinda misangano paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha nguva dzose. Mukusafanana neminamato yechechi, misangano ikoko inokukurudzira zvose zviri zviviri kuronda “kuzvipira kwoumwari sevavariro yako” uye kukubetsera muenderero mberi yako kubva muuhwana hwomudzimu kuukuru hwomudzimu.—1 Timotio 4:7; VaEfeso 4:13, 14.
Misangano Inokubetsera Kudzidza
Muungano dzinopfuura 63 000 mupasi rose, Zvapupu zvaJehovha zvinotevera pangiro yeBhaibheri yokuti “unganidza vanhu, varume navakadzi navana vaduku . . . kuti vagoteerera uye kuti vagodzidza.” (Dheuteronomio 31:12, NW) Naizvozvo uchawana vechiduku vakawanda vakafanana newe vari pakati peZvapupu.
Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinogoverana purogiramu imwe cheteyo yedzidzo. Iyoyi inoumbwa nemisangano mishanu yevhiki nevhiki, mumwe nomumwe unotora rinenge awa muurefu. Misangano mishanu yacho ndeiyi:
Musangano Wavose—hurukuro yeBhaibheri inosimbisa musoro weBhaibheri.
Fundo yeNharireyomurindi—fundo yakadzama yedzidziso dzeBhaibheri uchishandisa magazini yeNharireyomurindi, chinyorwa chikuru cheZvapupu zvaJehovha.
Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari—chinodzidzisa unyanzvi hwokutaura nokuda kwoushumiri hwechiKristu.
Musangano Webasa—unopa kurukurirano nemienzanisiro yemitoo yedzidziso dzinobudirira nokuda kwoushumiri hwapasuo nesuo uye fundo yeBhaibheri.
Fundo yeBhuku yeUngano—kurukurirano yemibvunzo nemhinduro inoitwa mumapoka maduku kuchishandiswa yamuro yeBhaibheri—kazhinji kazhinji mudzimba dziri dzoga.
Mapurogiramu edzidzo pamisangano iyi anogona kukubetsera kudzidza “kunyange zvinhu zvakadzama zvaMwari.” (1 VaKorinte 2:10; Zvirevo 2:5) Zvisinei, kune dzimwe betsero dzinobva mukupinda.
“Sesimbi Inorodza Simbi”
“Kuri nyore kuva muKristu kana uri pana vamwe vanobatirawo Mwari,” anodaro Michelle wezera ramakore 15. “Asi apo unoenda kuchikoro, kwakaoma zvikuru nokuti vadzidzi biyako vane chirongwa chakasiana chemipimo nenharidzano.” Naizvozvo, imwe betsero yokupinda misangano, ndiro banza rokusonganirana navatendi biyako.
Mambo akachenjera Soromoni akati: “Sesimbi inorodza simbi, naizvozvo munhu anorodza mano omumwe.” (Zvirevo 27:17, The New English Bible) Padzimwe nguva, “mano” edu omudzimu, ndiko kuti, zivo yedu yomudzimu nenzwisiso, zvinodikanirwa kuva zvinorodzwa. Asika sezvo kurodza banga chairoiro kuchida unyanzvi uye midziyo yakarurama, naizvozvo unodikanirwa kusonganirana navanhu vakarurama, avo vane mano o“kupa chipo chomudzimu kwauri.”—VaRoma 1:11, NW.
PaHoro yoUmambo, uchawana vanhu vakadaro, vamazera akasiana, madzinza, namarudzi. Nomutoo unonzwisisika, ungakweverwa kuvezera rako. Kunyange zvakadaro, ipa ngwariro chaiyo kuna avo vakapedza makore akawanda vachibatira Jehovha mukutendeka. (Revhitiko 19:32) Ruzivo rwavo rwokuzviwanira muupenyu pamwe chete nezivo yavo huru yeBhaibheri zvinogona kukubetsera zvikuru. Unogona sei kuziva vakadaro? Edza kuvabvunza mibvunzo, yakadai sokuti, ‘Makapinda sei muzvokwadi?’ kana kuti, ‘Basa romumunda rakanga rakadini pamaiveri muduku?’ Vangasanobudisa zvipo zvomudzimu nokuda kwako!
Chokwadi, pakusvika vamwe vari muungano, pakutanga unganzwa sezvakaita Craig wezera ramakore 12, uyo akati: “Ndaisitya kutaura navanhu vakura. Ndaifunga kuti kana ndikataura chinhu chisina kururama, ndingapiwa zano.” Craig zvino anoziva kuti kunzwa kwake kwakanga kusina kudzama. “Ndinotaura navo zvino ndakasununguka,” iye anotsanangura kudaro. Kuregererei kuita nhamburiko imwe cheteyo yokusonganirana navanhu vakakura mumudzimu muungano? Kuita kudaro kuchakupa banza rinoisvokosha rokuona ndokutevedzera maKristu akakura mumudzimu.—2 VaTesaronika 3:9.
“Rurimi Rwavakadzidziswa”
Imwe nzvimbo yokuita enderero mberi mairi inobatanidza mano ako okudzidzisa. Somuenzaniso, unokwanisa here kukurukura zvokwadi dzeBhaibheri zvakajeka? Unokwanisa here kubata ngwariro yavateereri? Unoziva here nzira kupinza nayo revo chaiyo mukurava kwako? Muporofita Isaya akati: “Changamire Ishe Jehovha amene akandipa rurimi rwavakadzidziswa.” (Isaya 50:4, NW) Uye kupfurikidza nerovedzo, iwewo unogona kuva norurimi rwavakadzidziswa. Zvikurukuru musangano mumwe unogona kukubetsera muna ikoku: Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Wati wakumbanira chikoro ichecho here?
Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chakarongedzererwa kuraidza maKristu mukutaura kuna vamwe. Hachina ganhuriro yezera, uyewo rubhapatidzo harusi chinodikanwa. Kunyange zvakadaro, unofanira kukwanisa kurava nokunyora, uchisonganirana nomutoo wokushingaira neungano, uye uchiva anorarama upenyu huri mutsinhirano nenheyo dzechiKristu. Ichi chikoro choushumiri chinoshanda sei?
Pashure pokunyoresa, uchagoverwa kukurukura hurukuro pfupi pamusoro wakati kuti wapaMagwaro. Shanda zvakasimba kugadzirira hurukuro yako. Somuenzaniso, mashoko okuwedzera pamusoro wako wenyaya anowanzowanikwa kupfurikidza nokunzvera zvinyorwa zveBhaibheri nokushandiswa kwamaWatch Tower Publications Index uye kupfurikidza nokurangarira enisaikiropedhia yeBhaibheri inonzi Insight on the Scriptures.a Kana uchida betsero muna ikoku, kumbira vabereki vako kana kuti muKristu ane ruzivo rwokuzviwanira kukubetsera. Kunzvera kwaunoita kuchawedzera zvakawanda kuhurukuro yako uye kunogona kukuchidzira kukura kwako mumudzimu.—Zvirevo 2:1-5.
Apo unokurukura hurukuro pamberi peungano, mushumiri anokwaniriswa anoitisa chikoro chacho achave achisanoteerera. Pashure pehurukuro yako, achapa rukurudziro rwakakodzera nezano zvakavakirwa pamashoko anowanwa mubhuku rinonzi Bhuku Rinotungamirira Rechikoro choUshumiri, chinyorwa chakarongedzererwa kuyamura vakurukuri vehurukuro dzavose. Sanoteerera iri zano. Hariitirwi kukutsoropodza kana kuti kukukwenudza. Zvikarakadzo zvinopiwa kukuyamura. Kana uka“pfuurira kuzvishandisa umene kukurava kwapachena,” enderero mberi yako yomudzimu “ichaoneka kuvanhu vose.”—1 Timotio 4:13-15.
‘Rumbidza Jehovha Nemiromo Yako’
Imwe nzira yokukura nayo mumudzimu pamisangano yechiKristu ndeyokupa mhinduro kana kuti tsinhiro apo kutora rutivi kwavateereri kunodikanwa. Kufanogadzirira ndiko chinhu chikuru.b Asi zvimwe unokuwana kwakaoma kutsinhira kunyange apo unenge wagadzirira nokuda kwomusangano wacho. Muzvinoitika zvakadaro, kumbira Jehovha nokuda kwebetsero. Mambo Dhavhidhi akanyengetera, kuti: “Haiwa Jehovha, zarurai mirimo yangu iyi, kuti muromo wangu umene ugozivisa rumbidzo yenyu.”—Pisarema 51:15, NW.
Yeuka: Mhinduro haisati ichifanira kuva refu kana kuti inobatanidza zvakawanda kuti igova inobetsera. Sokureva kunoita Rachel wezera ramakore 12, kuti: “Panzvimbo pokupa tsinhiro refu zvikuru, kutsinhira kungava bedzi mutsetse mumwe wamashoko.” Pakutanga, kutaura nenzwi guru pamisangano kungaratidzika kuva kwakaoma, uye ungakumbira betsero, asi mukufambira mberi kwenguva, uchanzwa sezvakaita Rachel. Iye anotsanangura, kuti: “Apo unopa tsinhiro yako umene, ndeyako zvomenemene, uye unodada nayo.” Kupfuurirazve, uchakura mumudzimu somuuyo wenhamburiko dzako.
Hakusi nyore kuva ane ndangariro yomudzimu munyika inozvirangarira yanhasi. Asi kana uchipinda misangano nguva dzose, uchigadzirira kwazvo, uchitora rutivi, uye uchiita nhamburiko yokusonganirana navanhu vakakura mumudzimu, misangano yechiKristu ichakubetsera zvamazvirokwazvo kuti ukure mumudzimu.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro penzira yokugadzirira nayo uye kutora rutivi pamisangano, ona Mukai!, No. 1, 1989, mapeji 15-17.
[Mifananidzo iri papeji 28]
Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari chakarovedza zviuru zvepwere kuva vadzidzisi vanokwanisa veShoko raMwari