RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 28
  • Kudzika Pasi Pemvura Kunoita Cuvier’s Beaked Whale

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzika Pasi Pemvura Kunoita Cuvier’s Beaked Whale
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Ganda rePilot Whale Rinozvichenesa Rega
    Zvakangoitika Zvega Here?
  • Matakurirwo Anoitwa Oxygen
    Zvakangoitika Zvega Here?
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 28
Cuvier’s beaked whale.

BluePlanetArchive/Whale Watch Azores

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kudzika Pasi Pemvura Kunoita Cuvier’s Beaked Whale

Mhuka yemumvura inonzi Cuvier’s beaked whale inogona kuenda pasi pemvura pakadzika mamita anosvika 2 992 uye pasi ipapo mvura inenge ichirema zvisingaiti. Whale iyi inokwanisawo kuramba iri pasi pemvura kwenguva yakareba. Imwe yakaita maawa matatu nemaminitsi 42 iri pasi pemvura isingawani mhepo yekufema. Mhuka idzi dzinokwanisa sei kuramba dzichirarama pasi pemvura inenge ichirema zvakadaro uye pane oxygen shoma?

Chati inoratidza kudzika pasi kunoita mhuka ina dzemumvura. 1. California sea lion: Mamita 270. 2. Sperm whale: Mamita 2 250. 3. Northern bottlenose whale: Mamita 2 340. 4. Cuvier’s beaked whale: Mamita 2 990.

Kungofanana nedzimwe mhuka dzemumvura, mbabvu dzewhale iyi dzinodzoka dzichipinda mukati uye mapapu ayo anodzokawo kuita madiki achibudisa oxygen inenge irimo. Vanoita zvekutsvakurudza vakaona kuti mhuka dzemumvura dzinoshandisa oxygen shoma mwoyo wadzo paunopomba ropa zvishoma nezvishoma uye ropa rinobva ranyanya kuendeswa kunhengo dzinokosha dzakadai sepfungwa, mwoyo uye tsandanyama.

Kuwedzera pane izvi, mhuka dzemumvura dzinochengeta oxygen mutsandanyama pachishandiswa mapuroteni anonzi myoglobin. Mapuroteni aya anobudisa oxygen inenge ichidiwa nemhuka idzi kana dzava kuenda pasi pasi pemvura. Mutsandanyama dzayo mune mapuroteni emyoglobin akawanda chaizvo kupfuura anowanika muvanhu nemumhuka dzisiri dzemumvura.

Mumwe mutsvakurudzi akasvika pakutaura nezvemaCuvier’s beaked whale achiti: “Mhuka idzi dzinokwanisa kuenda pasi pasi pemvura zvinotoshamisa. Tichifunga nezvezvatinoziva nezvekushanda kunoita miviri yemhuka, taisatarisira kuti mawhale aya adzike pasi pasi pemvura zvakadaro uye akwanise kuramba ari ipapo kwenguva yakareba sezvaanoita.” Nyanzvi dzesainzi dzinoda chaizvo kunzwisisa maitiro anoita mawhale nekuti zvinogona kuvabatsira kuti vavandudze marapiro avangaita mapapu anenge asisashande zvakanaka.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti maCuvier’s beaked whale akwanise kuenda pasi pasi pemvura kwenguva yakareba?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe