RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 16
  • Kushandisa Maungira Kunoita Chiremwaremwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Maungira Kunoita Chiremwaremwa
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chatinogona Kudzidza Muchisiko chaMwari?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2010
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 16
Chiremwaremwa chiri kubhururuka mubako.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kushandisa Maungira Kunoita Chiremwaremwa

Zviremwaremwa zvinoona, asi kana hwava usiku zvinoshandisa maungira kuti zvizive zvinenge zvichiitika panzvimbo yazviri. Maungira aya anozvibatsira kuti zvizive kuti chinhu chacho chiri kure zvakadii. Semuenzaniso, zvimwe zviremwaremwa zvinokwanisa kuziva kuti iyi imosikito kana kuti ndechimwewo chipukanana nekunzwa kurova kunenge kuchiita mapapiro azvo.

Chimbofunga izvi: Zviremwaremwa zvakawanda zvine ruzha rwazvinoita runobuda nemumuromo kana mumhino. Zvinoshandisa nzeve dzazvo dzakakura kuteerera maungira anoitika ruzha rwacho parunorovera pane chimwe chinhu. Maungira aya anoita kuti chiremwaremwa chikwanise kufungidzira zvakaita zvinhu zvinenge zvakachipoteredza. Chinokwanisa kuziva panenge paine chinhu, kukura kwachakaita, uye kuti chiri kure zvakadii, chisingavhiringwi nekuti zvimwe zviremwaremwa zviri kuitawo ruzha.

Chiremwaremwa chinofanira kunyatsoteerera zvakanaka maungira achinonzwa nekuti kana chikangotadza nepadikidiki kunanga panenge pabva maungira acho, chinogona kurasika pachinenge chakananga nemasendimita 17. Vamwe vanoita zvekutsvakurudza vanoti kashoma kuti izvi zviitike. Imwe ongororo yakaitwa inoratidza kuti kana kuri kunzi chiremwaremwa chapotsa pachiri kuda kuenda chinenge chapotsa nenzara chaiyo!

Vanoita zvekutsvakurudza vakagadzira tsvimbo inoshandisa maungira kuti ibatsire vanhu vasingaoni kuti vazive zvakavapoteredza uye kuti vasarovere pazvinhu, kusanganisira zvinenge zviri mudenga, zvakadai sebazi remuti. “Chinhu chakatikurudzira zvakanyanya pabasa racho kwaiva kuziva mashandisiro anoita zviremwaremwa maungira kuti zvizive pane zvinhu,” anodaro Brian Hoyle naDean Waters, vamwe vevakagadzira tsvimbo yekufamba nayo inonzi Batcane.

Murume asingaoni ari kushandisa tsvimbo yemapofu yemagetsi. Tsvimbo yacho inoshandisa maungira kumuratidza kuti pane pombi yemvura inodzimiswa moto pamberi pake.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti chiremwaremwa chigone kushandisa maungira?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe