RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 10
  • Zvakaita Mazino Ehozhwa Inonzi Limpet

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaita Mazino Ehozhwa Inonzi Limpet
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Zano 2 Tarisira Muviri Wako
    Mukai!—2011
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 10
Limpet.

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Zvakaita Mazino Ehozhwa Inonzi Limpet

Hozhwa yemumvura inonzi Limpet, iyo ine demhe rakatetepa nechekumusoro, ine mazino akasimba zvinoshamisa. Mazino acho akaumbwa netumafaibha twakaomarara twakaita kutsindirana uye tunenge twakaputirwa nemapuroteni asina kunyanya kuomarara.

Funga izvi: Hozhwa iyi ine kakaita sekarurimi kanonzi radula kakazara nemazino akakombama akarongwa mumitsetse. Zino rega rega haripfuuri 1 mm kureba uye rinoshanda sefaira. Mazino aya akasimba uye akaomarara zvekuti inokwanisa kupara mazerere anenge ari pamatombo kuti idye.

Vanoita zvekutsvakurudza vakashandisa maikorosikopu yemhando yepamusoro kuti vaone kuti mazino aya akasimba zvakadii. Vakaona kuti mazino elimpet akasimba kupfuura zvimwe zvinhu zvese zvavati vaongorora kusvika pari zvino, kunyange shinda dzedandemutande. Aitungamirira pakutsvakurudza uku akati: “Tinofanira kutevedzerawo maumbirwo akaitwa mazino aya pakugadzira zvinhu zvedu.”

Vanoita zvekutsvakurudza vanoti vanhu vanogona kukopa zvakaita zino relimpet, pakugadzira mota, zvikepe, ndege kana zvekunama nazvo mazino.

Unofungei? Zvakangoitika zvega here kuti limpet ive nemazino akasimba zvinoshamisa kudaro?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe