RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 7
  • Akadzidza Kubva Kuvasungwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akadzidza Kubva Kuvasungwa
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzira Mbeu yoUmambo Panhambo Iri Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ndaimboita Zvenyika asi Ndava muKristu Asina Kwaakarerekera
    Mukai!—2002
  • Kumirira Umambo Husiri “Hwenyika Ino”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndakadzidza Kuvimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 7
Musungwa ari kupawo mumwe musungwa zvekudya zvake

Akadzidza Kubva Kuvasungwa

Mumwe murume wekuEritrea akatamira kuNorway semupoteri muna 2011. Paakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha, akataura kuti akanga atomboona Zvapupu kumusha kwake. Akati paaiva mubasa rechiuto ikoko, akaona Zvapupu zvaiva mujeri pamusana pekutenda kwazvo zvichiramba kumanikidzwa kupinda mubasa rechiuto, pasinei nekubatwa zveutsinye kwazvaiitwa.

Zvinhu zvakangoerekana zvachinja, murume uyu ndokubva aiswawo mujeri. Akabva aiswa maiva neZvapupu zvitatu zvinoti Paulos Eyasu, Negede Teklemariam, uye Isaac Mogos avo vakavharirwa muna 1994.

Ari mujeri, murume uyu akazvionera ega kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoita zvavanodzidzisa. Akacherechedza kuti vanhu vakavimbika uye vaitopawo vamwe vasungwa zvekudya zvavo. Vaidzidza Bhaibheri pamwe chete mazuva ese vachikoka vamwe kuti vauyewo. Pavakanzi vasaine pepa raitaura kuti vaisazoshumira Jehovha, vakaramba kunyange zvazvo kusaina kwaizoita kuti vabudiswe mujeri.

Zvinhu izvi zvakamubata-bata, zvekuti paakauya kuNorway aida kunyatsoziva kuti chii chaizvo chaiita kuti Zvapupu zvaJehovha zvive nekutenda kwakasimba zvakadaro. Saka, Zvapupu pazvakamushanyira, akabva angotanga kudzidziswa Bhaibheri nekupinda misangano yavo.

Muna September 2018, akabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye zvino ava kushandisa mikana yese yaanowana kukurudzira vanhu vanobva kuEritrea nekuSudan kudzidza Bhaibheri uye kusimbisa kutenda kwavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe