RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 1
  • “Ndinoita Zvandinokwanisa”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndinoita Zvandinokwanisa”
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Yokunyora Nayo Tsamba
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Basa Redu Rekuyamura Rakabatsira Sei vaKristu Vari kuCaribbean?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
  • “Handisati Ndambodiwa Zvakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Zvakaitika
ijwex nyaya 1
Mbuya Irma vachinyora tsamba

“Ndinoita Zvandinokwanisa”

Mbuya vanonzi Irma, vanogara kuGermany, uye vava kuda kutosvitsa makore 90. Vakaita tsaona yakaipisisa kaviri, uye vakaitwa maoparesheni akati wandei, saka havachakwanisi kuparidza paimba neimba sezvavaisimboita. Iye zvino vava kuudza vamwe zvavanotenda vachiita zvekunyora tsamba kuhama neshamwari. Tsamba dzavanonyora dzekukurudzira nekunyaradza dzinofarirwa nevakawanda zvekuti vamwe vanotombovafonera vachida kunzwa kuti dzimwe dzichauya riini. Vakawanda vanovatumira tsamba dzekuvatenda uye vachikumbira kuti varambe vachivanyorera. Mbuya Irma vanoti, “Kuita izvi kunoita kuti ndifare uye zvinoita kuti ndiwane mukana wekuparidza.”

Irma

Vanotumirawo tsamba kunzvimbo dzinochengetwa vakwegura. Vanoti: “Vamwe mbuya vakafona vakati tsamba yandakavanyorera yakavanyaradza pavakafirwa nemurume wavo. Vanogara vaine tsamba yacho muBhaibheri ravo uye vanogara vachiiverenga manheru ega ega. Mumwe mudzimai akashayikirwa nemurume, akati tsamba yaakagamuchira yakatomubatsira kupfuura mharidzo yakapiwa nemufundisi. Aiva nemibvunzo yakawanda uye akakumbira kuuya kwandaigara kuti ndizomupindura.”

Imwe shamwari yambuya Irma yakatamira kune imwe nzvimbo iri nechekure uye yakakumbira kuti varambe vachimunyorera tsamba. Mbuya Irma vanoti, “Mudzimai uyu aichengeta tsamba dzangu dzese uye paakafa, mwanasikana wake akandifonera. Akandiudza kuti akanga averenga tsamba dzese dzandakanga ndanyorera amai vake uye akakumbira kuti ndimunyorerewo.”

Mbuya Irma vanonakidzwa neushumiri hwavo. Vanoti, “Ndinokumbira Jehovha kuti andipe simba rekuramba ndichimushumira. Kunyange zvazvo ndisingachakwanisi kuparidza paimba neimba, ndinoita zvandinokwanisa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe