RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwwd nyaya 5
  • Kuzvichenesa Kunoita Svosve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzvichenesa Kunoita Svosve
  • Zvakangoitika Zvega Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoita Kuti Svosve rekuSahara Desert Risatsva Nezuva
    Mukai!—2017
  • Mutsipa Wesvosve
    Mukai!—2016
  • “Muvezi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Zvakangoitika Zvega Here?
ijwwd nyaya 5
Svosve richichenesa tunyanga twaro

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Kuzvichenesa Kunoita Svosve

Zvipukanana zvinofanira kugara zvakachena kuti zvikwanise kubhururuka, kufamba uye kuziva zvinhu zvakapoteredza. Semuenzaniso, kana tunyanga twesvosve twakasviba, zvinoita kuti rinetseke pakufamba, pakukurukura uye pakunzwa munhuhwi wezvinhu. Mumwe muongorori wezvemhuka anonzi Alexander Hackmann akati, “Haumbofi wakaona zvipukanana zviine tsvina. . . Zvine maitiro azvinoita kuti zvigare zvakachena.”

Funga izvi: Hackmann nevamwe vake vakaongorora machenesero anoita svosve rinonzi Camponotus rufifemur tunyanga twaro. Vakaona kuti rinogonyesa gumbo, rofambisa tunyanga nepakati pegumbo rakagonya, richibvisa tsvina. Pacho panenge pagonyeswa panenge paine tumvere tunenge twuri muzvikwata zvitatu. Tumvere twekutanga ndotwakakora uye tunobvisa tsvina yakakura yacho. Inenge yasara inobviswa netwakati tetepei twakaenzana neturi patunyanga twesvosve. Tumvere twekupedzisira tutete-tete kupfuura zvakaita vhudzi remunhu, uye tunobvisa tsvina yese inenge yasaririra.

Ona svosve richichenesa tunyanga twaro

Hackmann nevamwe vake vanofunga kuti zvinoitwa nesvosve iri pakuzvichenesa zvinogona kushandiswa mumaindasitiri. Semuenzaniso, zvinogona kushandiswa pakugadzira zvinhu zvidiki-diki zvemagetsi zvekuti zvikangosviba hazvichashandi.

Unofungei: Zvakangoitika zvega here kuti svosve rikwanise kuzvichenesa kana kuti zvakaitwa neMusiki?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe