RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 19
  • Ari Kutsungirira Pasinei Nedambudziko Rake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ari Kutsungirira Pasinei Nedambudziko Rake
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • JW Broadcasting ‘Inotipa Simba Uye Inotizorodza!’
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
  • JW Broadcasting Tinoida Chaizvo!”
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2016
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • ‘Ndicha- kwanisa Sei Kuparidza?’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 19
Virginia, uyo ane chirwere chinonzi locked-in syndrome, achiverenga nyaya ichadzidzwa muNharireyomurindi pakombiyuta yake.

Ari Kutsungirira Pasinei Nedambudziko Rake

Virginia, ndemumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ane chirwere chinonzi locked-in syndrome. Akaremara zvekuti haagoni kufambisa muviri wake. Anoona nekunzwa, anokwanisa kuvhura nekuvhara maziso, uye kufambisa musoro wake zvishomanana. Asi haagoni kutaura kana kudya. Aimbova neutano hwakanaka. Asi mangwanani emumwe musi muna 1997, akarwadziwa musoro zvisingaiti nechekugotsi. Murume wake akamuendesa kuchipatara, uye manheru acho akabva aenda pakoma. Akazomuka papera mavhiki maviri ari muwadhi inoiswa vanenge varwara zvakaipisisa, asisapfakanyiki uye ari pamuchina unomubatsira pakufema. Akaita mazuva mashoma asingakwanisi kuyeuka chero chii zvacho, kunyange kuzviyeuka iye pachake.

Virginia, asati ava kurwara, akabata ruoko rwemwanakomana wake, Alessandro.

Virginia anotsanangura zvakazoitika. Akati, “Zvishoma nezvishoma ndakatanga kuyeuka zvimwe zvinhu. Ndakanyengetera nemwoyo wese. Ndaisada kufa ndichisiya mwanakomana wangu mudiki asina amai. Kuti ndive neushingi, ndakaedza kuyeuka mavhesi eBhaibheri ese andaikwanisa.

“Vanachiremba vakazondibudisa muwadhi yevanenge varwarisa. Ndakazoendeswa kumba pashure pemwedzi 6 ndichipinda muzvipatara zvakasiyana-siyana. Ndaisakwanisa kufambisa muviri zvachose, uye ndaitoda kubatsirwa pazvinhu zvese. Ndakanga ndakaora mwoyo chaizvo! Ndainzwa sendisingabatsiri. Ndainetsekawo nekuti ndaisazokwanisa kurera mwana wangu.

“Ndakatanga kuverenga zvakaitika kune zvimwe Zvapupu zvaiva nemamiriro ezvinhu akafanana neangu uye ndakashamisika nezvavakakwanisa kuitira Jehovha. Izvi zvakaita kuti nditange kuva nemaonero akanaka nekuisa pfungwa pane zvandaikwanisa kuita. Ndisati ndarwara ndaiva nenguva shoma yekuita zvinhu zvekunamata. Asi iye zvino ndainge ndava nenguva yakawanda yekuita zvinhu zvekunamata zuva rega rega. Pane kuramba ndichizvinzwira tsitsi, ndakaisa pfungwa pakushumira Jehovha.

“Ndakadzidzira kushandisa kombiyuta. Ndinoshandisa purogiramu inoita kuti ndikwanise kutaipa nekufambisa musoro wangu. Zvinonetesa, asi zvinoita kuti ndikwanise kudzidza Bhaibheri, uye kuudza vamwe nezvetariro yandiinayo ndichishandisa tsamba uye mae-mail. Kuti nditaure nevanenge vari pedyo neni, ndine bhodhi rakanyorwa mabhii earufabheti. Munhu wandinenge ndiinaye anonongedzera bhii rimwe nerimwe panguva. Akanongedza risiri iro ndinovhurisa maziso; kana akanongedza chairo ndinobva ndavhara maziso. Tinoramba tichidaro tichiumba mashoko nemitsara. Dzimwe hanzvadzi dzinoita nguva yakawanda dziineni dzava nyanzvi pakufungidzira zvandinenge ndichida kutaura. Dzimwe nguva pavanorasika shoko randanga ndichida, tinobva tanakidzwa nazvo.

Virginia, akatarisa pabhodhi rine mabhii, munhu waainaye achinongedzera rimwe bhii riripo.

Kukurukura vachishandisa bhodhi rine mabhii earufabheti

“Ndinonakidzwa nekuvawo nezvandinoita pamisangano yeungano. Ndinogara ndichipinda misangano ndichishandisa zvinhu zvakadai sezoom. Ndinokwanisa kunyora mhinduro dzangu, uye mumwe munhu anozodziverenga panenge pachiitwa chikamu chemibvunzo nemhinduro. Ndinobatanawo neboka diki reZvapupu kuti tione purogiramu yemwedzi nemwedzi yeJW Broadcasting.a

“Ndava nemakore 23 ndiine chirwere chelocked-in syndrome. Dzimwe nguva ndinorwadziwa. Asi ndinokurira manzwiro iwayo andinombova nawo nekunyengetera, kuwadzana nehama, uye kugara ndiine zvekuita pakushumira Jehovha. Ndichibatsirwa neungano, ndatokwanisa kushumira sapiyona webetsero kwemakore anopfuura 6. Ndange ndichiedza kuratidza muenzaniso wakanaka kumwana wangu, Alessandro, uyo akazoroora uye ari kushumira semukuru muungano. Ari kushumirawo sapiyona wenguva dzese pamwe chete nemudzimai wake.

“Ndinowanzofunga nezvezvinhu zvandichakwanisa kuita muparadhiso. Chinhu chekutanga chandinoda kuzoita, kutaura nezvaJehovha nenzwi rangu. Ndinoda kuzomboenda kunofamba nemumhenderekedzo merwizi kuti ndingonakidzwa hangu nezvakaita nzvimbo yacho. Uye sezvo ndange ndichidya nechubhu zvinhu zvakaita mvura mvura kwemakore anenge 20 apfuura, ndinoda chaizvo kuzotemha apuro mumuti ndoriruma. Uyewo, sezvo ndiri wekuItaly, ndinotarisira kuzobika zvekudya zvandinofarira zvekuItaly, kusanganisira pizza!

“‘Tariro yeruponeso’ yandibatsira kuchengetedza pfungwa dzangu. (1 VaTesaronika 5:8) Kuzviona ndiri munyika itsva kunondipa mufaro pasinei nezvandisingakwanisi kuita, izvo zvandiine chivimbo chekuti zvava pedyo kupera. Ndamirira nemwoyo wese kuti ndiwane “upenyu chaihwo” hwakavimbiswa naJehovha kuti achatipa achishandisa Umambo hwake.”—1 Timoti 6:19; Mateu 6:9, 10.

a Link inoenda kuJW Broadcasting inowanika pajw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe