RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwex nyaya 17
  • Mafashamo Akaunza Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mafashamo Akaunza Mashoko Akanaka
  • Zvakaitika
  • Mashoko Akafanana
  • Chikepe Chinovhunika Pachiwi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mafashamo muMozambique—Nzira iyo vaKristu Vakatarisira Nayo Vakawirwa Nawo
    Mukai!—2001
  • Chimwe Chinhu Chakatadza Kukukurwa Nedutu
    Mukai!—2003
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Zvakaitika
ijwex nyaya 17
Chapupu chiri kupa mumwe munhu ‘Mukai!’ yakanzi ‘Panoitika Njodzi—Zvii Zvaungaita?’

Mafashamo Akaunza Mashoko Akanaka

Muna 2017, Zvapupu zvaJehovha 12 zvakakwira chikepe zvichibva kuMosquito kana kuti Miskito Coast iri muNicaragua. Chikepe chacho chaiva nezita rekuti Sturi Yamni. Mumwe aiva muchikepe chacho anonzi Stephen anoti, “Chinangwa chedu chaiva chekunokurudzira boka diki reZvapupu rinogara mune imwe nzvimbo iri kwayo yega tichivabatsira kuparidza mashoko akanaka mundima yavo yakakura chaizvo.”

Rwendo rweZvapupu izvi 12 rwakatangira paPearl Lagoon, uye vaizofamba kwemakiromita 200 nemurwizi runonzi Río Grande de Matagalpa. Vakanga vasingambozivi kuti zita rechikepe chavo, iro rinoreva kuti “Mashoko Akanaka” muchiMiskito, raizokosha chaizvo kuvanhu vanogara mumisha iri mujinga merwizi rwacho. Pashure pekunge vafamba maawa 12, tisingaverengi kumbozorora kwavakaita usiku, vakasvika kwavaienda, kunzvimbo inonzi La Cruz de Río Grande. Vakagamuchirwa nemufaro nehama nehanzvadzi 6 dzinogara munzvimbo yacho.

Manheru acho pane zvakabva zvaitika. Nechekunotangira rwizi rwaRío Grande de Matagalpa, kwakanaya mvura yaiva nemhepo ine simba. Pasina nguva, rwizi rwakanga rwazara uye rwakatanga kufashukira rukaramba ruchingowedzera kwemazuva maviri. Imba yeUmambo nedzimba dzakawanda muLa Cruz dzakazara mvura. Hama dzakanga dzashanya dzakabatsira vanhu vaigara munzvimbo yacho kuti vabude mudzimba dzavo. Vakawanda vavo vakaita mazuva maviri vachigara pamba pachimwe Chapupu chine imba ine nhurikidzwa.

Imba yeUmambo yemuLa Cruz. Mvura yakazara zvekusvika mumabvi.

Imba yeUmambo yemuLa Cruz yakazara nemvura

Zuva rechitatu, meya weLa Cruz akaenda kunokumbira rubatsiro kuZvapupu zvakanga zvashanya. Sezvo chikepe chavo chiri icho chega chakanga chakasimba zvekukwanisa kufamba nemurwizi urwu rwakanga rwakazara, meya wacho aida kuti vatakure vamwe vanhu vainobatsira kune dzimwe nzvimbo. Zvapupu zvakabvuma.

Mangwana acho, Zvapupu zvitatu zvakaperekedza vanhu vaya vaienda kunobatsira. Stephen anoti, “Iye zvino rwizi rwakanga rusisina kugadzikana. Miti yakakura yakanga yadzurwa yaiyangarara mumvura, uye mvura yacho yaiyerera zvine simba.” Pasinei nezvese izvi, chikepe chacho chakakwanisa kusvika kunzvimbo nhatu.

Zvapupu izvi zvitatu zvakashandisa mukana uyu kuti zvinyaradze vanhu vaigara munzvimbo idzi avo vaida kunyaradzwa chaizvo. Vakapa vakawanda vavo Mukai! ya2017 yaiva nemusoro wekuti “Kana Njodzi Ikaitika Zvii Zvatingaita?”

Vanhu ava vakatenda chaizvo kubatsirwa uye kunyaradzwa kwavakaitwa neZvapupu. Vamwe vakati, “Vanhu ava vanoda chaizvo kubatsira zvinhu pazvinenge zvakaoma.” Vamwewo vakati, “Vanoda vavakidzani zvechokwadi.” Pashure pekuona kushanda nesimba kwakaita Zvapupu kubatsira vavanonamata navo nevamwewo, vakawanda vava kuda kuteerera mashoko anonyaradza ari muBhaibheri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe