RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb17 p. 110
  • Bhaibheri muchiGeorgian

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri muchiGeorgian
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017
yb17 p. 110
A page in a Georgian Bible

Chinyorwa chechiGeorgian chekuma1300 chinonzi The Mokvi Four Gospels

GEORGIA | 1924 kusvika 1990

Bhaibheri muchiGeorgian

CHIGEORGIAN chiri pakati pemitauro yakatanga tanga kushandurirwa Bhaibheri uye mimwe yacho inosanganisira chiArmenian, chiCoptic, chiLatin nechiSyriac. Zvinyorwa zvekare zvechiGeorgian zvemabhuku eEvhangeri, zvetsamba dzaPauro uye zveMapisarema zvinonzi zvakanyorwa pakati pemakore ekuma400 C.E. kana kuti makore iwayo asati asvika. Mumazana emakore akazotevera, vanhu vakatowedzera kushandura uye kukopa Bhaibheri vachiriisa muchiGeorgian, zvikaita kuti pave neshanduro dzakawanda.a

Mabhuku uye tsika dzevanhu vekuGeorgia zvakanyanyobva pane zvinotaurwa neBhaibheri. Semuenzaniso, nyaya inosuwisa yamambokadzi Shushanik, iyo ingangodaro yakanyorwa makore ekuma400 ava kunopera, inewo mavhesi uye mashoko akatorwa muBhaibheri kana kuti anotsanangura dzimwe ndima dzeBhaibheri. Munhetembo yake yakareba chaizvo inonzi Vepkhvistqaosani (The Knight in the Panther’s Skin), yakanyorwa munenge muna 1220, mudetembi anonzi Shota Rustaveli akataura nezvetsika dzinofanira kutevedzerwa nevaKristu. Akataura nyaya dzakadai seushamwari, kuva nerupo uye kuratidza rudo kuvanhu vatisingazivi uye tsika idzi dzichiri kukosheswa nevanhu vechiGeorgian.

a Kuti uwane mamwe mashoko ona nyaya yakanzi, “Pfuma Yakavanzwa Kwemazana Emakore,” iri muNharireyomurindi yaJune 1, 2013.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe