INDONESIA
Ndakapotsa Ndaurayiwa Nevapanduki vechiCommunist
Ronald Jacka
AKABEREKWA MUNA 1928
AKABHABHATIDZWA MUNA 1941
NHOROONDO YOUPENYU Akashanda semuranda webazi muIndonesia kwemakore anopfuura 25.
MANGWANANI-NGWANANI emusi wa1 October 1965, masoja ainge akabatana nebato rainzi Indonesian Communist Party (PKI) akauraya vakuru vakuru 6 vemasoja uye iyi yaiva nzira yekuda kupidigura hurumende. Hurumende yakabva yangotanga kurwisa vapanduki vacho. Munyika yacho yese makava nebongozozo rakaguma nekuurayiwa kwevanhu vanenge 500 000 vaifungidzirwa kuti ndevebato racho.
Pashure pemavhiki akati kuti izvi zvaitika, mumwe mukuru wemasoja akandiudza kuti zita rangu rakanga rakanyorwa pekutanga chaipo pamazita evatungamiriri vemachechi vemunharaunda yedu vaida kuurayiwa nemacommunist. Akatoti aida kunondiratidza guva randakanga ndachererwa, asi ndakamurambira zvinyoro nyoro. Panguva iyi yainyanya kupisapisa nyaya dzezvematongerwo enyika, ndakanga ndisingadi kuonekwa ndichifamba naye nekuti zvaizoita kuti vanhu vanondiona vafunge kuti ndava nedivi randinotsigira mune zvematongerwo enyika.