ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA
“Taona Zvinhu Zvinoshamisa”
Hama isingaoni inobhabhatidzwa
JESU paakaporesa mumwe murume ainge akaoma rutivi rwemuviri, “munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, ‘Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.’” (Ruka 5:25, 26, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Zviri kuitwa naJehovha mazuva ano achishandisa Mwanakomana wake waanoda, muranda akatendeka, akangwara, uye vanamati vake vakatendeka pasi rese zvinoita kuti titaurewo kuti: “Taona zvinhu zvinoshamisa.”