Rugwaro Rwegore rwa2015
“Ongai Jehovha, nokuti akanaka.”—Pisarema 106:1
Pashure pekunge vaIsraeri vanunurwa mumaoko aFarao neuto rake paGungwa Dzvuku, vaifanira kuonga Jehovha. Isuwo tinogona kuonga Jehovha. Patinosangana nemiedzo zviri nyore kuti tiore mwoyo. Panguva dzakadaro tinogona kunyaradzwa uye kusimbiswa nekufungisisa zvikomborero zvatiinazvo.
Chimwe chezvikomborero zvatiinazvo itariro yekuti tichanunurwa pazvinhu zvese zvinotirwadza uye zvinotitambudza. Chero tikasangana nematambudziko akadii, tinoziva kuti Jehovha haazombotisiyi. Mufudzi wedu ane rudo anotipa zvese zvatinoda kuti timushumire takatendeka. Haazombotadzi kuva “nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu, rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.” (Pis. 46:1) Tikaramba tichifungisisa nezvezvikomborero izvozvo, tichakwanisa kutsungirira kunyange matambudziko anorwadza zvikuru. Gore rino rose ngatirambei tichifungisisa zvikomborero zvatiinazvo, zvoita kuti ‘tionge Jehovha, nokuti akanaka; nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.’—Pis. 106:1.