RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb15 p. 168-p. 169 ndim. 3
  • Kuwana Chinangwa Muupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Chinangwa Muupenyu
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Mashoko Akafanana
  • Vakatanga Zvemishonga
    Mukai!—2000
  • Takarera Vana Vasere Muchirango chaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kuparidzirwa Munyika Yose Kwamashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Jehovha Akandipa Zvinopfuura Zvandaikodzera Kuwana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
yb15 p. 168-p. 169 ndim. 3

DOMINICAN REPUBLIC

Kuwana Chinangwa Muupenyu

José Estévez

  • AKABEREKWA MUNA 1968

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1989

  • NHOROONDO YOUPENYU Semukomana wechiduku aida kurarama upenyu huri nani, José akatama achibva kumaruwa achienda kuguta. Akadzidza chokwadi ari ikoko uye ava nemakore akawanda achishingaira kuisa Umambo hwaMwari pekutanga.

Mufananidzo uri papeji 168

PAAKATAMIRA kuSanto Domingo aine makore 11, José akaita mabasa akadai sekushainisa bhutsu, uye kutengesa shaved ice nemaorenji kuti awane cheuviri. Paakazova mujaya, akanga ava kuzivikanwa semunhu anoshanda nesimba chaizvo. Pashure pemakore akati kuti, mukoma wake, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akamukumbira kuti achengete pamba pake. José akaona bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano riri patafura muimba yekudyira, uye akaita usiku hwese achiriverenga. Akaona kuti ainge awana chimwe chinhu chaiita kuti upenyu hwake huve nechinangwa.

Vhiki rakatevera, José akaenda paImba yeUmambo yaiva pedyo achiita semumwe weZvapupu zvaJehovha. Akaudza hama kuti akanga adzidza kuti anofanira kupinda misangano uye kuparidza mashoko akanaka. Akavaudzawo kuti paakaverenga bhuku raKurarama Nokusingaperi, akadzidza nezvezvinhu zvisingafaniri kuitwa nevaKristu, uye kuti akanga asingaiti zvinhu zvakadaro. Pashure pemazuva 15, José akabvumirwa kuva muparidzi, ndokuzobhabhatidzwa papera mwedzi mitanhatu, ava nemakore 21.

Sezvo purogiramu yebasa raJosé yaibonderana neyemisangano, akasiya basa rake kuti aite rimwe raimupa mari shoma yaipinda ka4 mune yaaimbotambira. Ainge ava nenguva yekupinda misangano uye kuita upiyona hwenguva dzose. Zvisinei, aroora uye ava nevana vaviri, akanga ava kufanira kumbomira kupayona.

José aida chaizvo kudzidzisa vana vake chokwadi kubva vachiri vacheche. Saka, mudzimai wake, Josefina, paaiva nepamuviri pemwedzi mitatu pemwana wavo wekutanga, Noé, José aiverenga Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri zvinonzwika, achitarisira kuti mwana wacho aigona kumunzwa ari mudumbu. Noé paakazoberekwa, José ainge atomuverengera bhuku racho rese. Ndizvo zvaakaitawo pamwana wavo wechipiri, Neftalí.

Nekufamba kwenguva, José akava maneja mukuru werimwe bhizimisi achitambira mari yakapetwa kagumi pane yaaiwana pabasa raaimboita. Zvisinei, muna 2008, mwanakomana wake wekutanga paakanga ava nemakore 13 mudiki wacho aine 10, José akasiya basa rekuva maneja ndokutangazve upiyona hwenguva dzose. Iye zvino akanga ava kupayona nemhuri yake yese. Sezvo mari yaaiwana yainge yadzikira chaizvo, mhuri yese yaitofanira kudzidza kurarama nemari shoma. Vese vari vana vanoitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge 30 mwedzi wega wega. Jesu akavimbisa kuti kana tikatanga kutsvaka Umambo, Jehovha achatikomborera. (Mat. 6:33) José nemhuri yake vakavimba nevimbiso iyoyo uye vakazvionera kuti Jehovha anozadzisa shoko rake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe