RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 pp. 14-17
  • JW.ORG—“Uchapupu Kumarudzi Ose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • JW.ORG—“Uchapupu Kumarudzi Ose”
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
  • Mashoko Akafanana
  • Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Yakagadzirirwa Kuti Itibatsire Uye Ibatsirewo Vamwe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Shandisa jw.org Muushumiri​—“Iva Shamwari yaJehovha”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Shandisa Nzvimbo Yedu yepaIndaneti Muushumiri—“Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Rubatsiro Ruripo
    Mukai!—2020
Ona Zvimwe
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 pp. 14-17
Mufananidzo uri papeji 15

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

JW.ORG—“Uchapupu Kumarudzi Ose”

Jesu akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mat. 24:14) Nzvimbo yokubudisira mashoko paIndaneti yejw.org iri kunyatsoshanda zvakanaka zvikuru pakusvitsa mashoko akanaka “kumarudzi ose” munguva pfupi yasara mugumo usati wasvika.

Mumwe murume nemudzimai wake vari mamishinari kuSolomon Islands vaiparidza mumusha uri pedyo negungwa kunobatwa hove pavakaita mahwekwe nevarume vana vati kurei. Vakaona kuti varume vacho vaiva nemaserura, saka mamishinari acho akavabvunza kuti vaigona here kushandisa Indaneti. Vakati vaigona. Murume wacho nemudzimai wake vakabva vavaratidza kuti vangasvika sei pajw.org, vangawana sei mutauro wavo, vangatora sei magazini neBhaibheri ipapo, uye kuti vangashandisa sei chikamu chine nyaya dzemhuri nedzevana. Mamishinari aya paanenge ari mubasa rokuparidza, anonakidzwa nokuratidza vana vhidhiyo inonzi, Pray Anytime. Pashure pokunge vamwe vana vanakidzwa nokuona vhidhiyo yacho, vakamhanya vachipinda musango vachiimba kuti, “Anytime, anywhere, I can pray . . . ”

Mufananidzo uri papeji 17

Ulaanbaatar, Mongolia

Dzinotevera dzinongova tsamba shoma pane dzakawanda dzokuonga dzave dzichigamuchirwa kumahofisi edu makuru enyika yose kuNew York:

“Ini nemurume wangu takatamira kuMexico, uye tiri kuedza kudzidza chiSpanish kuti tikwanise kuparidzira munhu wese watinosangana naye. Pese pandinoenda pajw.org, ndinoonga Jehovha nokuti yave ichindibatsira kuteerera nekudzidza. Pane zvakawanda chaizvo zvinowanikwa ipapo​—magazini, mabhuku, mimhanzi uye mitambo—​mumitauro yakawanda zvikuru. Ndinokuongai uye ndinokudai nemhaka yebasa guru iroro ramuri kuita.”​—D.H., Mexico.

“Handinyatsooni, asi ndinoda chaizvo Nzvimbo yenyu yokubudisira mashoko paIndaneti nokuti pane zvakawanda zvikuru zvakarekodhwa zvandinogona kuteerera. Ndiri kukunyorerai kuti ndikukurudzirei kuti murambe muchigadzira mabhuku, mabhurocha nezvimwe zvinyorwa zvenyu zvakawanda ari maMP3 (okuteerera) nokuti ndinogona kuzviteerera muswere wese wezuva.”​—K.G., United States.

“Ndinoda jw.org! Iri nyore kushandisa uye yakandikurudzira kuti ndiwedzere kushingaira pakudzidza ndiri ndoga uye muushumiri hwangu. Ndine makore 72, ndine makore 47 ndabhabhatidzwa, uye ndapayona kwemakore anodarika 30. Ndiri amai vane vana 9 vakabhabhatidzwa uye ndine vazukuru 16 nevazukuruchibvi 3. Vamwe vana vangu nevazukuru uye vazukuruchibvi mapiyona enguva dzose. Ndinoonga Jehovha nemhaka yezvokudya izvi zvokunamata zvinowanikwa panguva yakakodzera.”​—M.T., United States.

“Ndiri kunyora tsamba ino nenguva dza4:00 mangwanani. Ndinowanzopedza usiku hwese ndakasvinura nekuti ndine chirwere chemultiple sclerosis nezvimwewo zvirwere, sezvinongoitawo hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda zvikuru mupasi rose. Jehovha anoramba achititarisira pane zvokunamata, ndokusaka ndiri kuda kukutendai. Mifananidzo inondibatsira pakufunga, ndokusaka magadzirirwe akaitwa Nzvimbo yacho yokubudisira mashoko paIndaneti akandinakira. Ndinoonga zvikuru machati, tumavhidhiyo, nemapikicha zvose zvinoratidzwa nemashoko akajeka.”​—B.B., New Zealand.

“Ndiri kunyora kuti ndikutendei. Ndinoshanda sachiremba mune imwe nzvimbo iri kwayo yoga muSri Lanka, kwandisingawani magazini mumutauro wangu. Asi nemhaka yeNzvimbo yenyu yokubudisira mashoko, ndinokwanisa kuatora uye kuaverenga mumutauro wangu. Nzvimbo yenyu yokubudisira mashoko ndechimwe chezvipo zvakanakisisa izvo Jehovha akapa vanhu vakaita seni.”​—N.F., Sri Lanka.

“Ndiri kunyora tsamba ino kuti ndikutendei nebasa rose rakakura ramunoita kuti mubatsire vanhu kudzidza nezvaJehovha. Ndapota rambai muchigadzira mavhidhiyo epajw.org. Mavhidhiyo iwayo akandibatsira ini nevemumhuri medu paimuka matambudziko. Vhidhiyo yakanyanya kundibatsira ndeyokuti, Beat a Bully Without Using Your Fists. Ndinokutendai zvakare nebasa renyu rakakura.”​—Y.S., ane makore 9, United States.

“Ndinoda kukutendai imi naJehovha nezvokudya zvokunamata zvatiinazvo. Nzvimbo yokubudisira mashoko yejw.org yave ichindibatsira zvikuru, kunyanya chikamu che‘Vari Kuyaruka.’ Ndinofarirawo zvinogara zvichibuda pakanzi, Iva Shamwari yaJehovha. Ndine vanin’ina vangu vatatu, uye ndinoona kubatsirwa kwavanoitwa nemashoko aya. Pasinei nokuva kure nemi, takabatana pakunamata nokuti tose tinoda Jehovha. Ndinokutendai.”​—A.B., Peru.

Zviri paJW.ORG Uye Zvinoitika Ipapo

  • Inowanika mumitauro 316

  • Nhamba yemapeji ari panzvimbo yacho anosvika 220 000 kana kupfuura

  • Zvinyorwa zvinoita kutora zvinowanika mumitauro 600

  • Vanokumbira kudzidza Bhaibheri pazuva munyika dzinodarika 230 vanosvika 130

  • Mavhidhiyo anoonekwa pamwedzi anosvika mamiriyoni 5 kana kupfuura

  • Zvinhu zvinotorwa pazuva zvinosvika mamiriyoni 1,5

  • Pazuva, munyika dzinodarika 230 inoshanyirwa ka900 000 kana kupfuura

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe