RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb14 pp. 146-147
  • Piyona Wenguva Dzose Aimbova Musoja Achiri Mudiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Piyona Wenguva Dzose Aimbova Musoja Achiri Mudiki
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2014
yb14 pp. 146-147

SIERRA LEONE NEGUINEA

Piyona Wenguva Dzose Aimbova Musoja Achiri Mudiki

Mufananidzo uri papeji 147

NDAIVA nemakore 16 masoja evapanduki paakandimanikidza kujoina uto ravo. Vaindipa madhiragi nedoro, uye ndaiwanzorwa ndakadhakwa nemadhiragi. Ndakarwa hondo dzakawanda uye ndakaitira vanhu utsinye husingatauriki. Izvi zvinoita kuti ndizvidembe zvikuru.

Rimwe zuva chimwe Chapupu chakwegura chaiparidzira pakamba yedu. Vanhu vakawanda vaititya uye vaitivenga zvikuru isu vapanduki, asi Chapupu chacho chaiedza kutibatsira mune zvokunamata. Pachakandikoka kumisangano, ndakabvuma. Handiyeuki zvakataurwa kumisangano yacho, asi ndinonyatsoyeuka kugamuchirwa kwandakaitwa noushamwari.

Hondo payakatsviriridza, handina kuzoonanazve neZvapupu. Ndakabva ndakuvara zvakaipisisa ndokuendeswa kunzvimbo yaiva mumaoko evapanduki kuti ndinopora ndiri ikoko. Hondo isati yapera, ndakatizira kune imwe nzvimbo yaiva mumaoko ehurumende, ndokupinda muchirongwa chaibatsira varwi kuti vakande zvombo pasi, vasiye basa rechiuto uye vagarisanezve zvakanaka nevamwe.

Ndaida chaizvo kubatsirwa mune zvokunamata. Ndakapinda chechi dzemweya, asi nhengo dzacho dzainditi Satani ari pakati pavo. Saka ndakatanga kutsvaka Zvapupu zvaJehovha. Pandakazviwana, ndakatanga kudzidza uye kupinda misangano. Pandakareurura mabasa angu akaipa, hama dzakandiverengera mashoko aJesu anonyaradza okuti: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda. . . . Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.”​—Mat. 9:12, 13.

Mashoko iwayo akandibaya mwoyo zvikuru! Ndakapa hama yaindidzidzisa Bhaibheri banga rangu, ndichiti: “Ndaichengeta banga iri kuti ndizvidzivirire pavanhu vaizotsiva zvandakaita. Asi iye zvino zvandava kuziva kuti Jehovha naJesu vanondida, handichadi kutomboriona.”

Hama dzakandidzidzisa kuverenga nokunyora. Ndakazobhabhatidzwa ndokuva piyona wenguva dzose. Mazuva ano, pandinoparidzira vamwe vaimbova vapanduki, vanoti vanondiremekedza pamusana pokuchenesa kwandakaita upenyu hwangu. Ndakatodzidza Bhaibheri nemutevedzeri wemukuru mukuru weboka rechiuto randaimbova.

Pandaiva musoja, ndakava nevanakomana vatatu. Pashure pokunge ndadzidza chokwadi, ndaida kuvabatsira mune zvokunamata. Ndakafara kuti vaviri vavo vakaratidza kufarira! Mumwe wevanakomana vangu muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye mwanakomana wangu mukuru ava piyona webetsero.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe