Mushumo Wepasi Pose
◼ EUROPE
Nhamba yenyika: 46
Nhamba yevanogara imomo: 728 162 887
Nhamba yevaparidzi: 1 476 554
Nhamba yevanodzidza Bhaibheri: 697 044
Zvingatora nguva refu zvikuru kuti mumwe munhu azova chapupu. Muna 1951, Steponas akanga achipika jeri ari mumusasa uri kuKazakhstan nokuti akanga asungirwa zvematongerwe enyika. Imomo aishanda naEdvardas, Chapupu chechiduku chaishingaira chaibva kuLithuania chakanga chasungirwa kudhinda magazini eNharireyomurindi. Edvardas akamuudzawo tariro yake inobva muBhaibheri, uye Steponas akagutsikana kuti akanga awana chokwadi. Muna 1955, Steponas akasunungurwa. Pavakaparadzana, Edvardas akati kwaari: “Zvimwe tichazosanganazve nerimwe zuva.” Kunyange zvazvo Steponas akanga asina kubhabhatidzwa, Soviet State Security Committee yaidavira kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mapurisa akapinda mumba make nechisimba, akatora mapepa akanga akarongwa kero dzehama. Izvi zvakabva zvaita kuti asaonanazve nevanhu vaMwari.
Makore makumi mana nemanomwe akapfuura. Munguva yose iyoyo, Steponas aigara mumusha muduku uri muLithuania iri nechokuchamhembe makanga musina Zvapupu. Muchirimo cha2002, akakwanisa kuwana mabhuku, akatumira fomu rokukumbira mamwe mashoko kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha iri muLithuania achikumbira bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Anotsanangura kuti: “Ndakatumira fomu racho rokuwana mamwe mashoko, ndichitarisira kuti ndaizogona kuonanazve nehama.” Mapiyona maviri akaroorana akaenda kunomuona uye kuti anodzidza Bhaibheri naye. Gare gare, risingasviki gore, Steponas akabhabhatidzwa ava nemakore 80.
Akazombosangana here naEdvardas, uyo akanga ataura kweinenge hafu yezana remakore yakanga yapfuura kuti: “Zvimwe tichazoonanazve nerimwe zuva”? Chokwadi, akasangana naye! Pazuva rakatevera, pashure pokunge abhabhatidzwa, varume ava vaviri, zvino vakanga vava hama dzinonamata pamwe chete, vakambundirana noushamwari uye vakafara kwazvo.
MuBritain, Tim naSam, vose vane makore 11 uye vari vaparidzi vasina kubhabhatidzwa, vakanga vachiita basa romumunda vaina amai vaTim. Vakomana vacho vaida mabhegi matsva okutakurira maBhaibheri avo nemabhuku, asi vakanga vasina mari. Pakutanga, vasati vatanga basa romumunda zuva iroro, vanaamai vevaparidzi vacho vaduku vakanyengetera nezvenyaya yacho. Paimba yokupedzisira yaifanira kushanyirwa mangwanani iwayo, Tim akataura nasaimba wacho uye akamuverengera ndima yeBhaibheri. Iye achiri kutaura mukadzi wacho akamubvunza kuti aiva wechitendero chipi. Tim paakapindura kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, mukadzi wacho akamutuka, uye akati kuna amai vake aisanzwisisa nei Zvapupu zvichirega vana vazvo kuti vafe pane kuti vavabvumire kuwedzerwa ropa.
Amai vaTim vakakumbira kuti mukadzi wacho abvunze vakomana vacho kuti vainzwa sei pamusoro peizvi, uye akaita izvozvo. Tim akatsanangura kuti nguva dzose aizosarudza kumwe kurapa pane kuita zvinopesana nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri. Sam akabva ataura kuti hanzvadzi yake yakanga yagamuchira kumwe kurapa uye yakanga yaita zviri nani pane varwere vakanga vawedzerwa ropa.
Saimba wacho akatendeukirazve kuna amai vaTim. Panguva ino akataura kusafara kwake nokuenda nevana vaduku paimba neimba. Vakomana vacho vari vaviri vakapindura kuti vainakidzwa nokuparidza, vachiwedzera kuti vaida izvi pane kungomberereka nemigwagwa sevamwe vezera ravo. Abayiwa mwoyo nokupindura kwavo, saimba wacho akakumbira vakomana vacho kumbomira zvishoma iye achipinda mumba make. Vakashamiswa kwazvo paakadzoka, akapa mumwe nomumwe wavo bhegi idzva rakanaka reganda, rakanakira ushumiri hwavo! Aitengesa mabhegi kuti awane chokurarama nacho. Kuchinja mafungiro kwake kwakaita kuti vakomana vacho varonge kuzoshanyazve. Pavakanga vava kuenda, amai vasaimba wacho vane makore 94, vakanga vakateerera, vakauya kumusuo, vakakumbira amai vaTim kuti vazovashanyira kumba kwavo.
Dzimwe hanzvadzi mbiri dzaiva mubasa romumunda dzakaona mashoko anotevera akanamirwa panomira bhazi muPortugal: “Ndiri mudzidzi ari kudzidza nezvokushanda kwepfungwa ari kugadzirira kunyora nhoroondo panyaya yokutenda mashura. Kana muchikwanisa kundibatsira, ndapota, pindurai nomukombiyuta muchishandisa kero inotevera . . . ” Masikati iwayo hanzvadzi dzacho dzakanga dzichiratidza vanhu nyaya yaiva muNharireyomurindi yaiva nomusoro unoti “Kudavira Mashura Kunodzora Upenyu Hwako Here?” Naizvozvo dzakasarudza kumupindura dzichimuudza nezvemagazini iyi.
Svondo rimwe chete gare gare mukadzi akanga anamira mashoko acho akadzitumira mhinduro inotevera: “Ndinoonga kuti mune hanya. Ndine urombo nokunonoka kupindura. Ndingada kugamuchira magazini yamakataura nezvayo. Nguva pfupi yapfuura, pose pandaisvikwa neZvapupu, ndaiva muchimbichimbi chokuenda kubasa kana kuti kunokwira bhazi uye handina kukwanisa kutaura nazvo. Ndinonzwisisa kuti munoitisa kosi dzeBhaibheri, uye ndinofarira kuitiswa kosi iyoyo.”
Hanzvadzi dzacho dzakati: “Patakashanya kokutanga, akabvunza mibvunzo mizhinji. Takamupa bhuku raZivo, tikaronga kudzidza naye Bhaibheri. Anogara akagadzirira zvakanaka chidzidzo chake uye iye zvino ari kupinda misangano yose yeungano.”
Achipupurira mumugwagwa, Lina, muparidzi ari muguta riri muGermany nechokumaodzanyemba, akasvikwa nomumwe mukadzi anonzi Tatjana. “Mandiziva here?” Tatjana akabvunza. Lina akapindura kuti akanga asina kumuziva. “Izvozvo hazvimboshamisi,” akapfuurira kudaro Tatjana. Takangosangana kamwe chete, makore mashanu apfuura.” Akapfuurira kutsanangura kuti: “Muchirimo cha1998, makauya kuzotaura neni mumugwagwa mukandipa bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Handina kukupindurai zvakanaka, asi mutsa wenyu noushamwari hwenyu zvakaita kuti ndide kuenda nebhurocha racho kumba ndokuriverenga. Zvaiva imomo zvakandibaya mwoyo chaizvo.” Gare gare, Zvapupu zviviri zvakanga zvisingazivi Lina zvakashanya kumba kwaTatjana. Tatjana akabvuma kudzidza Bhaibheri nokuda kwezvaakanga averenga mubhurocha racho. Paakasanganazve naLina, muna 2003, akanga atova Chapupu chakabhabhatidzwa. Kutaura zvazviri, iye pamwe chete naLina vakanga vari mapiyona ebetsero mwedzi iwoyo!
Imwe hanzvadzi muPskov, Russia, yakagamuchira kubva kuhofisi yebazi kero yomumwe murume aigara munzvimbo iri kure. Zvakaitorera nguva refu kusvika kunzvimbo iyi. Payakazosvika, yakaziva kuti murume wacho akanga asina kuziva kuti akanga akumbira kudzidza Bhaibheri. Pane kamwe kamba komumugwagwa kanotengeserwa mapepanhau iye akanga atenga magazini yakanga iine fomu rokukumbira mamwe mashoko rakanga ratorwa mune rimwe rematurakiti edu raishandiswa sechiratidzo chepeji yakati mubhuku. Murume wacho akafunga kuti pane mubayiro waizopiwa, naizvozvo akatumira fomu racho achitarisira kuhwina chimwe chinhu. Hanzvadzi yacho yakapindura kuti: “Mahwina kudzidza Bhaibheri pachena!” Murume wacho nemhuri yake vakaratidza kufarira, uye vakatanga kudzidza Bhaibheri. Vanodzidza kaviri pamwedzi, sezvo mhuri yacho ichigara kure nomusha wehanzvadzi yacho.
◼ OCEANIA
Nhamba yenyika: 30
Nhamba yevanogara imomo: 34 355 946
Nhamba yevaparidzi: 93 718
Nhamba yevanodzidza Bhaibheri: 47 270
Alyce ane makore gumi nemana anogara kuAustralia, aishandisa nyaya dzomumagazini edu pakugadzirira basa raaipiwa kuchikoro. Imwe vhiki akanyora rondedzero pamusoro pomubvunzo waiti, “Nyika Ino Yakananga Kupi?” Yaitsanangura zvinorehwa nenguva yedu maererano nouprofita hweBhaibheri. Mudzidzisi wake akamubvunza kuti aiva wechitendero chipi. Alyce akatsanangura kuti akanga achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye akapa mudzidzisi wake mamwe emagazini edu kuti averenge.
Kunyange zvazvo zvose izvi zvakafadza mudzidzisi wacho, mumwewo mudzidzisi akaedza kunyengetedza mudzidzisi waAlyce kuti asiyane nazvo. Zvisinei, pashure pokunge aona kuzvibata kwakanaka kwaAlyce kwemwedzi mishomanana, mudzidzisi wake akasarudza kuwanazve mamwe mashoko. Achinetseka kuti Alyce angave achibatanidzwa nekachitendero kane ngozi, akaenda kuraibhurari yomunzvimbo imomo, akakwereta bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari. Akaverenga bhuku racho rose mukupera kwevhiki kumwe chete! Agutsikana kuti akanga awana chokwadi, akafonera amai vaAlyce kuti vamupe mamwe mabhuku uye akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Mumwedzi mumwe chete, akanga ava kupinda misangano yose uye akanga anyengetedza murume wake naamai vake kuti vapinde misangano yemusi weSvondo. Ivowo vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vari kufambira mberi zvakanaka. Mumwedzi mitatu, mudzidzisi wacho akava muparidzi asina kubhabhatidzwa uye akapa hurukuro yake yokutanga yomudzidzi muChikoro chaMwari Choushumiri. Mwedzi mishomanana gare gare, Alyce nomudzidzisi wake, Linda, vakabhabhatidzwa pamusi mumwe chete.
Fungidzira uchigara pachitsuwa uchingova munamati waJehovha uri woga! MuMarshall Islands, iyoyo ndiyo nhamo yeimwe hanzvadzi ine murume akabvuma kunoshanda kuchitsuwa cheMejatto. Vavakidzani vakaikoka kuti iende kuchechi yeProtestant, asi yakaramba. Pane kudaro, iyo yakaomerera pakudzidzisa vana vayo ichishandisa Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Yaitaurawo zvainotenda nevavakidzani vayo, yakatakura gotwe rayo zvayaienda pasuo nesuo. Pakupedzisira, vamwe vakaratidza kufarira, uye iyi hanzvadzi iri kwayo yoga iri kudzidza Bhaibheri nevanoverengeka iye zvino, ichishandisa bhurocha raAnodei. Mwedzi mumwe nomumwe inotumira mushumo webasa romumunda kuyaichimbova ungano yayo. Pamwe chete nevana vayo, inoita nzendo refu nechikepe kuti inopinda Chirangaridzo nemagungano zvinoitirwa pachitsuwa cheEbeye. Vari muungano iri muEbeye vanoitumira tsamba dzokuikurudzira, vachirondedzera zvakaitika mubasa romumunda nezvinhu zvavanenge vadzidza pamisangano. Ivowo, vanokurudzirwa nomuenzaniso wokutenda kwehanzvadzi iyi iri kwayo yoga.
Misha mizhinji iri kure nevoruzhinji muPapua New Guinea haina magetsi. Vanhu ikoko vanoshandisa magwenya emagetsi kana mabhatiri kuti vashandise midziyo yemagetsi. Kuti ibatsire vaya vari mumusha wayo kunzwisisa zvakawanda nezveBhaibheri, imwe hanzvadzi yakanga ichangobva kubhabhatidzwa yaida kuratidza mavhidhiyo akabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Pashure pokuwana mari nokutengesa zvayakanga yarima, yakaenda kune mumwe muzvinabhizimisi wechikadzi aiva neterevhizheni, VCR, uye gwenya remagetsi kuti ikumbire kana yaizogona kuhaya zvinhu zvitatu izvi. Hanzvadzi yedu yakatsanangura kuti yaida kukoka musha wose kuti uzoona mavhidhiyo anotaura nezveBhaibheri ayaifunga kuti aizovabatsira pane zvokunamata. Muzvinabhizimisi wacho wechikadzi akabva aderedza mutengo wacho zvikuru, achitaura kuti naiyewo aida kuona mavhidhiyo acho. Anenge munhu wose mumusha wacho akauya. Pashure, vazhinji vakataura kuti vakanga vasingambozivi kuti basa reZvapupu zvaJehovha raiitwa kwose kwose zvakadaro. Vakabayiwawo mwoyo noukama hwehama munyika yose, chinhu chavakanga vasina kumboona muchechi yavo. Hanzvadzi yacho yakakokwa kakawanda kudzimba dzevanhu vakanga vamboramba kutaura neZvapupu asi zvino vakanga vava kuda kudzidza zvakawanda pamusoro pezvatinotenda.
PaSavaii, chitsuwa chikuru cheSamoa, vamwe vatungamiriri vomunzanga vakarambidza Zvapupu zvaJehovha kuparidza mumisha yavo. Imwe hanzvadzi inogara mumusha wakadaro yakaramba yakaomerera pachokwadi pairongwa mariro emwanakomana wayo. Mariro acho zvaaizoitirwa pamba payo, hama nehanzvadzi dzokune dzimwe ungano mbiri dziri pachitsuwa chacho dzakabatsira kuchenesa imba nechivanze uye kuronga kuti pave negwenya remagetsi. Vanhu vomumusha wacho vakaona rubatsiro urwu rworudo. Marongero uye maitiro ayo hama dzakaita mariro acho zvakanga zvakasiyana zvikuru netsika yomuSamoa.
Mazuva maviri pashure pemariro acho, dare romumusha macho rakaita musangano rikakurukura chiitiko chacho. Nhengo dzaro dzose dzakabayiwa mwoyo nokubatsira kwakanga kwaita Zvapupu mhuri yacho, mariro asati aitwa uye pashure. Vanasabhuku vakabayiwa mwoyo zvikuru nemaitirwo akaitwa mariro acho zvokuti vose vakabvumirana kuchinja tsika dzemariro kuti dzive Faa-Molimau a Ieova (Maitiro eZvapupu zvaJehovha). Mazuva maviri gare gare, Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaKristu chakaitirwa muImba yoUmambo duku iri kure nemakiromita mashomanana. Tumarori tutatu twakatakura mhuri dzomumusha uyu kuti dzinopinda chirangaridzo. Zvino hama dzedu nehanzvadzi dzinoparidza norusununguko mumusha uyu, mumwe wemisha mikuru kwazvo pachitsuwa chacho. Mapiyona chaiwo maviri ari kudzidza Bhaibheri nevanhu vatanhatu imomo. Chidzidzo cheBhuku Cheungano hachingopindwi nevagari vomumusha wacho vanofarira, asiwo nasabhuku wacho.
MuFiji rimwe jaya rakanga rakagara pasi pomuti richifunga nezvoupenyu hwaro uye ramangwana. Rakakumbira mumwe munhu aipfuura kuti agare naro. Sezvineiwo munhu wacho aipfuura aiva hama, iyo yakashandisa mukana wacho kuparidza. Kunyange zvazvo jaya racho rakanga ratonzwa nezvechipikirwa cheBhaibheri chepasi rinenge riri paradhiso, kukurukurirana kwarakaita nehama yacho kwakamutsidzira kufarira kwaro. Rakasarudza kudzokera kuchitsuwa kwaigara amai varo ndokutanga kudzidza Bhaibheri. Parakangosvika ikoko, nhengo dzemhuri dzaishora kutenda kwaro kutsva dzakaparadza zvirimwa zvarakanga ratanga kurima. Sabhuku womumusha wacho akabva arirayira kubva imomo, achiti vaisazobvumira chimwe chitendero kunze kwechavo. Jaya racho rakabva raenda kumusha kwababa varo pane chimwe chitsuwa. Ikoko rakagadzira igwa nemarata matsaru, uye vhiki imwe neimwe raikwasva makiromita anoverengeka richiyambuka makungwa asina kugadzikana kuti rinosangana neZvapupu. Rakaramba richishorwa nemhuri, uye rakamanikidzwa kugara kwaro roga pane chimwe chikamu chakanga chisingagari vanhu pachitsuwa chacho. Pakupedzisira, rakakwanisa kutamira kuchitsuwa chikuru, pedyo neungano huru. Riri kuramba richifambira mberi pane zvokunamata somuparidzi asina kubhabhatidzwa.
◼NYIKA DZEAMERICA
Nhamba yenyika: 56
Nhamba yevanogara imomo: 857 137 983
Nhamba yevaparidzi: 3 095 083
Nhamba yevanodzidza Bhaibheri: 2 898 369
Mumwe musi neSvondo mangwanani muna September 2002, imwe hanzvadzi muUnited States yakadzokera kunoshanyira mumwe muridzi wechitoro. Zvaakanga aine basa achitarisira vatengi panguva iyoyo, hanzvadzi yacho yakafamba-famba muchitoro chacho. Yakaona mumwe mukadzi akapinda imomo achikurumidza kuti atenge mala, chinhu chechiHindu chakafanana nerozari yeKaturike. Mala zvuma zvishava zvinenge zvakadungirwa patambo zvinoshandiswa kudzokorora minyengetero inoitirwa vanamwari vazhinji vechiHindu. Mukadzi wacho, anonzi Shwe, akaita sokuti aitsvaka mala yaaida, uye panguva iyoyo hanzvadzi yedu ndipo payakaenda kunotaura naye, ikati: “Pamusoroi. Ndingabvunzawo here, mala iyoyo yakagadzirwa nomuti unonzi sandalwood here?”
“Hongu! Ndave ndichinyengetera kuna mwari kuti ndiwane mala yakanaka, uye ndaiwana nhasi. Nhuhwidzai munzwe!”
“I-i-i, inonhuhwirira zvakazonaka! Muchaishandisa kunyengetera kuna mwari upi?”
“Dzimwe nguva kuna Ganesa kana kuti kuna Siva kana kuti kuna Durga. Ndichanyengetera kwavari ndichishandisa mala iyi.”
“Regai ndibvunzewo, Mati mawana here kuti ndoupi mwari mukuru pana ivavo?”
“Izvozvo zvinondivhiringidza. Handizivi kuti mwari mukuru pana ivava ndoupi.”
“Ndaichimbovhiringidzikawo pandaiva muHindu uye pandainamata vanamwari ivavo. Asi iye zvino ndinoziva kuti Mwari wemasimba ose ndoupi. Regai ndikuratidzei. [Hanzvadzi yacho inoverenga Pisarema 83:18.] Jehovha Mwari ndiye Wemasimba ose panyika pose. Iye mukuru kuna Siva, Ganesa, uye Durga. Ndinogona kukudzidzisai pamusoro paMwari wemasimba ose pasina kana sendi ramunobhadhara.”
“Mungandidzidzisa pamusoro paMwari wechokwadi here? Nhasi minyengetero yangu yose yapindurwa!”
“Sei?”
“Ndave ndichinyengetera zuva nezuva kuti ndiwane mala yakanaka kuti nokuishandisa ndiwane Mwari wechokwadi. Ndainyengeterawo kuti ndiwane shamwari yechokwadi ingandibatsira nokuti handina shamwari. Munonzi ani?”
“Ndinonzi Mala, uye, chokwadi ndinogona kuva shamwari ichakubatsirai kudzidza Bhaibheri.”
“Hazvidaviriki kuti Mwari andipa Mala mupenyu!”
Vakadzi vaviri vacho vakaronga kudzidza bhurocha raAnodei. Shwe anopinda misangano nguva dzose uye ari kutaura nezvevavariro yake yokubhabhatidzwa.
MuHonduras imwe hanzvadzi mumishinari yakanga ichitamburira kudzidza chiSpanish yakapinda mune chimwe chivako chemahofisi, ikagovera magazini kumukadzi aiva panosvikira vanhu. Runhare rwomuhofisi yacho rwakabva rwarira, uye hanzvadzi yacho mumishinari yakafunga kuti mushandi wacho wepanosvikira vanhu akaikumbira kugara pasi, iyo ikabva yagara. Yakanga isina kunzwisisa. Mushandi wacho wepanosvikira vanhu akanga aikumbira kuti iende. Munguva iyi, mumwe mukadzi aiva mune imwe hofisi yaiva pedyo akanga ave achinyengeterera kubatsirwa kuti agumise ukama hwounzenza hwaakanga ainahwo nomumwe murume akanga akaroora uye odzidza nzira inogamuchirika yokunamata Mwari. Paakanzwa inzwi rehanzvadzi yedu munzvimbo inosvikira vanhu, akadavira kuti munyengetero wake wakanga uchipindurwa. Zvisinei, paakanzwa mushandi wepanosvikira vanhu achikumbira hanzvadzi yedu kuti iende, akatyira kuti mumishinari wacho aizoenda asati ataura naye. Zvisinei, mumishinari wacho akazoti: “Mukadzi wacho paakamhanya kuti azotaura neni, ndakanga ndichiripo nokuti ndakanga ndisina kunzwisisa zvakanga zvataurwa nomushandi wepanosvikira vanhu. Tose tiri vaviri tine chokwadi chokuti uku kwaiva kutungamirira kwaJehovha.” Makore akanga apfuura, mukadzi wacho akanga averenga mabhuku eZvapupu zvaJehovha, uye zvino akasarudza kunyatsoisa mwoyo wake pazvinhu zvine chokuita nokunamata. Akagumisa kare ukama hwake nomurume wacho akaroora uye ari kudzidza Bhaibheri nokupinda misangano nguva dzose.
Imwe hanzvadzi piyona chaiye muEl Salvador yakagoverwa kuungano yaiva nendima yaiva nevanhu vashoma vaifarira chokwadi. Yakanyengetera kuna Jehovha kuti aibatsire kuwana vanofarira. Mumwe musi weSvondo yakasangana nomumwe murume wechidiki wayakakurukura naye Bhaibheri. Akagamuchira bhuku raZivo akabvuma kuti hanzvadzi yacho izodzoka. Hanzvadzi yacho yakadzoka kakawanda, asi akanga asingawaniki pamba. Zvisinei yakaonana nomudzimai wake, uyo aisafarira zvakanyanya zveBhaibheri. Payakashanya kechishanu, mukadzi wacho akati ipinde mumba, kunyange zvazvo akati, “kwemaminitsi gumi chete.” Hanzvadzi yacho yakabvunza kana bhuku riya raZivo rakanga riri pedyo. Mukadzi wacho akawana bhuku racho, uye hanzvadzi yacho yakatsanangura zvishoma pfungwa shomanana dziri mubhuku racho, ikaratidzira urongwa hwokudzidza Bhaibheri. Pashure pemwedzi mitatu, mukadzi wacho akatanga kupinda misangano uye akanyatsoratidza kuti ava kufambira mberi. Zvakadiniko nomurume wake? Nguva zvayakapfuura, akatangawo kudzidza. Akabva atanga kupinda misangano nemhuri yake. Vaviri ava zvino vari kushanda kuti vanyorese pamutemo kuroorana kwavo. Kushivirira pamwe chete nokunyengetera zvakaita kuti zvinhu zvigume zvanaka.
Margarita, anogara kuMexico, anotaura nezvokubudirira kwaakawana nokupupura zvisina kurongwa, achiti: “Tiri mukirasi yokudzidzira kusona, ndakataura nomumwe wevandaidzidza navo nezveBhaibheri. Akataura kuti aifunga kuti mhuri dzeZvapupu zvaJehovha dzairarama upenyu hunofadza, zvavanogara vachinyemwerera uye vachiita sevanofara zvikuru. Ndakamuudza kuti zvaaifunga zvakanga zvakarurama uye kuti mufaro wechokwadi unowanikwa nevaya vanovimba naJehovha uye vanorarama maererano nenheyo dzeBhaibheri.” Margarita akatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe wake waaidzidza naye, uyo zvino ava kupinda misangano nguva dzose uye ari kufambira mberi pakuziva chokwadi.
MuDominican Republic, Ana akasiyira mumwe murume uyo aiita seainetseka bhurocha raAnodei. Mudzimai wake akanga ari muchipatara kuti avhiyiwe nokuti aiva nekenza. Akati mudzimai wake aifarira kuverenga, naizvozvo aizoenda nebhurocha racho kuchipatara. Ana akazosangana nomudzimai womurume wacho, uyo akati: “Tinogona kutanga kudzidza. Ndakagadzirira.” Gare gare akazotsanangura kuti paaiva muchipatara, akateterera Mwari kuti amubatsire kuwana chitendero chechokwadi. Panguva iyoyo chaiyo, murume wake akamuunzira bhurocha raAnodei. Akariverenga, akaziva kuti iyi yaiva mhinduro yaMwari yomunyengetero wake, uye akabva aiita vavariro yake kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo aifanira kufamba kweawa imwe chete kuenda kunopinda misangano paImba yoUmambo, akakurumidza kufambira mberi uye munguva pfupi yakatevera akatenderwa kuva muparidzi. Iye akati, “Zvino ndinogona kuzadzisa mhiko yangu yandakaita kuna Mwari.” Mwedzi mitanhatu isati yapera, iye akabhabhatidzwa pakokorodzano yoruwa, uye iye zvino anopfuurira kushumira Jehovha achifara.
Martin, muparidzi ane makore 13 anogara muParaguay, anonakidzwa nokupupura zvisina kurongwa. Rimwe zuva paakanga achidzokera kumba achibva kuchikoro uye achiparidzira munhu aipfuura, akaona kapasuru kaiva mumugwagwa. Martin akakanhonga, akawana kuti kaiva nemari. Zvaasina kuona munhu aikatsvaka, akakaisa muhomwe. Paakaramba achienda hake, akafunga kuti: ‘Nemari iyi ndinogona kubhadhara chikwereti chemari yechikoro chemwedzi mitatu chandiinacho, ndikabatsira kubhadhara zvimwe zvinhu zvinofanira kubhadharwa nevabereki vangu.’ Munguva iyi, asiri kutombozviziva, akatora mumwe mugwagwa waasingawanzoshandisi. Ikoko akaona mumwe murume uyo airatidza kuti akanga achitsvaka chimwe chinhu. Akanzwa murume wacho achiti akanga arasa maguarani 115 000 ($18.25, U.S.) (Z$15 038) uye kuti ndiyo mari chete yaakanga asara nayo yokurarama nayo kwomwedzi wacho wose. Martin akabva ayeuka mashoko omumwe wevakuru vakanga vakurukura naye mibvunzo yorubhabhatidzo. Mukuru wacho akanga amboti: “Uchanangana nemiedzo mizhinji, uye zvakatonyanya kudaro zvawava kubhabhatidzwa.”
Martin aida mari yacho zvikuru. Zuva iroro akanga asina kunyange kuwana zvokudya zvakakwana paaiva kuchikoro, tisingatauri hedu nezvemari yechikoro. Zvisinei, aine chokwadi chokuti akanga achiita zvakarurama, Martin akabvunza murume wacho kuti anyatsotaura mari yaakanga arasa. Mari yacho ndiyo chaiyo yakanga yanhongwa naMartin. Martin akamupa mari yacho pamwe chete neturakiti, akamuudza kuti aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Asingachabatiki nokufara, murume wacho akaonga aongazve Martin uye akamumbundira. Murume wacho akapa Martin kero yake kuti azomushanyira. Martin akabhabhatidzwa pamwe chete nevabereki vake pagungano redunhu rakaitwa misi ichangobva kupfuura.
ASIA NEMIDDLE EAST
Nhamba yenyika: 47
Nhamba yevanogara imomo: 3 931 574 927
Nhamba yevaparidzi: 568 370
Nhamba yevanodzidza Bhaibheri: 417 308
Dambudziko routano rakaita kuti Kumiko, hanzvadzi inopayona anogara pedyo neTokyo, kuJapan, aite zvishoma muushumiri hwepaimba neimba. Nokudaro, aipedza nguva yakawanda achiparidza netsamba. Vaiva muungano vaimupa kero dzevaya vakanga vakaoma kusvika nokuti kakawanda vaisawanika pamba. Ainyora tsamba dzacho, uye vaparidzi veungano vaienda nadzo. Kwerinopfuura gore, haana kuwana mhinduro. Zvisinei, akaramba achinyora nokutendeka. Pakupedzisira, anyora tsamba 1 500, akagamuchira kadhi raiti: “Ndinokuongai nokuda kwetsamba yenyu. Ndinofarira zvikuru zvamakataura. Ndinowanika pamazuva anotevera, uye ndichamirira kuti muonane neni.” Nemisodzi yokufara, akashanyira munhu uyu, uye chidzidzo cheBhaibheri chakabva chatangwa. Anoti: “Pakutanga, ndaitya kunyora tsamba, asi iko zvino ndine chivimbo chokuti kana tikatsvaka vanhu vakafanana nemakwai tichishivirira, chokwadi Jehovha achakomborera zvose zvatinoedza kuita.”
Mamwe mangwanani iri muushumiri hwepaimba neimba muIndia, imwe hanzvadzi yakagogodza pasuo. Mukadzi akanga akasuruvara akavhura suo. Vana vadiki vaviri vakanga vakagara pasi vaine ndiro dzisina chinhu pamberi pavo. Hanzvadzi yedu yakamuudza shoko rinonyaradza roUmambo hwaMwari nezvikomborero zvahwo, uye mukadzi wacho akanyatsoteerera. Munguva iyi, vana vacho vaiva nenzara vakaramba vachiteterera amai vavo kuti vavape zvokudya. Ivo vakaramba. Hanzvadzi yacho yakataura kuti yaizofara kumbomira kusvikira vana vacho vapiwa zvokudya. Mukadzi wacho akabva atanga kuchema, achitsanangura kuti zvokudya zvacho zvakanga zviine muchetura. Akanga ava kuda kuvapa zvokudya zvacho paakanzwa kugogodza pasuo. Akanga asarudza kuzviuraya pamwe chete nevanasikana vake vaduku vaviri, nemhosva yezvinetso zvemhuri, zvaisanganisira murume akanga ari chidhakwa. Payakanzwa izvi, hanzvadzi yacho yakarasa zvokudya zvacho, ikamhanya kuchitoro chaiva pedyo, ndokutenga zvokudya zvokupa mhuri yacho. Vakabika vose zvokudya zvacho ndokuzvipa vana vacho. Shoko roUmambo rakanyaradza zvikuru mukadzi uyu. Akabvuma kudzidza Bhaibheri uye iye zvino ava Chapupu chakabhabhatidzwa. Vana vake vaviri vanouya kumisangano pamwe chete naye. Munguva pfupi yapfuura, murume wake akatanga kupinda misangano uye ari kufambira mberi zvakanaka.
SARS! Shoko iri rakaita kuti mwoyo yevazhinji muTaiwan itye kwazvo. Vachitya, vanogara imomo vakatarira mishumo yenhau pamusoro pokuti hosha yacho yakanga yabata sei Hong Kong. Yakabva yasvika muTaiwan! Zvipatara zvinoverengeka zvaifanira kuvharwa nokuti hosha yacho inotapukira yakanga yapararira, uye vanhu vazhinji vaitya kuti vaizobatwawo nayo. Hofisi yebazi yakabatsira ungano kuwana mathermometer zvokuti hama dzaigona kutora tembiricha yomunhu wose aipinda misangano kunyange zvazvo hurumende yakanga isati yataura kuti izvozvo zvaifanira kuitwa.
Hurumende yakabva yakumbira kuti zvitendero zvose zvakanyoreswa zvirege kuparidza mune dzimwe nzvimbo dzinogarwa. Purogiramu chaiyo yoMusangano Webasa yakabatsira hama kuona kuti dzaizogadzirisa sei basa radzo kuti dzidzivise matambudziko. Mumwe piyona chaiye akaita zvakanga zvanzi zviedzwe zvokudzokerazve kune vaya vakaratidza kufarira zvishoma. Somugumisiro, nhamba yevanhu vaanodzidza navo Bhaibheri yakawedzera. Iye zvino vanoverengeka veava vatsva vaanodzidza navo vari kufambira mberi zvakanaka. Akati: “Zvakatanga sezvinhu zvakaipa zvakaguma nokuva noushumiri hunobudirira.”
Payakanga iri mubasa romumunda muCyprus, imwe hanzvadzi yakasangana nomumwe mukadzi akati akanga aine basa. Hanzvadzi yacho yakataura zvishoma nepahwindo rekicheni rakanga rakavhurika, ikaverenga Pisarema 72:12-14, ndokuronga kuzoshanyazve pane imwe nguva yakakodzera. Payakazodzoka, hanzvadzi yacho yakashamisika kunzwa kuti mukadzi wacho akanga achitarisira zvikuru kudzoka kwayo. Nei? Mukadzi wacho akanga awana kuti rugwaro rwacho rwainyaradza zvikuru—akanga afunga nezvarwo zuva rose. Hanzvadzi yacho yakakumbira kuti vadzidze Bhaibheri, uye mukadzi wacho akabvuma achidisa. Zvino mudzimai wacho anotaura kuti anoonga zvaari kudzidza muShoko raMwari.
Polo, mumwe murume wokuCambodia, akatanga kudzidza nomumishinari uye akafambira mberi zvakanaka. Akanga achipinda misangano yeungano yose iri mishanu muPhnom Penh. Waanoshandira akamuudza kuti atamire kuBattambang, guta riri pedyo nomuganhu weThai. Ikoko hakuna ungano, saka Polo akapa munhu aimudzidzisa Bhaibheri nhamba dzake dzeserura, uye vakaramba vachidzidza norunhare kwemaminitsi 30 Chitatu neChishanu choga choga. Polo aidawo kutsinhira paChidzidzo cheNharireyomurindi. Ungano zvayaiva kure, ainyora mhinduro dzake nhatu kana kuti ina dzechidzidzo chevhiki yaitevera odzisiyira mutariri wake weChidzidzo cheBhuku cheUngano kuti dzizoverengwa pamusangano wevhiki yacho. Kusvikira panguva ino kushingaira kwake kwakurudzira vaparidzi veungano. Anoedzawo kupupurira vaya vaanosangana navo. Paanokwira bhazi achienda nokudzoka kubva kuPhnom Penh, anoparidza kuvanhu vazhinji uye anovakurudzira kupinda misangano. Vavariro yake inotevera ndeyokuva muparidzi asina kubhabhatidzwa.
MuMongolia dzimwe hanzvadzi mbiri dzakasangana nomumwe murume ane makore anenge 30. Akadzikumbira kuti dzimbomira, iye akapinda mumba make, akabuda nemabhuku maviri, anoti: Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu uye Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Akataura kuti akanga adzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muPoland makore 12 akanga apfuura. Paakadzokera kuMongolia muna 1993, akabva atumira tsamba achikumbira kuti Zvapupu zvimushanyire. Zvisinei, panguva iyoyo pakanga pasina Zvapupu muMongolia, saka haana kushanyirwa. Pane imwe nguva gare gare, akaenda kuIndia kunodzidza pane imwe yunivhesiti, kwaakagara kwemakore mashanu. Mumakore iwayo, kubvira muna 1994 kusvikira muna 1998, haana kumboonana neZvapupu zvaJehovha. Akabva adzoka kuMongolia, kwaakazokwanisa kuonana nehama. Chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chakatangwazve, uye muna April 2003, akapinda musangano wake wokutanga. Iye zvino ari kudzidza achifara bhurocha raAnodei.
Mumwe mukadzi wechiBuddha muSri Lanka akashamisa Zvapupu zviviri nokuzvigamuchira noushamwari mumba make, achiti zvakanga zviri mhinduro kumunyengetero wake! Akatsanangura kuti mwanasikana wake muduku akanga azvisungirira mumazuva mashoma akanga achangopfuura nokuti akanga amuranga. Mupristi wechiBuddha waakaenda kwaari kunotsvaka kunyaradzwa akamuudza kuti mwanasikana wake aizoberekwa patsva, odzoka kuzomutsiva. Izvi zvakatyisa mukadzi wacho. Imwe yeshamwari dzake yakamuudza kuti vanhu vechiKristu havatendi zvinhu zvakadaro. Naizvozvo mukadzi wacho akanyengetera kuti asangane nomuKristu wechokwadi, achifunga kuti munhu weKaturike aizotumwa. Asi, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakashanya, zvikamunyaradza nechokwadi cheBhaibheri. Iye zvino ari kudzidza Bhaibheri pasinei nokushorwa nomupristi wacho wechiBuddha.
MuKyrgyzstan mumwe mukadzi muduku akanga ambopinda chechi yeEvangelical kwemakore mazhinji. Zvaaiverenga Bhaibheri, akaona kusiyana kwakaita zvakanyorwa imomo nezvinodzidziswa muchechi yake. Somuenzaniso, aisagona kunzwisisa dzidziso yechechi yokuti Jesu Kristu ndiBaba uyewo Mwanakomana. Aine chokwadi chokuti mwanakomana anofanira kuva nababa, akanyengetera nomwoyo wose kuna Baba vaJesu Kristu, achivakumbira kuti vamubatsire kuwana mhinduro dzemibvunzo yake yeBhaibheri. Zuva rakatevera Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakamushanyira. Zvakamubvunza kuti, “Munofungei? Jesu Kristu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuna ani, uye akavakurudzira kutsvenesa zita ripi?” Akashamiswa paakayeuka kuti akanga anyengetera sei zuva rakanga rapfuura kuna Baba vaJesu Kristu kuti vapindure mibvunzo iyoyi. Pashure pokukurukurirana, akasara asina kana mubvunzo kuti Mwari akanga apindura munyengetero wake. Mukadzi wacho akabvuma kudzidza Bhaibheri nguva dzose, akatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Paakadzidza kuti Jehovha ndivo Baba vaJesu, akatanga kunyengetera achishandisa zita raMwari. Iye zvino ari kufambira mberi mukunamata uye ari kuudzawo hama dzake zivo yaakawana.
◼ AFRICA
Nhamba yenyika: 56
Nhamba yevanogara imomo: 755 145 559
Nhamba yevaparidzi: 950 321
Nhamba yevanodzidza Bhaibheri: 1 666 518
Munzendo zhinji dzokubva kune rimwe taundi kuenda kune rimwe nebhazi muZambia, vanenge vari mubhazi vanowanzovaraidzwa nemavhidhiyo ane zvinhu zvechisimba uye zvounzenza. Mamwe mamishinari maviri akaroorana aifamba nebhazi achienda kuguta guru akakumbira kana zvaiita kuratidza vhidhiyo inonzi The Bible—Its Power in Your Life. Mutyairi wacho akabvuma. “Takaona kuti vaiva mubhazi vakanyatsotarira, vachinyatsoteerera,” anoyeuka kudaro Ruth. “Pashure, takataura navo, tichivapa maturakiti nemagazini. Zvavakaita zvairatidza kuva nechido.” Vaviri vacho vakakumbira mutyairi wacho kana aigona kuratidza vhidhiyo yacho zvakare, vachifunga kuti aizoita izvozvo gare gare. Akabva aidzosa kwokutanga, akairatidza zvakare. Richard anoti: “Vanhu vaiva mubhazi vakanakidzwa nevhidhiyo yacho kechipiri, uye takafara kuti takamukumbira kuti adaro.”
Miranda, mudzidzi achiri wechiduku ari muMalawi, akanga achiratidza waanodzidza naye bhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri panguva yokumbozorora kuchikoro. Mumwe mudzidzisi akangoita manzwira kukurukurirana kwacho uye akashevedza Miranda muhofisi yake. Akamubvunza nei akanga audza shamwari yake kuti yaifanira kuroorwa. Miranda akapindura kuti akanga asina kuudza shamwari yake kuti iroorwe. Asi, akanga akurukura kuti bhuku racho raigona sei kubatsira mhuri kuwana mufaro wechokwadi. Ashatirwa, mudzidzisi wacho akapopotera Miranda achiti, “Uri mwana iwe kuti upe mazano pamusoro pevanhu vakaroorana!”
Agumbuka uye achidedera, Miranda akabuda muhofisi yomudzidzisi wacho. Mazuva maviri gare gare mudzidzisi wacho akamushevedza muhofisi yake zvakare. Miranda anorondedzera zvakatevera kuitika, achiti: “Mudzidzisi wangu akati aiva nourombo nokushatirwa kwaakanga aita, uye akandiudza kuti iye nomudzimai wake vaigara vachipopotedzana uye vakanga vatosvika pakuparadzana. Akandikumbira bhuku randakanga ndaratidza mumwe wandinodzidza naye. Ndakafara kumupa. Vhiki mbiri gare gare akandiudza kuti bhuku racho raibatsira uye kuti akanga atoripawo mudzimai wake. Pakupedzisira, iye nomudzimai wake vakadzokerana.”
MuSouth Africa mumwe murume akwegura anonzi Eric akanga adzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwemakore mazhinji, asi kusvuta fodya kwakanga kuchikanganisa kufambira mberi kwake mukunamata. Pashure pokunge mudzimai wake abhabhatidzwa, akasarudza kuti avavarire kuitawo saizvozvo. Akawana makopi anoverengeka akadhindwa nemabhii makuru emashoko oRugwaro anowanika pana 2 VaKorinde 7:1, anoti: “Naizvozvo, vanodiwa, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” Eric akaisa mashoko acho munzvimbo dzinonyatsooneka mumba make. Pose paainzwa achida kubatidza mudzanga, aiverenga mashoko acho, onyengetera kuti Jehovha amubatsire kurega kusvuta. Somugumisiro, ava nemwedzi inopfuura gumi asingasvuti. Iye zvino Eric ava muparidzi asina kubhabhatidzwa uye ari kuronga kubhabhatidzwa pakokorodzano inotevera.
Ichimirira chikepe muzvitsuwa zvokuSeychelles, imwe hanzvadzi mumishinari yakaona mumwe mukadzi akanga ari oga. Kunyange zvazvo hanzvadzi yacho yakanga yaneta pashure pokuparidza zuva rose, yakaenda kumukadzi wacho, ikamupa turakiti. Akaritambira, achiti aiva muHindu. Mazuva mashomanana gare gare, vakasanganazve mumugwagwa, uye hanzvadzi yacho yakaronga kuzoonana naye kuti vadzidze Bhaibheri. Murume womukadzi wacho, uyo ari chiremba, aimbova muKaturike, asi pashure pokuverenga bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu uye Zivo, akabvuma kupindawo chidzidzo chacho. Mamwe manheru, vaviri vacho vakakoka hanzvadzi yacho nomurume wayo kuti vazogocha nyama. Vose vari vaviri vakapisa mifananidzo yavo yechitendero vakabika zvokudya zvavo nomoto wacho! Munguva pfupi yakatevera vakatanga kupinda misangano uye kuita basa romumunda. Pashure pokubhabhatidzwa, vari vaviri vakatanga upiyona hwebetsero. Chitsuwa chacho zvachiri chidiki, hama iyi inonyatsozivikanwa munzanga yacho. Vamwe vanoita jee vachiti, “Chiremba uya zvino ava mupristi.” Iye zvino ari kushanda somushumiri anoshumira, uye mudzimai wake ari kunakidzwa nebasa rake sapiyona wenguva dzose.
Ishmael akadzidza mutauro wemasaini kuti abatsire matsi muZimbabwe kuti dzidzidze chokwadi. Ari mubhazi mumwe musi, akaona mukadzi matsi achipemha mari kuvanhu vaiva imomo. Ishmael akamuparidzira, akaronga kuzosangana naye zvakare. Paakabvunzwa kuti chechi yake yaidzidzisa kuti chii nezvechikonzero nei ari matsi, mukadzi wacho akapindura kuti: “Vanoti kuda kwaMwari kuti ndive matsi.” Ishmael akamutsanangurira kuti hakusi kuda kwaMwari kuti vanhu vave matsi, asi kuti mamiriro ezvinhu akadaro anobva muchivi chakagarwa nhaka uye kusakwana. Akatsanangurawo kuti Mwari nokukurumidza achabvisa hosha dzose. Mukadzi wacho akapindura kuti: “Ndinoda kuziva nei chechi yangu ichidzidzisa nhema.” Ishmael paakasangana naye kechitatu, mukadzi wacho akati: “Kubvira zvino zvichienda mberi ndava mumwe wenyu. Handichadi kuteererazve nhema.” Ari kudzidziswa Bhaibheri, uye ave achipinda misangano yeungano nguva dzose uye anotarisira kuzova muparidzi asina kubhabhatidzwa nokukurumidza.
MuGhana kutamburira kuwana chokurarama nacho kunosiya vanhu vazhinji vaine nguva duku yokuti vafunge pamusoro pezvokunamata. Imwe hanzvadzi piyona wenguva dzose yakaenda kune mumwe murume wechidiki iri muushumiri hwepamba nemba, ikakumbira maminitsi mashanu chete panguva yake kuti vakurukure Bhaibheri. Iye akapindura kuti: “Ndinogara ndiine basa zuva rose. Ndinongodzoka kumba 8:00 dzemanheru dzapfuura kuti ndizorara.”
Hanzvadzi yacho yakabvunza kuti: “Zvinoita here kushandisa nguva dukuduku panguva yenyu yokurara kuti mudzidze Bhaibheri?”
Iye akati: “Kana mukangouya 8:00 dzemanheru dzapfuura chete.” Zuva rakatevera racho, hanzvadzi yacho nomurume wayo vakaenda kumba kwomurume wacho na8:00 chaidzo dzemanheru. Akanga achangodzoka kubva kubasa. Chidzidzo cheBhaibheri chakatangwa, uye munguva pfupi akatanga kupinda misangano. Gare gare akava muparidzi asina kubhabhatidzwa uye pakupedzisira akabhabhatidzwa. Kuchinja kwaakaita muupenyu hwake kwakafadza mudzimai wake zvokuti akabvuma kudzidza Bhaibheri uye munguva pfupi akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Vavakidzani nevazhinji vaiziva mararamiro omunguva yakapfuura omurume wacho wechiduku vaisagona kuzvitenda pavakamuona achiparidza paimba neimba. Vazhinji vaida kuziva zvaigona kuchinja munhu akadaro aizivikanwa kuti aidhakwa, aiba, uye aishandisa mirimo zvisina kukodzera. Pashure pacho, vanhu 22 mutaundi racho vakakumbira kudzidza Bhaibheri. Vanhu vanokwana 12 pana ivavo vava kutopinda misangano yeungano uye munguva pfupi vangangova vaparidzi vasina kubhabhatidzwa.
[Mufananidzo uri papeji 43]
Steponas naEdvardas, Lithuania
[Mufananidzo uri papeji 47]
Alyce pamwe chete nomudzidzisi wake, Linda, muAustralia
[Mufananidzo uri papeji 51]
Mala, United States
[Mufananidzo uri papeji 56]
Kumiko, Japan
[Mufananidzo uri papeji 61]
Ruth naRichard, Zambia