RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 November p. 30
  • Nyaya Inobatsira Vanhukadzi Vakamboshungurudzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaya Inobatsira Vanhukadzi Vakamboshungurudzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvemabatirwo Anofanira Kuitwa Vanhukadzi?
    Dzimwe Nyaya
  • Shandisa jw.org Muushumiri​—“Iva Shamwari yaJehovha”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • “Vakadzi Vanoshanda Zvakaoma munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zvaungaita Pakudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 November p. 30
Hanzvadzi iri kupa mumwe mukadzi bepa rine nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinotii Nezvemabatirwo Anofanira Kuitwa Vanhukadzi?”

Nyaya Inobatsira Vanhukadzi Vakamboshungurudzwa

“ PASI rese, pane vakadzi nevasikana vakawanda vakamboshungurudzwa. Zvakamboitika kwauri here? Ona kuti nei Mwari achida kuti vakadzi vabatwe zvakanaka uye kuti achaitei nenyaya yekubatwa zvisina kunaka kwevakadzi.”

Mashoko aya ndiwo ari panotangira nyaya iri pajw.org ine musoro wekuti: “Bhaibheri Rinotii Nezvemabatirwo Anofanira Kuitwa Vanhukadzi?” Panoperera nyaya yacho pane pakanzi “Dhaunirodha nyaya iyi.” Kana ukapabaya, unogona kudhaunirodha PDF rine nyaya yacho raunogona kuprinda, woripeta kuti riite seturakiti rine mapeji 4. Imwe hanzvadzi yekuUnited States yakati: “Ndakaprinda nyaya iyi ndikabva ndaenda neimwe hanzvadzi yemuungano medu kune ine nzvimbo iri mundima medu inochengetwa vanhukadzi vakamboshungurudzwa.”

Mumwe mukadzi anoshanda ipapo akakumbira kuti vauye nemamwe maturakiti ekuzopa vamwe vanhu vanogara ipapo. Saka hanzvadzi idzi dzakaendesa mamwe maturakiti aya 40 nemakadhi 30 ejw.org. Padzakazodzokera zvakare, maneja wacho akadzikumbira kuti dziratidze vakadzi vanogara ipapo kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei.

Stacy nedzimwe hanzvadzi mbiri vakaendesawo maturakiti 5 kune imwewo nzvimbo inochengetwa vanhukadzi vakamboshungurudzwa, asi vakatoudzwa kuti vauye nemamwe. Mumwe mushandi wepo akati: “Kapepa aka kachabatsira vakadzi vari pano.” Akazotaurawo kuti: “Ndozvatiri kutotsvaga izvi.” Pavakazodzokera, vakadzi vakawanda vanogara ipapo vakaungana kuti varatidzwe kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei, uye vaviri vacho vakatotaura kuti vaida kuuya kuImba yeUmambo kuti vapinde musangano wekupera kwevhiki iroro.

Stacy anoti: “Tiri kufara chaizvo kuona kuti vanhu vakawanda vari kufarira kuverenga nyaya iyi. Kana ukaprinda PDF racho woripeta, rinobatsira chaizvo kuti usvitse mashoko eUmambo kuvanhukadzi vakamboshungurudzwa. Takafara chaizvo nekugamuchira kwakaita vanhu mashoko aya. Tamirira kuona kuti Jehovha achatibatsira sei kuramba tichiudza vakadzi ava mashoko akanaka.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe