ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Gadzirira Mwoyo Wako
Patinodzidza Bhaibheri, tinoda kuti mafungiro aJehovha aumbe mwoyo wedu kana kuti zvatiri nechemukati. Panyaya iyi, Ezra akaratidza muenzaniso wakanaka ‘paakagadzirira mwoyo wake kuti aone kuti Mutemo waJehovha unotii.’ (Ezra 7:10) Tingagadzirira sei mwoyo wedu?
Nyengetera. Pese paunodzidza, tanga nekunyengetera. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kunzwisisa uye kushandisa zvaunodzidza.—Pis. 119:18, 34.
Zvininipise. Mwari anovanzira chokwadi vaya vanozvikudza uye vanofunga kuti havadi kubatsirwa naye kunzwisisa Bhaibheri. (Ruka 10:21) Usatsvakurudze nechinangwa chekuratidza vamwe kuti unoziva. Paunoona kuti mafungiro ako haasi kuenderana neaMwari, zvininipise wobva wachinja.
Unogona kuteerera rwiyo rweUmambo. Mumhanzi unobata-bata mwoyo wedu. Kuteerera rwiyo rweUmambo paunotanga kudzidza kunogona kukubatsira kugadzirira mwoyo wako.